Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Joshua Muporofita


“Joshua Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Joshua Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Deuteronomio 10; 31; 34; Joshua 1; 3–6; 10–11; 21; 24

Joshua Muporofita

Yedzo yekupedzisira pamberi pokupinda munyika yechipikirwa

Mufananidzo
Joshua achinamata

Ishe vakadaidza Joshua kuti ave muporofita mutsva mushure mekutorwa kwemuporofita Mosesi kuenda kudenga. Apo vaIsraeri pavaiva vakaita musasa pedyo neRwizi rweJoridani, Ishe vakataura kuti yaiva yava nguva yekuti vaende kunyika yechipikirwa.

Deuteronomio 34:1–9; Joshua 1:1–4; Aruma 45:19

Mufananidzo
vanhu vane hunyangadzi muKanani

Nyika yechipikirwa yaiva muKanani, asi vanhu vane hunyangadzi vaigara imomo. Ishe vakaudza Joshua kuti ave akasimba uye aneushingi. Nerubatsiro rwaIshe, vaIsraeri vaikwanisa kukunda nyika yeKanani.

Joshua 1:1–9

Mufananidzo
VaIsraeri paRwizi rweJoridani

Joshua akaunganidza mauto. Ishe vakavaudza kuti vatakure mahwendefa amabwe eMirairo Inegumi uye nemamwe magwaro matsvene. Vapirisita vakatakura zvinhu zvinoyera izvi mubhokisi raidadzwa kunzi areka yechibvumirano. Zvino mauto akagadzirira kuyambuka Rwizi rweJoridani. Rwizi rwaive rwakadzika uye rwaiyerera nekukurumidza.

Deuteronomio 10:5; 31:25–26; Joshua 1:10–11; 3:1–11

Mufananidzo
Joshua muporofita

Joshua akavimbisa vaIsraeri kuti Ishe vaizovabatsira kuyambuka rwizi.

Joshua 3:10–13

Mufananidzo
mvura ichipatsanuka ichitenderedza tsoka

Joshua akakumbira vapirisita gumi nevaviri kuti vatore areka yechibvumurano uye vafambe kupinda mumvura. Apo vapirisita pavakangotsika murwizi, mvura yakapatsanuka.

Joshua 3:12–17

Mufananidzo
VaIsraeri vakatakura areka yechibvumirano neparwizi rwakaoma, vamwe vachiunganidza mabwe.

VaIsraeri vakayambuka rwizi pavhu rakaoma. Joshua akakumbira vaIsraeri kuti vatore mabwe gumi nemaviri kubva parwizi rwakaoma. Akaturikidzanisa mabwe kuyeuchidza vaIsraeri nezve chishamiso chaIshe zuva iroro.

Joshua 3:17; 4:1–24

Mufananidzo
VaIsraeri vachifora vakananga kuguta

Joshua akatungamirira mauto echiIsraeri kunyika yeKanani. Vakasvika paguta raidaidzwa kunzi Jeriko. Guta iri raiva rakasimba zvikurusa uye rakanga riine masvingo akareba. Ishe vakaudza Joshua makundiro ekuita Jeriko. Vakataura kuti vaIsraeri vanofanira kufora vachipoteredza Jeriko zuva rega rega kwemazuva matanhatu. Joshua akateerera Ishe.

Joshua 5:13–15; 6:1–5

Mufananidzo
vapirisita vakatakura areka yechibvumirano, vamwe vachiridza hwamanda

Joshua akaudza vapirisita kuti vatakure areka yechibvumirano pamberi pavaIsraeri. Zuva rega rega, mauto aifora achipoteredza Jeriko,uye vapirisita vanomwe vairidza hwamanda dzavo. Vamwe vose vaIsraeri vaiva vakanyarara.

Joshua 6:6–14

Mufananidzo
VaIsraeri vachidaidzira, masvingo achiputsika

Pazuva rechinomwe, mauto akafora achipoteredza Jeriko kanomwe. Apo vapirisita pavairidza hwamanda dzavo, Joshua akaudza vaIsraeri kuti vadaidzire. Pakarepo masvingo eJeriko akaputsikira pasi, uye mauto aJoshua akatora guta racho.

Joshua 6:15–16, 20

Mufananidzo
Joshua achitaura kuvanhu vari muguta

Ishe vakabatsira vaIsraeri, sezvaVakavimbisa. Mauto aJoshua akaenderera mberi kukunda nyika yeKanani, uye vaIsraeri vakatanga kugara imomo. Joshua akavayeuchidza nezve zvishamiso uye nevimbiso dzaIshe. Akakumbira vaIsraeri kuti vasarudze kushandira Ishe.

Joshua10:42; 11:23; 21:43–45; 24:15

Dhinda