Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Abrahama naIsaka


“Abrahama naIsaka,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Abrahama naIsaka,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 17; 21–22

Abrahama naIsaka

Baba, mwanakomana, uye nechibayiro

Mufananidzo
Abrahama, Sara, uye mucheche

Abrahama naSara vakaita mwana mukomana, sekuvimbisa kwaiva kwaita Ishe. Vakamutumidza kuti Isaka.

Genesi 17:9; 21:1–3

Mufananidzo
Abrahama achidzidzisa Isaka

Vaida Isaka. Vakamudzidzisa kusarudza zvakarurama uye kuvimba naIshe.

Genesi 21:8

Mufananidzo
Sara naAbrahama vakatarisa Isaka

Ishe vakavimbisa Abrahama naSara kuti kuburikidza naIsaka mhuri yavo yaizokura kuropafadza pasi rose. Asi rimwe zuva Ishe vakataurira Abrahama kuti aende naIsaka kuGomo reMoria uye agopira Isaka sechibayiro.

Genesi 17:1–8; 22:1–2

Mufananidzo
Abrahama naIsaka vachifamba parwendo

Vari munzira kuenda kugomo, Isaka akabvunza kuti gwayana rechibayiro raivepi. Abrahama akati Ishe vaizoripa kwavari.

Genesi 22:4–8

Mufananidzo
Abrahama naIsaka vanovaka aritari

PaGomo reMoria, Abrahama akavaka aritari uye akaisa huni pairi.

Genesi 22:8–9

Mufananidzo
Abrahama achigadzirira kubayira Isaka

Sekuraira kwakaita Ishe, Abrahama akakumbira Isaka kuti arare paaritari. Isaka akavimba naAbrahama sekuvimba kwakaita Muponesi Jesu Kristu naBaba Vake.

Genesi 22:9

Mufananidzo
ngirozi ichizviratidza kuna Abrahama naIsaka

Apo Abrahama paaiva oda kubayira Isaka, ngirozi yaIshe yakamumisa. Abrahama akaratidza rutendo rwake muna Ishe. Abrahama aiziva kuti aizogara achitevera Ishe nguva dzose.

Genesi 22:10–12

Mufananidzo
gondohwe rakabatwa mugwenzi

Abrahama akatarisa mudenga uye akaona gondohwe rakabatwa mumakwenzi. Ishe vakapa gondohwe rechibayiro.

Genesi 22:13

Mufananidzo
Abrahama naIsaka vakatarisa kudenga

Abrahama naIsaka vakadzidza pamusoro pekuti Baba Vokudenga vaizopira sei Mwanakomana Wavo Jesu Kristu sechibayiro. Ishe Jesu Kristu vakavimba naAbrahama nekuti akateerera. Abrahama akavimba nevimbiso yaIshe yekuti rimwe zuva mhuri yake yaizokura kupfuura huwandu hwenyenyedzi dziri mudenga.

Genesi 22:17–18; Jakobo 4:5

Dhinda