“Zviroto zvaJosefa Zvakafemerwa,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Zviroto zvaJosefa Zvakafemerwa,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Zviroto zvaJosefa Zvakafemerwa
Kunetsekana kwemhuri kuti idanane.
Rakeri naJakobo vakanga vanamata kwemakore mazhinji kuti vave nemwanakomana. Ishe vakapindura minamato yavo apo Josefa paakazvarwa. Josefa aiva ari mwanakomana waJakobo waaidisisa, uye akapa Josefa jasi rakakosha. Vanakomana gumi vakurusa vaJakobo vakaita shanje.
Apo Josefa paaiva ane makore okuberekwa angangosvika gumi nemanomwe, akaita chiroto chakafemerwa chekuti aiva achiunganidza zviyo mumunda nemadzikoma ake. Chiswa chaJosefa chezviyo chakamira chakareba. Asi zviswa zvamadzikoma ake zvezviyo zvakakotamira pasi kune chaJosefa. Apo Josefa paakaudza madzikoma ake pamusoro pechiroto ichi, vakamushatirirwa.
Pashure, Josefa akaita chimwe chiroto chakafemerwa. Muchiroto ichi, zuva, nemwedzi, uye nyeredzi gumi neimwechete zvakakotamira pasi kwaari. Josefa akaudza mhuri yake pamusoro pechiroto ichi. Chiroto ichi chakaita kuti zvitaridzike sokuti Josefa aizotonga pamusoro pemhuri yavo. Madzikoma aJosefa akanyanyisa kumushatirirwa . Vaiva vasingadi zviroto zvake.
Rimwe zuva madzikoma aJosefa aiva ari kure nekumba achifudza makwai. Jakobo akatuma Josefa kunoona kuti varipo zvavo.
Mamwe emadzikoma aJosefa aida kumuuraya. Vakatora jasi rake uye vakamukanda mugomba.
Apo Josefa paaiva ari mugomba, madzikoma ake akaona vafambi verwendo vaienda kuEgipita. Madzikoma aya akaronga kutengesa Josefa senhapwa kuvafambi verwendo kwemashekeri makumi maviri.
Zvino madzikoma aJosefa akaisa ropa rembudzi pajasi rake. Madzikoma ake akaenda kuna baba vavo, Jakobo, uye vakavaratidza jasi racho. Vakanyepa kuna Jakobo, uye vakamuudza kuti mhuka dzesango dzakanga dzauraya Josefa.
Jakobo akachema nokuti aifunga kuti Josefa aiva afa.
Asi Josefa aiva achiri mupenyu. Aiva ari kure kure nekumba muEgipita, achigara senhapwa.