Zvibatsiro Zvekudzidza
Hurongwa hweNhoroondo dzeChechi


Hurongwa hweNhoroondo dzeChechi

1805, Zvita 23

Joseph Smith (1805–44) akazvarwa naJoseph Smith Baba naLucy Mack Smith, Sharon, Vermont (ona Nh—JS 1:3).

1820, Kutanga kwePfumvudza

Muporofita Joseph Smith akagamuchira Chiratidzo cheKutanga mudondo remiti mumadhorobha madiki ePalmyra neManchester, New York, pedyo nemusha wake (ona Nh—JS 1:15–17).

1823, Gunyana 21–22

Joseph Smith akashanyirwa nengirozi Moronai uye akataurirwa nezvezvinyorwa zveBhuku raMormoni. Joseph akaongorora mahwendefa egoridhe akange akavigwa pachikomo chaivepedyo (Kumora) (ona Nh—JS 1:27–54).

1827, Gunyana 22

Joseph Smith akawana mahwendefa egoridhe kubva kuna Moronai paChikomo cheKumora (ona Nh—JS 1:59).

1829, Chivabvu 15

Johane Mubapatidzi akapa Hupirisita hwaAroni kuna Joseph Smith naOliver Cowdery muHarmony, Pennsylvania (ona D&Z 13; Nh—JS 1:71–72).

1829, Chivabvu

Joseph Smith naOliver Cowdery vakagashira Hupurisita hweMerkizedeki kubva kuna Petro, Jakobo, naJohane pedyo nerwizi rweSusquehanna pakati peHarmony, Pennsylvania neColesville, New York (ona D&Z 128:20).

1829, Chikumi

Dudziro yeBhuku raMormoni yakapedzwa. Vapupuri Vatatu neVapupuri Vasere vakaratidzwa mahwendefa egoridhe (ona 2 Ni. 11:3; 27:12–13; D&Z 17).

1830, Kurume 26

Magwaro ekutanga akadhindwa eBhuku raMormoni akavepo, Palmyra, New York.

1830, Kubvumbi 6

Chechi yakavambwa mudhorobha reFayette, New York.

1830 Gunyana–Gumiguru

Vashumiri vekutanga vanodaidzwa kuti vashumaire kumaRamani (Vagari vekutanga veAmerica) (ona D&Z 28; 30; 32).

1830, Zvita–Ndira 1831

Vatendi vakarairwa kuti vaungane kuOhio (ona D&Z 37; 38:31–32).

1831, Chikunguru 20

Nzvimbo yeguta reZioni (Jerusarema Idzva) muIndependence, Missouri yakaratidzwa kuna Muporofita Joseph Smith (ona D&Z 57; Mis. yeCh. 1:10).

1833, Kurume 18

Sidney Rigdon naFrederick G. Williams vakatsaurwa seVabatsiri muHutungamiri hweChechi (ona D&Z 81 musoro wechikamu) uye vakapihwa makiyi eumambo huno hwekupedzisira (ona D&Z 90 musoro wechikamu; ndima 6).

1833 Mbudzi 7

Vatendi vakatanga kutiza mhomho dzemanyongori muRuwa rweJackson, Missouri kumhiri kweRwizi rweMissouri vachipinda muRuwa rweClay.

1834 Chivabvu 5

Mutungamiri Joseph Smith akabva muKirtland, Ohio, oenda Missouri semutungamiri weMusasa weZioni kuunza rubatsiro kuneVatendi vaive vadzingwa kubva muRuwa rweJackson.

1835, Kukadzi 14

Chikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri chakarongwa, Kirtland, Ohio (ona D&Z 107:23–24).

1835, Kukadzi 28

Kurongwa kweChikwata Chekutanga cheMakumi Manomwe kwakatanga, Kirtland, Ohio.

1835, Nyamavhuvhu 17

Dzidziso neZvibvumirano rakatambirwa sebhuku dzvene reChechi, Kirtland, Ohio.

1836, Kurume 27

Temberi yeKirtland yakakumikidzwa (ona D&Z 109).

1836, Kubvumbi 3

Jesu Kristu akazviratidza kuna Joseph Smith naOliver Cowdery muTemberi yeKirtland. Mosesi, Eria, naErija vakazviratidza uye vakapa makiyi eHupirisita (ona D&Z 110).

1837, Chikunguru 19

Heber C. Kimball nevamwe vake vatanhatu vakasvika muLiverpool, England muhushumiri hwekutanga hweChechi kumhiri kwamakungwa.

