Zvibatsiro Zvekudzidza
9. Temberi yeKirtland


9. Temberi yeKirtland

Temberi yeKirtland iri muKirtland, Ohio.

Zviitiko Zvinokosha: Temberi yeKirtland ndiyo temberi yekutanga kuvakwa mumukuwo wevhangeri uno (D&Z 88:119; 95). Mutemberi muno Joseph Smith akaona chiratidzo cheumambo hweserestiaro (D&Z 137). Yakakumikidzwa musi wa27 Kurume 1836 (D&Z 109). Musi wa3 Kubvumbi 1836, Muponesi akazviratidza uye akagashira temberi senzvimbo yaaiuya kuzopa zvakazarurwa zveshoko rake kuvanhu vake (D&Z 110:1–10). Mumashure mechiratidzo ichi Joseph Smith naOliver Cowdery vakatambira kushanya kubva kuna Mosesi, Eria, naErija, vose ava vanova vakavapa makiyi ehumwe hupirisita uye nemazwi anokosha (D&Z 110:11–16). Temberi ino yakashandira Vatendi kwemakore maviri vasati vatiza muKirtland nekudakwekutambudzwa.

mufananidzo 9

9. Temberi yeKirtland Temberi yekutanga kuvakwa mumukuwo uno, 1836. Mutemberi muno, Jesu Kristu, Mosesi, Eria, naErija vakazviratidza uye vakadzorera makiyi ehupurisita (ona D&Z 110).