Chitsauko 40
Kristu anoita kuti kuve nekumuka kwevakafa kuvanhu vose—Vakafa vatsvene vanoenda kuparadiso, vakaipa vanoenda kurima riri kunze kuti vamirire zuva ravo rokumutswa—Zvinhu zvose zvichadzorerwa pazvakanga zviri panguva yoKumutswa kuvakafa. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.
1 Zvino mwanakomana wangu, izvi zvimwe zvakawanda zvandinokutaurira; nokuti ndaona kuti pfungwa dzako dziri kunetseka pamusana pokumutswa kwavakafa.
2 Tarisai, ndinoti kwauri, hakuna kumutswa—kana kuti, ndingati, namamwe mazwi, muviri uno unofa haungafuke kusafa, kuipa uku hakungafuke kusaipa—kusvikira kuuya kwaKristu.
3 Tarisai, anounza kumutswa kwavakafa. Asi tarisai, mwanakomana wangu, kumutswa hakusati kwavapo. Zvino, ndichaburitsa kwauri zvishamiso; zvisinei, kune zvishamiso zvakawanda zvinovanzwa, zvokuti hakuna munhu anozviziva kunze kwaMwari vega. Asi ndinokuratidza chinhu chimwechete chandakakumbira kuna Mwari nesimba kuti ndizive—chinove pamusoro pokumutswa kuvakafa.
4 Tarisai, pane nguva yakatarwa kunzi munhu wose achamuka kuvakafa. Zvino nguva iyi ichauya riini hakuna anoziva; asi Mwari vanoziva nguva yakatarwa.
5 Zvino, kuti kuchava nenguva yokutanga, kana yechipiri, kana yechitatu, apo vanhu vachamuka kuvafi, hazvinei; nokuti Mwari vanozviziva zvose; uye zvakakwana kuti ndizive kuti aya ndiwo mamiriro acho—kuti pane nguva yakatarwa apo vose vachamutswa kuvakafa.
6 Zvino panofanira kunge pane nguva pakati pokufa nokumutswa.
7 Uye zvino ndinoda kuziva zvinoitika kumweya yevanhu vose kubva panguva yorufu kusvikira nguva yakatarwa yokumutswa?
8 Zvino kuti kune nguva dzinopfuura imwechete dzokumutswa kwavanhu hazvina mhosva; nokuti vose havafi pamwechete, uye izvi hazvina mhosva; zvose zvakangoita sezuva rimwechete kuna Mwari, nguva inoerwa chete kuvanhu.
9 Naizvozvo, pane nguva yakatarwa kuvanhu apo vachamutswa muvafi; uye pane nguva pakati porufu nokumutswa. Uye zvino maererano nenguva iyi, chinoitika kumweya yavanhu vakamirira kumuka ndicho chandaka kumbira Ishe nesimba kuti ndizive; uye ichi ndichochinhu chandinoziva.
10 Uye kana nguva yasvika apo vose vachamutswa, zvino vachazoziva kuti Mwari vanoziva nguva dzose dzakatarirwa munhu.
11 Zvino, maererano nekuti mweya unenge wakaita sei pakati penguva yaunofa nenguva yaunozomutswa—Tarisai, zvakaziviswa kwandiri nomutumwa, kuti mweya yavanhu vose, shure kwokunge yasiya muviri uno, hongu, mweya yavanhu vose, yakanaka kana yakaipa, inotorwa yoenda kumusha kuna Mwari ivavo vakavapa upenyu.
12 Uye ipapo zvichaitika kuti nguva ichasvika, yekuti mweya yaavo vakarurama igamuchirwe mukufara, munzvimbo inodaidzwa kuti paradiso, mukuzorora, murunyararo, apo vachazorora kubva kumatambudziko avo ose, nomukusuwa.
13 Uye zvichaitika, kuti mweya yevakaipa, hongu, avo vakaipisisa—nokuti tarisai, havana chidiki zvacho cheMweya waIshe; nokuti tarisai, vakasarudza mabasa akaipa pane akanaka; naizvozvo mweya wadhiabhorosi wakapinda mavari, ukatora imba yavo—uye ava vachakandwa kurima rokunze; kuchava nokuchema, nokuyaura, nokugeda-geda kwameno, uku kuri kuda kwokuipa kwavo, nokuva vanotungamirirwa muuranda nokuda kwadhiabhorosi.