1838, Kubvumbi 26

Zita reChechi rakadomwa kuburikidza nezvakazarurwa (ona D&Z 115:4).

1838, Zvita 1

Muporofita Joseph Smith nevamwe vanozaririrwa muJeri reLiberty, Liberty muRuwa rweClay, Missouri (ona D&Z 121–123).

1840, Nyamavhuvhu 15

Rubhabhatidzo rwevakafa rwakaziviswa pachena neMuporofita Joseph Smith.

1841, Gumiguru 24

Gosa Orson Hyde akakumikidza Nyika Tsvene kuitira kudzoka kwevana vaAbrahama (ona D&Z 68:1–3; 124:128–129).

1842, Kurume 17

Chita cheRubatsiro cheMadzimai chakarongwa, Nauvoo, Illinois.

1842, Kubvumbi 4

Maendaumendi emutemberi ekutanga azere akapihwa.

1844, Chikumi 27

Joseph Smith naHyrum Smith vakaurairwa chitendero muJeri reCarthage (ona D&Z 135).

1846, Kukadzi 4

Vatendi vekuNauvoo vakatanga kuyambuka Rwizi rweMississippi kuenda kumadokero. Vamwe Vatendi vekumabvazuva vakakwira ngarava Brooklyn kubva kuNew York City vachienda kuCalifornia.

1846, Chikumi 16

Mauto emaMormoni akadaidzwa mumauto eAmerica muIowa.

1847, Kubvumbi

Chikwata chevavaruri cheMutungamiri Brigham Young chakabva kuWinter Quarters murwendo rwekumadokero (ona D&Z 136).

1847, Chikunguru 24

Mutungamiri Brigham Young akapinda muNhika yeSalt Lake.

1847, Zvita 27

Musangano mukuru weChechi wakatsigira Mutungamiri Brigham Young, Gosa Heber C. Kimball neGosa Willard Richards seVatungamiri veKutanga.

1848, Chivabvu–Chikumi

Makurwe muNhika yeSalt Lake akaparadza zvirimwa. Minda yakanunurwa kubva mukuparadzwa zvachose negurusvusvi reshiri dzenyanza dzakapedza kudya makurwe.

1849, Zvita 9

Chikoro cheSvondo chakarongwa naRichard Ballantyne.

1850, Chikumi 15

Deseret News dzakatanga kuburitswa muSalt Lake City.

1856, Gumiguru

Zvikwata zvengoro dzemaoko zvaWillie naMartin zvakambomiswa nedutu rechando chekutanga. Vakawanikwa nechikwata cherununuro chakabva kuNhika yeSalt Lake.

1867, Zvita 8

Chita cheRubatsiro chakarongwazve pasi pehutungamiri hwaMutungamiri Brigham Young.

1869, Mbudzi 28

Chikwata cheVasikana Vechidiki vasina mabasa chakarongwa, chichimirira chakazova chirongwa cheVasikana Vechidiki.

1875, Chikumi 10

Chikwata cheVarume Vechidiki cheKuzvikudziridza pahunhu chakarongwa, chikazova chirongwa cheVakomana Vechidiki.

1877, Kubvumbi 6

Temberi yeSt. George yakakumikidzwa. Mutungamiri Brigham Young akatambira zvakazarurwa zvekugadziridza hurongwa hwemapirisita nehoko dzeZioni.

1878, Nyamavhuvhu 25

Aurelia Spencer Rogers akaita musangano wekutangisisa weVana Vadiki muFarmington, Utah.

1880, Gumiguru 10

John Taylor akatsigirwa seMutungamiri weChechi. Dombo reMutengo Mukuru rakatambirwa sebhuku dzvene.

1883, Kubvumbi 14

Zvakazarurwa kuna John Taylor pamusoro pehurongwa hweMakumi Manomwe.

1889, Kubvumbi 7

Wilford Woodruff akatsigirwa seMutungamiri weChechi.

1890, Gumiguru 6

“Chiziviso” chakatsigirwa mumusangano mukuru weruzhinji, chichizivisa magumo etsika yebarika (ona Chirevo—1)

1893, Kubvumbi 6

Mutungamiri Wilford Woodruff akakumikidza Temberi yeSalt Lake, yakatora makore 40 ichivakwa.

1898, Gunyana 13

Lorenzo Snow akave Mutungamiri weChechi.

