Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Jakobo neMhuri Yake


“Jakobo neMhuri Yake,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Jakobo neMhuri Yake,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 27–33

Jakobo neMhuri Yake

Machengetero anoita Ishe vimbiso dzavo

Mufananidzo
Jakobo achifamba nembongoro

Jakobo akasiya musha wake achitiza mukoma wake Esau uyo aiva akatsamwa. Baba vaJakobo vakamuropafadza kuti awane uye achate nemudzimai aida Ishe uye aichengeta mirairo Yavo.

Genesi 27:42–46; 28:1–5

Mufananidzo
Jesu Kristu achizviratidza kuna Jakobo

Apo Jakobo paaifamba rwendo, Ishe vakamushanyira muchiratidzo. Vakavimbisa kuva naJakobo nguva dzose. Jakobo akavimbisa kupa Ishe chegumi chezvose zvaaigamuchira.

Genesi 28:10–16, 20–22

Mufananidzo
Jesu Kristu achitaura naJakobo

Ishe vakavimbisa Jakobo kuti aizova nevana vakawanda. Kuburikidza nevana vaJakobo, mhuri dzepanyika dzaizoropafadzwa kuziva Muponesi. Mhuri yaJakobo mumazuva ekupedzisira inodaidzwa kunzi imba yaIsraeri.

Genesi 28:3–4, 14; 1 Nifai 10:14

Mufananidzo
Jakobo naRakeri

Jakobo akafamba kuenda kunzvimbo yaidaidzwa kunzi Harani. Ikoko akadanana nemusikana akarurama ainzi Rakeri.

Genesi 27:43; 29:9–20

Mufananidzo
Jakobo achishanda mumunda

Jakobo akabvuma kushandira baba vemusikana uyu, Rabani kwemakore manomwe, kana Rabani aizomubvumira kuchata naRakeri. Rabani akabvuma. Jakobo akashanda kwemakore manomwe.

Genesi 29:21–27

Mufananidzo
Jakobo, Rakeri naRea

Asi Rabani aida kuti Rea, mwanasikana wake mukuru, atange kuchata. Panguva yemuchato, Rabani akanyengedza Jakobo uye akamuita kuti achate naRea panzvimbo yaRakeri. Asi Jakobo aida Rakeri. Akavimbisa kushanda mamwe makore manomwe kana aizokwanisawo kuchata naye. Rabani akabvuma, uye mhuri yaJakobo yakatanga kukura.

Genesi 29:28–35; 30:3–13, 17–24; Jakobo 2:27–30

Mufananidzo
Jakobo achifamba nemhuri

Rabani haana kubhadhara Jakobo zvinokodzera. Asi Ishe vakaropafadza Jakobo nemhuka zhinji uye vakataurira Jakobo kuti adzokere kumusha kwake.

Genesi 30:31, 43; 31:1–7, 17–18

Mufananidzo
Jakobo

Ari munzira kuenda kumusha, Jakobo akanzwa kuti mukoma wake Esau nevarume mazana mana vaiuya kuzosangana naye.

Genesi 32:3–6

Mufananidzo
Jakobo achihwandisa mhuri

Jakobo akafunga kuti Esau angangova achakamutsamwira. Jakobo akatyira ruchengeteko rwemhuri yake, saka akaenda navo kunzvimbo yakachengeteka uye vakanamata.

Genesi 32:7–24

Mufananidzo
Jesu Kristu achitaura naJakobo

Jakobo akanamata usiku hwose uye nemumangwanani. Ishe vakashanyira Jakobo vakamuropafadza. Ishe vakataurira Jakobo kuti achave mutungamiri mukuru kune vazhinji. Ishe wakashandura zita raJakobo kuriita Israeri.

Genesi 32:24–30

Mufananidzo
Esau achisangana naJakobo

Nenguva pfupi Esau nevarume vake vakawana Jakobo nemhuri yake. Esau aiva asisina kutsamwira Jakobo. Akamhanya kunosangana naJakobo uye akamumbundira. Akafara zvikuru kumuona uye nekusangana nemhuri yake. Jakobo akafarawo kuona Esau zvakare.

Genesi 33:1–7

Mufananidzo
Jakobo naEsau vakatarisa mhuri

Ishe vakachengeta vimbiso Dzavo kuna Jakobo muupenyu hwake hwose. Jakobo akasvika pamusha pake nemhuri yake uye vakagara ipapo. Kubva ipapo zvichienda mberi, Jakobo akadaidzwa kunzi Israeri, uye mhuri yake yakadaidzwa kunzi vaIsraeri. Akaenderera mberi nokuchengeta mirairo uye nokunamata Ishe.

Genesi 33:17–20

Dhinda