“Manzwi eKudzorerwa: Rubhabhatidzo muChinzvimbo cheMadziteteguru Edu, ‘Dzidziso Inoshamisa,‘” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Rubhabhatidzo muChinzvimbo cheMadziteteguru Edu, ‘Dzidziso Inoshamisa,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Manzwi eKudzorerwa
Rubhabhatidzo nuChinzvimbo cheMadziteteguru Edu, “Dzidziso Inoshamisa”
Phebe naWilford Woodruff
Phebe Woodruff aigara pedyo neNauvoo apo Joseph Smith paakatanga kudzidzisa pamusoro pekwaniso yekubhabhatidzirwa avo vairarama kare. Akanyora nezvazvo kumurume wake, Wilford, uyo aishandira muushumiri kuEngland:
“Bhuratha Joseph … vakadzidza kuburikidza nezvakazarurwa kuti avo vari muchechi ino vanogona kubhabhatidzirwa dzipi zvadzo dzehama dzavo idzo dzakafa uye dzakanga dzisina kuwana mukana wekunzwa vhangeri iri, kunyange kuitira vana vavo, vabereki, madzikoma, vaninʼina, hanzvadzi, vanasekuru, vanambuya, vanabamukuru navanababamunini, vanamaiguru navanamainini uye vanatete. … Apo pavanenge vangobhabhatidzirwa shamwari dzavo dzinosunungurwa kubva mutirongo uye vanokwanisa kudzitora mukumuka kuvakafa uye vodziunza muumambo hweseresitiyaro—dzidziso iyi inogamuchirwa zvakanaka nechechi uye vari kuenda mberi muhuzhinji, vamwe vari kuenda kunobhabhatidzwa kanokwana kagumi nenhanhatu … pazuva rimwechete.”
Wilford Woodruff pashure akazoti nezve musimboti uyu: “Pandakangonzwa nezvazvo mweya wangu wakafara zvikurusa. … Ndakaenda mberi uye ndikabhabhatidzirwa hama dzangu dzose dzakafa dzandaikwanisa kufunga nezvadzo. … Ndakanzwa kuti nditi hareruya apo zvakazarurwa zvacho pazvakauya mberi zvichizivisa kwatiri rubhabhatidzo muchinzvimbo chevakafa. Ndakanzwa kuti taiva nekodzero yekufara mumaropafadzo eKudenga.”
Vilate Kimball
SaSisita Woodruff, Vilate Kimball akanzwa pamusoro pekubhabhatidzirwa vakafa apo murume wake, Heber, paakanga ari kure achiparidza vhangeri. Akanyorera kwaari, achiti:
“Mutungamiri Smith vakavhura musoro wenyaya mutsva uye unoshamisa … uyo wakakonzera rumutsiriro rukurusa muchechi. Uyo unova wekubhabhatidzirwa vakafa. Pauro anotaura nezvazvo, muna VaKorinte vekutanga chitsauko 15 ndima 29. Joseph akagamuchira tsananguro yakanyanya kuzara yazvo kuburikidza neZvakazarurwa. … Iropafadzo rechechi ino kubhabhatidzirwa hama dzavo dzose idzo dzakafa Vhangeri rino risati rauya; kunyangwe kudzokera kunaSekuru naMbuya vevabereki vavo. … Nekuita izvozvo, tinoshanda sevamiririri vavo; uye tinovapa ropafadzo rekuuya pamberi mukumuka kuvakafa kwekutanga. Anoti Vhangeri rinozoparidzwa kwavari… asi hakuna chinhu chakaita sekubhabhatidzwa kwemweya. … Kubvira apo rairo iyi payakaparidzwa kuno, mvura dzerubhabhatidzo dzanga dzizere nguva dzose. Munguva yemusangano mukuru pane dzimwe nguva kwaiva neMagosa akawanda kubva kuvasere kusvika kugumi murwizi panguva imwechete vachibhabhatidza. … Ndiri kuda kubhabhatidzirwa Amai vangu. Ndakanga ndaronga kumirira kusvika wauya kumba, asi panguva iyo Joseph yaakapedzisira kutaura nezve musoro wenyaya wacho, akaraira vanhu vose kuti vasimuke uye vaite chimwe chinhu, uye vasunungure shamwari dzavo kubva muusungwa nekukurumidza kwose kunokwanisika. Saka ndinofunga ndichaenda mberi vhiki rino, sezvo paine vavakidzani vakati wandei vari kuenda mberi. Vamwe vakatobhabhatidzwa zvakapetwa kakawanda. … Nokudaro unoona, pane mukana wemunhu wese. Iyi haisi dzidziso inoshamisa here?”
Phebe Chase
Pakangopedzwa kuvakwa chidziva cherubhabhatidzo muTemberi yeNauvoo, rubhabhatidzo muchinzvimbo chevakafa rwaiitirwa imomo panzvimbo yemurwizi. Phebe Chase, mugari wemuNauvoo, akanyorera kuna amai vake pamusoro petemberi, achitsanangura chidziva cherubhabhatidzo senzvimbo iyo “yatinokwanisa kubhabhatidzirwa vakafa vedu uye tova vaponesi paGomo reZioni.” Akaenderera mberi kutsanangura kuti muchidziva ichi, “Ini ndakabhabhatidzirwa baba vangu vandinoda uye nedzimwe dzose shamwari dzangu dzakafa. … Zvino ndinoda kuziva mazita aBaba naAmai venyu kuitira kuti ndikwanise kuvasunungura, nokuti ndinoda kubatsira Vakafa. … Ishe vakataura zvakare, uye vakadzorera hurongwa hwechinyakare. ”
Sally Randall
Mukunyorera kushamwari nehama dzake pamusoro perubhabhatidzo muchinzvimbo chenhengo dzemhuri idzo dzairarama kare, Sally Randall akayeuka rufu rwemwanakomana wake George:
“O iyi yaiva iri nguva yakaoma zvikurusa kwandiri uye zvichiri kuratidzika kuti handikwanisi kuyananiswa kuti ndizvitambire sezvazviri, asi … baba vake vakamubhabhatidzirwa uye chinhu chinoshamisa zvikuru kuti tinobvuma uye tinogamuchira kuzara kwevhangeri sokuparidzwa kwarinoitwa iyezvino uye kuti tinokwanisa kubhabhatidzirwa shamwari dzedu dzose dzakafa uye nokuvaponesa tichidzokera kumashure kwose kwatinokwanisa kuwana ruzivo rwupi zvarwo rwavo.
“Ndinoda kuti undinyorere mazita ehama dzedu dzose dzakafa kudzokera kumashure kusvika kuna vanasekuru navanambuya napose paunokwanisa. Ndine vavariro yokuita zvose zvandinokwanisa kuponesa shamwari dzangu uye ndinozofara zvikuru kana vamwe venyu vakauya kuzondibatsira nokuti ibasa rakakura kuti munhu mumwechete aite ega. … Ndinofunga kuti unozofunga kuti iyi idzidziso isiri yamazuva ose asi unozoiwana iri yechokwadi. ”