“Mambokadzi Estere,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Mambokadzi Estere,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Estere 2–5; 7–9
Mambokadzi Estere
Ushingi munguva yenjodzi
Vamwe vaIsraeri vaidaidzwa kunzi vaJuda. Estere aive muJuda aigara muPersia. Vabereki vake vakafa, saka hama yake Mordekai yakamuchengeta. Akakokwa kumuzinda wamambo pamwechete nedzimwe mhandara munyika umu. Mambo aida mambokadzi mutsva, uye akasarudza Estere.
Mambo aive nemuranda ainzi Hamani uyo akakwirira akava nesimba guru rekutonga. Hamani akabatsira mambo kutonga nyika. Mambo akaita kuti munhu wose apfugamire Hamani.
Asi Mordekai akaramba kupfugamira Hamani. Mordekai aipfugamira kuna Ishe chete. Izvi zvakaita kuti Hamani atsamwe. Aida kuranga Mordekai nevaJuda vose.
Hamani akataurira mambo kuti vaJuda havana kutevera mitemo yamambo. Saka mambo akaita kuti Hamani adzike mutemo mutsva: pane rimwe zuva, vaJuda vose vaizourayiwa.
Modekai akakumbira Estere kuti ataure namambo. Mambo aikwanisa kuchinja mutemo waHamani uye agoponesa vaJuda. Asi Estere aitya. Dzimwe nguva mambo aiuraya vanhu vaiuya kuzotaura naye vasina kukokwa.
Mordekai akakumbira Estere kuti afunge pamusoro pavaJuda vaizourayiwa. Mordekai akati Ishe vanogona kunge vakaisa Estere mumuzinda wamambo kuti aponese vaJuda.
Estere aiziva kuti aifanira kutaura namambo, kunyangwe zvaireva kuti aikwanisa kuurayiwa. Estere akakumbira vaJuda nevaranda vake kuti vatsanye pamwechete naye.
Mushure mekutsanya kwemazuva matatu, Estere akazvigadzirira uye akaenda kunoona mambo.
Apo paakasvika kuna mambo, akatambanudza tsvimbo yake yehumambo. Izvi zvaireva kuti mambo akafara kumuona uye haaizomuuraya. Akabvunza zvaaida. Estere akaudza mambo kuti vanhu vake vari munjodzi. Nekuda kwemutemo waHamani, iye navaJuda vose munyika vaizourayiwa.
Mambo akatsamwira Hamani uye akamuuraya. Mambo akadzika mutemo mutsva waidzivirira vaJuda. Zvino vaiva vobvumirwa kuzvidzivirira kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza.
Rutendo rwaEstere muna Ishe uye ushingi hwake hwekutaura namambo zvakaponesa vanhu vake. Panzvimbo perufu nerusuwo, pakava namabiko. VaJuda vakapemberera.