Zvibatsiro Zvekudzidza
Mamepu neChinongedzo cheNzvimbo dzeMazita


Mamepu neChinongedzo cheNzvimbo dzeMazita

Mamepu anotevera anogona kukubatsira kuti unzwisise zvirinani nhoroondo yekutanga yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira uye nemagwaro matsvene akaburitswa nekuburikidza neMuporofita Joseph Smith nevamwe vakazomutevera mushure. Nekuziva mamiriro enyika dzakataurwa mumagwaro matsvene, unogona kunzwisisa zvirinani zviitiko zvemumagwaro matsvene.

  1. Kuchamhembe Nechekumabvazuva Kwenyika Dzakabatana

  2. Palmyra-Manchester, 1820–31

  3. Matunhu eNew York, Pennsylvania, neOhio eUSA

  4. Kirtland, Ohio, 1830–38

  5. Matunhu eMissiouri, Illinois, neIowa eUSA

  6. Mafambiro Echekumadokero Echechi

  7. Mepu yePasi Rose

Munongedzo wemazita enzvimbo wakarongwa nemurongerwo wemavara earufabheti unogona kukubatsira kuwana nzvimbo yaurikunyatsodisisa pamamepu. Chose chinyorwa chinosanganisira nhamba yemepu zvichiteverwa nemutsara wekukuratidza wakabatanidzwa mavara nenhamba pamwechete. Semuenzaniso, pane Rusvingo rweHall pakapihwa se6:B1; zvichereva kuti, mepu 6, sikweya B1. Unokwanisa kuwana masikweya aurikuda pamepu yega-yega nekutarisa zvinobatsira zviripamusoro nezvirimumativi emepu yacho. Mamwewo mazita akasiyana enzvimbo akanyorwa akaiswa mukati memabhuraketsi, zvichireva kuti rimwe zita raishandiswa kare kana ravakushandiswa; semuenzaniso, Council Bluffs (Kanesville).

Zvinotevera izvi ndiyo nzira yekunzwisisa nayo mavara nemanyorerwo akasiyana-siyana akashandiswa pamamepu. Pamusoro pezvo mepu yega-yega inogona kunge iine makiyi anetsananguro yezviratidzo zvakawedzerwa zvinoenderana nemepu yacho iyoyo.

Donhwe dzvuku rinomirira guta guru kana dhorobha. Mutsetse panedzimwe nguva unogona kunongedza kubva padonhwe kusvika kunezita reguta kana nzvimbo.

Nyanza yeAtlantic

Manyorerwo aya anoshandiswa kutsanangura mamiriro enzvimbo dzepasi senyanza, magungwa, madziva, nzizi, makomo, marenje, nhika, magwenga nezvitsuwa.

Palmyra

Manyorerwo aya anoshandiswa pamaguta nemadhorobha ose.

New York

Manyorerwo aya anoshandiswa kumiganhu yezvematongerwo enyika midiki zvakaita sematunhu, nenyika dze U. S. dzakabatana nemaruwa.

Canada

Manyorerwo aya anoshandiswa kumiganhu yezvematongerwo enyika mikuru yakaita semarudzi, nyika, nemiganhu yenyika huru.