1899, Chivabvu 17

Mutungamiri Lorenzo Snow akatambira zvakazarurwa muSt. George zvichimutunha kuti akomekedze chegumi (ona D&Z 119).

1901, Gumiguru 17

Joseph F. Smith akave Mutungamiri weChechi.

1918, Gumiguru 3

Mutungamiri Joseph F. Smith akagamuchira chiratidzo cherununuro rwevakafa (ona D&Z 138).

1918, Mbudzi 23

Heber J. Grant akave Mutungamiri weChechi.

1936, Kubvumbi

Chirongwa cheChechi chekuchengetedza chakadzikwa kubatsira varombo munguva yeHurombo Hukuru, chikazove chirongwa cheChechi chemagariro akanaka. Chirongwa ichi chakakura kubva muzvakazarurwa zvakange zvatambirwa neMutungamiri Heber J. Grant pakutanga.

1941, Kubvumbi 6

Vabatsiri kuvaneGumi neVaviri vanodaidzwa kekutanga.

1945, Kubvumbi 21

George Albert Smith akave Mutungamiri weChechi.

1951, Kubvumbi 9

David O. McKay akatsigirwa seMutungamiri weChechi.

1961, Gunyana 30

Gosa Harold B. Lee, ari pasi pehutungamiri hweVatungamiri veChechi Vekutanga, akazivisa kuti hurongwa hwose hweChechi hwaizobatanidzwa kuburikidza nehupirisita kusimbaradza mhuri uye nemunhuwo zvake.

1964, Gumiguru

Kuchengetedzwa kwenguva yemhuri yemanheru kwakakomekedzwazve.

1970, Ndira 23

Joseph Fielding Smith akave Mutungamiri weChechi.

1971, Ndira

Mabhuku matsva eChechi anedzidziso nemifananidzo—Ensign, New Era, neFriend—akatanga kuburitswa.

1972, Chikunguru 7

Harold B. Lee akave Mutungamiri weChechi.

1973, Zvita 30

Spencer W. Kimball akave Mutungamiri weChechi.

1975, Gumiguru 3

Mutungamiri Spencer W. Kimball akazivisa nezvekurongwazve kweChikwata cheMakumi manomwe.

1976, Kubvumbi 3

Zvakazarurwa zviviri zvikawedzerwa kuDombo reMutengo Mukuru. Muna 1981 zvikabviswa zvikazova D&Z 137 ne138.

1978, Gunyana 30

Chakazarurwa chakatsigirwa neChechi chaiita kuti Hupurisita hupihwe kunhengo yose yemunhurume inokodzera yeChechi zvisina kutarisa rudzi kana ruvara (ona Chirevo—2).

1979, Nyamavhuvhu

Bhaibheri raMambo Jemisi rinoshandiswa neVME (LDS) rinebatsiro mukudzidza rakaburitswa.

1981, Gunyana

Zvinyorwa zvitsva zveBhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvumirano, Dombo reMutengo Mukuru zvakaburitswa muChirungu.

1984, Chikumi

Vatungamiri veMatunhu vakagadzwa, kubva munhengo dzeMakumi Manomwe.

1985, Mbudzi 10

Ezra Taft Benson akave Mutungamiri weChechi.

1989, Kubvumbi 1

Chikwata Chepiri cheMakumi Manomwe chakarongwazve.

1994, Chikumi 5

Howard W. Hunter akave Mutungamiri weChechi.

1995, Kurume 12

Gordon B. Hinckley akave Mutungamiri weChechi.

1995, Kubvumbi 1

Chinzvimbo chemumiriri wedunhu chakamiswa. Chiziviso chechinzvimbo chitswa chehutungamiri chaizozivikanwa seVatungamiri veMatunhu.

1995, Gunyana 23

“Mhuri: Chiziviso kuNyika” kubva kuVatungamiri neDare reVaapositori vaneGumi neVaviri chakabuditswa.

1997, Kubvumbi 5

VaTungamiri veMatunhu vakagadzwa seMakumi Manomwe. Chikwata Chetatu, China neChishanu cheMakumi Manomwe chakaziviswa.

1997, Gumiguru 4

Mutungamiri Hinckley akataura zvekuvakwa kwematemberi madiki.

1997, Mbudzi

Huwandu hwenhengo dzeChechi hwakasvika mamiriyoni 10.

1998, Kubvumbi

Mutungamiri Hinckley akazivisa nezvechinangwa chekuve nematemberi 100 anoshanda panosvika gore ra2000.