Zvibatsiro Zvekudzidza
Mepu 5: Matunhu eMissiouri, Illinois, neIowa eUSA


Mepu 5

Matunhu eMissiouri, Illinois, neIowa eUSA

Mepu 5 yenhoroondo yeChechi

Kch.

Winter Quarters

Council Bluffs (Kanesville)

Gomo rePisgah

Iowa

Rwizi rwePlatte

Nauvoo

Garden Grove

Ramus

Montrose

Dunhu Riripasi Pehutongi hweMaindia echiAmerica

Rwizi rweMissouri

Rwizi rweGrand

Carthage

Rwizi rweChariton

Springfield

Quincy

Adama-ondi-Amani

Rwizi rweMississippi

Illinois

Gallatin

Rukova rweShoal

Chigayo chaHaun

Rwizi rweFishing

Far West

DeWitt

Missouri

Liberty

Richmond

Mugonyorwa weMcIlwaine

Rusvingo rweLeavenworth

Independence

Rwizi rweMissouri

St. Louis

Ruwa rweJackson

Makiromita

0 50 100 150 200

A B C D E F G H

1 2 3 4

●1

●2

●3

●4

●5

●6

●7

●8

●9

  1. Independence Pakadomwa senzvimbo huru yeZioni (ona D&Z 57:3). Nzvimbo yekuvakira temberi yakakumikidzwa musi wa3 Nyamavhuvhu 1831. Vatendi vakatandaniswa kubva pano muna 1833.

  2. Rwizi rweFishing Joseph Smith neChikwata cheZioni vakafamba kubva kuKirtland, Ohio, kuenda kuMissouri muna 1834 kunodzoserazve Vatendi vemuRuwa rweJackson kunzvimbo yavo. D&Z 105 chakazarurwa kumahombekombe kwerwizi urwu.

  3. Far West Iyi yakave nzvimbo hurusa yakagarwa nemaMormoni muMissouri. Nzvimbo yetemberi yakakumikidzwa panzvimbo ino (ona D&Z 115). Musi wa8 Chikunguru 1838, Chikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri vakatambira daidzo kubva kunaIshe kuti vanoshumira muZvitsuwa zvechiBritish (ona D&Z 118).

  4. Adama-ondi-Amani Ishe vakadoma nzvimbo iyi iri kumusoro kweMissouri senzvimbo yekuunga kukuru kuchaitika nunguva inotevera apo Jesu Kristu achauya kuzosangana naAdama nezvizvarwa zvake zvakarurama (ona D&Z 78:15; 107:53–57; 116).

  5. Jeri reLiberty Joseph Smith nevamwe vakazaririrwa zvemanyepo pano kubva muna Zvita 1838 kusvikira muna Kubvumbi 1839. Pakati penguva dzekushushikana kweChechi uku, Joseph akadeedzera kunaIshe achitsvaka gwara rekufamba naro akagamuchira D&Z 121–123.

  6. Nauvoo Inowanikwa paRwizi rweMississippi, dunhu iri raive nzvimbo yekuunganirana kweVatendi kubva muna 1839 kusvika 1846. Pano temberi yakavakwa, uye zvisungo zvakaita sekubhabhatidzwa kwevakafa, endawumenti, nekusunganidzwa kwemhuri zvakatanga. Pano Chita Cherubatsiro chakarongwa muna 1842. Zvakazarurwa zvakatambirwa zvinosanganisira D&Z 124–129.

  7. Carthage Pano Muporofita Joseph Smith nemukoma wake Hyrum vakaurairwa chitendero musi wa27 Chikumi 1844 (ona D&Z 135).

  8. Winter Quarters Muzinda mukuru wakagara Vatendi (1846–48) murwendo rwavo kuNhika yeSalt Lake. Musasa weIsraeri wakarongwa pakuenda murwendo rwekumadokero (ona D&Z 136).

  9. Council Bluffs (Kanesville) Hutungamiri hweKutanga hwakatsigirwa neChechi pano musi wa27 Zvita 1847, naBrigham Young seMutungamiri.