2. Chikomo cheKumora neDunhu reManchester-Palmyra
Wakatarisa nechekuchamhembe, mufananidzo uyu unoratidza Chikomo cheKumora, muManchester, New York. Chikomo chinoonekwa pamugonyo wemufananidzo nechepasi kuruoko rwerudyi uye chinoenderera zvishomanana pamusoro nechepakati nepakati pekumosoro kwemufanidzo. Chiumbwa chichena chinoonekwa nekuchamhembe kunoperera chikomo chinoremekedza ngirozi Moronai uye nekuuyawo kweBhuku raMormoni. Chikomo cheKumora chiri makiromita angasvika mashanu nechekumaodzanyemba kwemabvazuva eDondo remiti Rinoyera. Pedyo nekumusoro kwemufananidzo kunePalmyra, makiromita matanhatu nehafu kubva pane chikomo. Purazi ranaSmith neDondo reMiti Rinoyera zvirinechepamusoro kuroboshwe kwemufananidzo.
Zviitiko Zvinokosha: Mhuri yeMuporofita Joseph Smith yaigaara munzvimbo ino panguva yeChiratidzo Chekutanga (Nh—JS 1:3). Muna 421 Kristu azvarwa, Moronai akaviga butwa remahwendefa egoridhe mugomo reKumora anenhoroondo inoyera yevanhu vake (Mazwi 1:1–11; Morm. 6:6; Moro. 10:1–2). Moronai mumwecheteyo akaudza Joseph Smith pekuwana mahwendefa—nechekuchamhembe kunoperera chikomo, kudivi rekumadokero, pedyo nechepamusoro. Moronai akauya nayo kwaari muna 1827 (D&Z 27:5; 128:20; Nh—JS 1:33–35, 51–54, 59).