Chikamu 131
Mirairo yaJoseph Smith Muporofita, yakapihwa paRamus, Illinois, 16 na 17 Chivabvu 1843 (History of the Church, 5:392–393).
1–4, Kuroorana kweseresitiyaro kunokosha kwazvo mukusimudzirwa kudenga repamusorosoro; 5–6, Kuti vanhu vanobatanidzwa sei kuupenyu hwokusingaperi kuno tsanangurwa; 7–8, Wose mweya chinhu.
1 Mukubwinya kweseresitiyaro mune matenga matatu kana zvinhanho;
2 Uye kuti awane chepamusoro-soro, munhu akafanira kupinda muhurongwa uhu hwehupirisita [zvinoreva chibvumirano chitsva uye chisingaperi cheroorano];
3 Uye kana akasadaro, haangachiwane.
4 Angangopinda mune rimwe asi ndipo panoperera umambo hwake; haakwanise kupamhidzira.
5 (Chivabvu 17, 1843.) Izwi rechokwadi rakazara nehuporofita zvinoreva kuziva kwemunhu kuti akasunganidzwa kuupenyu hwokusingapere, nokuzarurirwa nemweya wechiporofita, kuburikidza nesimba reHupirisita Hutsvene.
6 Hazvigone kuti munhu aponeswe ari mukusaziva.
7 Hakuna chinganzi hachisi chinhu. Mweya wose chinhu, asi wakanyanya kutsetseka nokuchena uye angangoonekwa chete nemaziso akachena zvakawedzerwa;
8 Hatigone kuuona; asi kana miviri yedu yacheneswa tichaona kuti wose chinhu.