“Abrahama naSara,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2021)
“Abrahama naSara,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Genesi 11–15; 17; Abrahama 1–2
Abrahama naSara
Vimbiso yekuropafadza mhuri yevanhu
Abrahama aigara muguta reUri. Vapirisita vakaipa vaivamo vaida kumubayira kuzvifananidzo zvavo. Abrahama akanamata, uye Ishe vakamuponesa.
Zvino Ishe vakaraira Abrahama nemudzimai wake Sara kuti vabve muUri uye vaende kunyika iri kure kure. Vakavimbisa kuvaropafadza parwendo rwavo.
Abrahama naSara vakavimba naIshe uye vakabuda muUri. Asi vainzwa kusuwa nokuda kwekuti vakanga vasingakwanise kuva nevana. Ishe vakavanyaradza. Vakavimbisa kuti vaizova nemwana.
Genesi 11:30–31; 15:1–6; 17:2–16; Abrahama 2:6–9
Abrahama akanamata kuna Ishe kuti adzidze zvakawanda pamusoro paVo. Ishe vakashanyira Abrahama uye Vakazvidaidza kuti Jehova. Jehova vakaita chibvumirano naAbrahama. Vakavimbisa kuti Abrahama anozova nehupirisita. Vakavimbisawo kuti kuburikidza nemhuri yaAbrahama, mhuri dzose dzepanyika dzaizoropafadzwa.
Apo Abrahama naSara pavaifamba rwendo, vaifanira kutsvaga zvokudya. Vakaedza kugara munyika yaidaidzwa kunzi Kanani. Makanga musina zvokudya imomo, saka vaifanira kuenda kuEgipita. Asi kugara muEgipita kwaive nenjodzi kwavari.
Genesi 12:10–20; Abrahama 2:21–25
Abrahama naSara vakabuda muEgipita vakadzokera kunogara kuKanani. Vakauya nezvokudya uye nemhuka kubva kuEgipita. Kanani yaiva chikamu chenyika iyo yakavimbiswa naIshe kwavari.
Genesi 13:1–4, 12; Abrahama 2:19
Ishe vakachengetawo vimbiso Yavo yekuti Abrahama aizogamuchira hupirisita. Rimwe zuva Abrahama naSara vakasangana namambo akarurama ainzi Merkizedeki. Abrahama akabhadhara chegumi kwaari.
Abrahama akagamuchira hupirisita kubva kuna Merkizedeki. Uhwu hwaiva hupirisita humwechetehwo hwakanga hwagamuchirwa navaporofita Adama naNoa.
Dudziro yaJoseph Smith, Genesi 14:36–40; Abrahama 1:2–4; Dzidziso neZvibvumirano 84:14
Abrahama naSara vaifara muKanani, asi vakanga vachirikunetsekana nokuda kwokuti vakanga vasina mwana. Vaifanira kuvimba nevimbiso yaIshe yekuti rimwe zuva mhuri yavo yaizokura uye igoropafadza pasi rose.