14 Zvino izvi ndizvo zvinenge zvakaita mweya yakaipa, hongu, murima, munguva yakaipisisa, nokutya hasha huru dzaMwari pavari; saka vachange vari munzvimbo iyi, vatsvene vanenge vari muparadiso, kusvikira nguva yavo yokumutswa kuvakafa.
15 Zvino, kuna vamwe vakanzwa kuti nguva iyoyi yorufaro nenguva iyoyo yokusuwa kwemweya, tisati tasvika mukumutswa, ndiko kumutswa kwokutanga. Hongu, ndinobvuma kungangodaidzwa kuti kumutswa, kumutswa kwemweya nokuzoiswa kwaunoitwa murufaro kana mukusuwa maererano namazwi akataurwa.
16 Uye zvino tarisai, zvakataurwa zvakare, kuti kune kumutswa kwokutanga, kumutswa kweavo vose vakanga vari, kana vari, kana vachazova, kusvika pakumuka kwaKristu kubva muvafi.
17 Zvino, hatifunge kuti kumutswa uku kwokutanga, kunotaurwa munzira iyi, kungave kumutswa kwomweya nokuendeswa murufaro kana mukusuwa. Haungafungi kuti izvi ndizvo zvazvinoreva.
18 Tarisai, ndinoti kwauri, Kwete; asi zvinoreva kubatana zvakare kwomweya nomuviri, kweavo kubva mumazuva aAdama kusvika pakumuka kwaKristu.
19 Zvino, kuti mweya nemiviri yaavo vambotaurwa ichabatanidzwawo pakarepo, vasakarurama nevakarurama, handizi kutaura; ngazvive zvakakwana, kuti nditi vose vachamuka; kana kuti namamwe mazwi, kumutswa kwavo kunouya kumutswa kweavo vakafa shure kwokumuka kwaKristu vasati vamutswa.
20 Zvino, mwanakomana wangu, handina kuti kumutswa kwavo kunouya pakumuka kwaKristu; asi tarisai, ndinongopa sokufungawo kwangu, kuti mweya nomuviri zvichabatana, pautsvene, pakumutswa kwaKristu, nokukwira kwake kudenga.
21 Asi nyangwe zvikave pakumutswa kwake kana kuti shure, handitaure; asi izvi ndinotaura, kuti pane nguva pakati porufu nokumutswa kwomuviri, kuti mweya uri mukufara kana nokusuwa kusvikira nguva yakatarwa naMwari kuti vakafa vachabuda, vogobatanidzwa, zvakare mweya nomuviri, vogounzwa kuti vamire pamberi paMwari, vogotongwa maererano namabasa avo.
22 Hongu, izvi zvinounza kudzorerwa pakare kwezvinhu zvose zvakambotaurwa nemiromo yavaporofita.
23 Mweya uchadzorerwa kumuviri, uye muviri kumweya; hongu, yose nhengo nebvupa rimwe nerimwe richadzorerwa kumuviri waro; hongu, hakuna kana kavhudzi kemusoro kanorasika; asi zvinhu zvose zvichadzorerwa panzvimbo yazvo chaiyo zvakakwana.
24 Uye zvino mwanakomana wangu, uku ndiko kudzorerwa kwezvinhu kwaitaurwa nemiromo yamaporofita—
25 Uye zvino avo vatsvene vachazopenya muumambo hwaMwari.
26 Asi tarisai, kufa kunorwadza kunouya pane vakaipa; nokuti vanofa pazvinhu zviri maererano neutsvene; nokuti havana kuchena, uye hakuna chinhu chine tsvina chingagare nhaka youmambo hwaMwari; asi vanorasirwa kunze, uye vanotumirwa kunodya michero yamabasa avo, anga akaipa; vanonwa mabvondwe emukombe unovava.