Huyai, Munditevere 2024
Mbudzi 10–16: “Ndakaona Kuzvipira Kwako Mukuteerera”: Dzidziso neZvibvumirano 129–132


“Mbudzi 10–16: ‘Ndakaona Kuzvipira Kwako Mukuteerera’: Dzidziso neZvibvumirano 129–132,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 129–132,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Joseph Smith achidzidzisa

Chikamu chakabva kuJoseph Smith in Nauvoo, 1840 [Joseph Smith muNauvoo, 1840], naTheodore Gorka

Mbudzi 10–16: “Ndakaona Kuzvipira Kwako Mukuteerera”

Dzidziso neZvibvumirano 129–132

Kuburikidza naJoseph Smith, Ishe vakabvisa zvimwe zvezvakavanzika kubva mukusingaperi. Hukuru hwaMwari, kubwinya kwedenga, uye hupamhi hwekusingaperi zvinokwanisa kuratidzika sokunge zvinozivikanwa mumaonerwo evhangeri rakadzorerwa, kunyangwe kupfungwa dzine miganhu sedzedu. Zvakazarurwa zviri muDzidziso neZvibvumirano 129–32 muenzaniso wakanaka. Mwari vakaita sei? Vane “muviri … unobatika sewemunhu.” Kudenga kwaita sei? “Kugarisana kumwecheteko ikoko kuripo pakati pedu pano kunozovapo pakati pedu ikoko” (Dzidziso neZvibvumirano 130:22, 2). Chockwadi ndechekuti, chimwe chezvokwadi zvinofadza zvikurusa pamusoro pokudenga ndechokuti kunokwanisa kusanganisira ukama hwedu hwemhuri hwatinokoshesa, kana hwukasunganidzwa nemvumo yakakodzera. Zvokwadi zvakaita seizvi zvinokwanisa kuita kuti kudenga kuratidzike sekusiri kure zvakanyanya—kunoshamisa, asi kuri kunosvikika.

Asi zvino, dzimwe nguva Mwari vanogona kutikumbira kuti tiite zvinhu zvinoratidzika sezvinokonzera kusagadzikana uye zvisingakwanisiki. KuVatendi vakawanda vokutanga, barika rakanga riri mumwe murairo wakadaro. Waiva muedzo werutendo wakakomba zvikuru kuna Joseph Smith, mudzimai wake Emma, uye kumunhu wose akawugamuchira. Kuti vakunde pamuedzo uyu, vaida zvinopfuura kungova nemanzwiro akanaka pamusoro pevhangeri rakadzorerwa; vaida rutendo muna Mwari rwakanga rwakadzama zvikurusa kupfuura izvozvo. Murairo uyu hausisipo nhasi, asi muenzaniso wakatendeka weavo vakaurarama uchiripo. Uye muenzaniso iwoyo unotikurudzira apo patinenge takumbirwa kuti tiite “kuzvipira mukuteerera” kwedu pachedu (Dzidziso neZvibvumirano 132:50).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 130–132

Mwari vanoda kusimudzira kumusoro-soro vana Vavo.

Pane zvinhu zvakawanda zvatisingazivi pamusoro pekusimudzirwa kumusoro-soro kana upenyu munhanho yepamusoro-soro yehumambo hweseresitiyaro—rudzi rweupenyu urwo Mwari hwavanorarama. Zvakawanda zvacho zvingangova zviri kunze kwekwaniso yedu yaiyezvino yekunzwisisa. Asi Mwari vakazivisa zviratidzo zvishoma zvakakosha, uye zvizhinji zvacho zvinowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 130–32. Ungangoverenga uine mibvunzo yakaita seiyi mupfungwa: Chii chandinodzidza pamusoro paMwari? Chii chandinodzidza pamusoro peupenyu mushure mokufa? Ruzivo urwu pamusoro peupenyu husingaperi rwunoropafadza sei upenyu hwangu iyezvino?

Onawo “Our Hearts Rejoiced to Hear Him Speak,” muna Revelations in Context, 277–80.

Dzidziso neZvibvumirano 130:20–21; 132:5

Mwari vanoropafadza vanhu vanoteerera mirairo Yavo.

Ungataura sei, mumashoko ako pachako, izvo Ishe zvavanodzidzisa muDzidziso neZvibvumirano 130:20–21 uye 132:5? Fungisisa kuti musimboti uyu wakaratidzwa sei muupenyu hwako.

Dzimwe nguva, kunyangwe apo patinoteerera Mwari, maropafadzo atinotarisira haauye pakarepo. Unochengetedza sei rutendo rwako netariro yako apo izvi pazvinoitika? Tsvaka nzwisiso mushoko raGosa D. Todd Christofferson “Our Relationship with God” (Liahona, Chivabvu 2022, 78–80).

Onawo 1 Nifai 17:35; Dzidziso neZvibvumirano 82:10.

Dzidziso neZvibvumirano 132:13–21

mufananidzo weseminari
Baba Vokudenga vakaita kuti zvikwanisike kuti mhuri dzive dzekusingaperi.

Kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, Ishe vakadzorera chokwadi chokuti muchato neukama hwemhuri zvinokwanisa kuva zvokusingaperi. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 132:13–21, tsvaga ndevo dzinokubatsira kunzwisisa mutsauko pakati peizvo “zvinozoramba zviripo” nokusingaperi neizvo zvisingazorambi zviripo. Unofunga kuti zvinorevei kuti ukama hwemuchato hwugadzwe “[naIshe]”? (ndima 14).

Mushoko ravo “In Praise of Those Who Save,” Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf vanosiyanisa ukama hwemuchato wokusingaperi nezvinhu “zvinorashwa” (Liahona, Chivabvu 2016, 77–78). Musiyano uyu unokudzidzisei pamusoro pokuti tinokudziridza sei—kana kuti tinogadzirira sei —ukama hwemuchato? Funga pamusoro peukama hwemhuri yako—ikozvino uye nemune ramangwana— apo paunoverenga shoko raGosa Uchtdorf. Chii chaunowana imomo chinokupa tariro muna Kristu yeukama hwemhuri yako?

Mutungamiri Henry B. Eyring vakagovera rairo iyi yavakagamuchira apo pavakanga vachishushikana pamusoro pemamiriro ezvinhu emhuri yavo: “Unongorarama zvakakodzera umambo hweseresitiyaro, uye hurongwa hwemhuri hunozova hwunoshamisa kupfuura zvaungafungidzira” (muna “A Home Where the Spirit of the Lord Dwells,” Liahona, Chivabvu 2019, 25). Zano iri ringakubatsira sei iwe kana mumwe munhu waunoziva?

Onawo “Families Can Be Together Forever,” Hymns, 300; Topics and Questions, “Marriage (Muchato),” Gospel Library.

murume nomukadzi kunze kwetemberi

Muchato unokwanisa kusunganidzwa nokusingaperi muimba yaIshe.

Dzidziso neZvibvumirano 132:1–2, 29–40

Barika rinobvumirwa kuna Mwari apo chete pavanenge vari Ivo variraira.

Vanhu vakawanda vanoverenga Testamente Yekare vanonetseka pamusoro paAbrahama, Jakobo, Mosesi, nevamwe vakachata nemadzimai akawanda. Varanda vaIshe ava vaiita hupombwe here? Mwari vakabvumidza here michato yavo? Joseph Smith aiva nemibvunzo yakadaro. Tsvaga mhinduro dzakapuwa naMwari muDzidziso neZvibvumirano 132:1–2, 29–40.

Muchato pakati pemurume mumwechete nemukadzi mumwechete ndiwo mwero waMwari wemuchato (ona musoro wenyaya wechikamu Chiziviso Chepamutemo 1; onawo Jakobo 2:27, 30). Zvisinei, pakambova nenguva apo Mwari paVakaraira vana Vavo kuti vaite barika.

Makore ekutanga eChechi yakadzorerwa aive imwe yenguva idzodzo dzakadaro. Kana uchida kudzidza zvakawanda pamusoro pebarika pakati paVatendi vokutanga, ona “Mercy Thompson and the Revelation on Marriage” (muna Revelations in Context, 281–93); Saints, 1:290–92, 432–35, 482–92, 502–4; Topics and Questions, “Plural Marriage in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints,” Gospel Library ; “Sei Zvakanga Zvakakodzera Kuti Joseph Smith neVamwe Vaite Barika?” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org.

10:7

Why was it necessary for Joseph Smith and others to practice polygamy?

A question from the Worldwide Devotional: A Face to Face Event with Elder Cook on September 9, 2018

mufananidzo wechikamu chevana 03

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 130:2, 18–19; 132:13, 19

Baba Vokudenga vanoda kuti ndinangise pfungwa pazvinhu zvokusingaperi.

Dzidziso neZvibvumirano 130:20–21132:5, 21–23

Mwari vanondiropafadza apo pandinoteerera mitemo yavo.

  • Pamwe enzaniso yakareruka iokwanisa kudzidzisa vana vako pamusoro pekuteerera mirairo yaMwari. Semuenzaniso, unokwanisa kuvakumbira kuti vakuratidze nzira yekufamba nayo kuenda kumwe kunhu, sekuenda kuchikoro kana kuchivako chechechi. Chii chinoitika apo patisingatevedzeri nzira yekufamba nayo yacho? Zvino unokwanisa kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 130:21 uye woenzanisa nzira yekufamba nayo iyi nemirairo yatakapuwa naMwari.

  • Munogonawo kuimba pamwechete rumbo rwuri pamusoro pekuteerera, rwakaita serwokuti “Keep the Commandments” (Children’s Songbook, 146–47), uye motsvaga mashoko muDzidziso neZvibvumirano 130:20–21 uye 132:5 akafanana neari murumbo rwacho. Mwari vanotiropafadza sei apo patinoedza kuchengeta mirairo Yavo?

Dzidziso neZvibvumirano 130:22

Baba Vokudenga naJesu Kristu vane miviri yenyama isingafi.

  • Mushure mokuverenga Dzidziso neZvibvumirano 130:22 pamwechete, iwe nevana vako munokwanisa kutarisa mufananidzo waJesu Kristu uye monongedzera kumaziso Ake, muromo Wake, nedzimwe nhengo dzemuviri Wake. Vana vako vanokwanisa kunongedzera kunhengo dzimwechetedzo dzemiviri yavo pachavo. Vataurire kuti sei zvakakosha kwauri kuziva kuti miviri yedu yakafanana nemiviri yaBaba Vokudenga naJesu.

mudzimai nomusikana vari kunze kwetemberi

Nokuda kwezvisungo zvemuimba yaIshe, mhuri dzinokwanisa kuva dzokusingaperi.

Dzidziso neZvibvumirano 132:19

Baba Vokudenga vakaita kuti zvikwanisike kuti mhuri dzive pamwechete nariinhi nariinhi.

  • Batsira vana vako kuwana mienzaniso yezvinhu zvisingagari nariinhi nariinhi—zvokudya zvinoora, maruva anosvava, uye zvichingodaro. Zvino tarisai Dzidziso neZvibvumirano 132:19 pamwechete uye muwane ndevo dzakakosha dzakaita “sechibvumirano chisingaperi,” “kusunganidzwa,” “nokusingaperi kwose,” uye “nariinhi nariinhi.” ­­ Munokwanisawo kutarisa mifananidzo yemhuri yenyu uye wopupura kuti Ishe vakaita kuti zvikwanisike, kuburikidza nezvisungo nezvibvumirano zvemutemberi, kuti mhuri dzivepo nariinhi nariinhi.

0:42

Chapter 55: A Revelation about Marriage: July 1843

Iva nekunzwisisa mamiriro ezvinhu emhuri. “Vana nhasi vanozviwana vari mumarongerwo emhuri akasiyana siyana uye akaoma. … [Ti]nofanira kunanavira kune [avo] vanonzwa vari vega, vanonzwa kusiiwa kumashure, kana kunze kweruzhowa” (Neil L. Andersen, “Whoso Receiveth Them, Receiveth Me,” Liahona, Chivabvu 2016, 49, 52).

­

mupanda wekusunganidzirwa

Mupanda wekusunganidzirwa muTemberi yeParis France.

peji yechiitwa yevana