“Chitsauko 3: Chidzidzo 4—Kuva Vadzidzi vaJesu Kristu voUpenyu Hwose,” Paridzai Vhangeri Rangu: Nhungamiro yoKugovera Vhangeri raJesu Kristu (2023)
“Chitsauko 3: Chidzidzo 4,” Paridzai Vhangeri Rangu
Chitsauko 3: Chidzidzo 4
Kuva Vadzidzi vaJesu Kristu voUpenyu Hwose
Kudzidzisa Chidzidzo Chino
Rubhabhatidzo chisungo chinofadza chetariro. Apo patinobhabhatidzwa, tinoratidza chido chedu chokutevera Mwari uye kupinda munzira inoenda kuupenyu hwokusingaperi. Tinoratidzawo kuzvipira kwedu kwokuva vadzidzi vaJesu Kristu voupenyu hwose.
Chidzidzo ichi chakarongwa maererano nezvibvumirano zvatinoita parubhabhatidzo. Chinosanganisira zvikamu zvikuru zvinotevera, chimwe nechimwe chazvo chine zvikamu zvidiki:
Batsira vanhu kunzwisisa kuti misimboti nemirairo yaunodzidzisa chikamu chechibvumirano chavanozoita parubhabhatidzo. Varatidze mabatsirirwo avanozoitwa nechikamu choga choga chechidzidzo chino “kuuya kuna Kristu … uye nekupinda muruponeso rwake” (Omuni 1:26; onawo 1 Nifai 15:14).
Unozoda kudzidzisa chidzidzo chino mushanyiro dzakati wandei. Kashoma kuti shanyiro yedzidziso ifanire kupfuura maminetsi makumi matatu. Zvirinani kazhinji kuva neshanyiro pfupi, dzinoitwa kakawanda dzinobata zvikamu zviduku zvezvidzidzo.
Ronga izvo zvaunozodzidzisa, apo paunozozvidzidzisa, uye nguva yaunozotora kuzvidzidzisa. Funga pamusoro pezvidikanwi zvevanhu vauri kudzidzisa, uye tsvaka nhungamiro yeMweya. Une rusununguko rwekudzidzisa maererano neizvo zvinozonyanyisa kubatsira vanhu kugadzirira rubhabhatidzo nokusimbiswa.
Zvimwe zvikamu muchidzidzo chino zvinosanganisira dzimwe kokero chaidzo dzokupa. Tsvaka femero mukusarudza mapiro okuita kokero dzacho uye kuti unodzipa riinhi. Ngwarira mwero wekunzwisisa kwemunhu woga woga. Mubatsire kurarama vhangeri nhanho imwechete panguva.
Chibvumirano Chedu Chokuva Tinoda Kutora Patiri Zita raJesu Kristu
Apo patinobhabhatidzwa, tinobvumira kutevera Jesu Kristu “nechinangwa chakazara chemwoyo.” Tinopupurawo kuti “tinoda kutora [patiri] zita raKristu”(2 Nifai 31:13; onawo Dzidziso neZvibvumirano 20:37).
Kutora patiri zita raJesu Kristu zvinoreva kuti tinoMurangarira uye tinoedza nesimba rose kurarama sevadzidzi Vake voupenyu hwose. Tinoita kuti chiedza Chake chipenye kuburikidza nesu kuna vamwe. Tinozviona pachezvedu seVake uye tinoMuisa pokutanga muupenyu hwedu.
Zvikamu zvinotevera zvinotsanangura nzira mbiri dzatinorangarira uye dzatinotevera nadzo Jesu Kristu.
Namatai Kakawanda
Munamato unokwanisa kuva nhaurirano irinyore naBaba Vokudenga inouya kubva mumwoyo. Mumunamato, tinotaura Navo zviri pachena uye zvepachokwadi. Tinotaura rudo rwedu kwaVari neruvongo rwemaropafadzo edu. Tinokumbirawo rubatsiro, dziviriro, nenhungamiro. Apo patinovhara minamato yedu, tinofanira kutora nguva yokumbomira nokuteerera.
Jesu akadzidzisa kuti, “Munofanira kunamata nguva dzose kuna Baba muzita rangu” (3 Nifai 18:19, kusimbisa kwakawedzerwa; onawo Mosesi 5:8). Apo patinonamata muzita raJesu Kristu, tinorangarira vose Iye naBaba Vokudenga.
Jesu akamisa muenzaniso wokuti titevere apo patinonamata. Tinokwanisa kudzidza zvizhinji pamusoro pemunamato kuburikidza nekunzvera minamato yeMuponesi mumagwaro matsvene (ona Mateo 6:9–13; Johane 17).
Minamato yedu inokwanisa kusanganisira zvikamu zvinotevera:
-
Kutanga nokudaidza Baba Vokudenga.
-
Kutaura manzwiro emwoyo wedu, akaita seruvongo rwemaropafadzo atakagamuchira.
-
Kubvunza mibvunzo, kutsvaka nhungamiro, uye nokukumbira maropafadzo.
-
Togumisira nekuti, “Nemuzita raJesu Kristu, ameni.”
Magwaro matsvene anotiraira kuti tinamate mangwanani nemanheru. Zvisinei, tinokwanisa kunamata panguva ipi zvayo uye mumamiriro ezvinhu api zvawo. Paminamato yedu tega uye yemhuri, zvinokwanisa kuva zvakakosha kupfugama apo patinonamata. Tinofanira kuva nemunamato mumwoyo yedu nguva dzose. (Ona Aruma 34:27; 37:36–37; 3 Nifai 17:13; 19:16.)
Minamato yedu inofanira kuva ine hudzamu uye inobva mumwoyo. Apo patinonamata, tinofanira kudzivirira kutaura zvinhu zvimwechetezvo nenzira dzimwechetedzo.
Tinonamata nerutendo, nemwoyo wose, uye nechinangwa chaicho chokuzoita chimwe chinhu pamhinduro dzatinogamuchira. Apo patinoita izvi, Mwari vanozotitungamirira uye votibatsira kuita sarudzo dzakanaka. Tinozonzwa kuva pedyo Navo. Vanozotipa nzwisiso nechokwadi. Vanozotiropafadza nenyaradzo, runyararo, nesimba.
Nzverai Magwaro Matsvene
Nifai akadzidzisa kuti, “Idya pamashoko aKristu; nokuti [a]chakuudza zvinhu zvose zvaunofanira kuita”(2 Nifai 32:3; onawo 31:20).
Kunzvera magwaro matsvene inzira yakakosha yekurangarira nokutevera Jesu Kristu. Mumagwaro matsvene tinodzidza nezveupenyu neushumiri Hwake, uye nedzidziso Dzake. Tinodzidzawo nezvevimbiso Dzake. Apo patinoverenga magwaro matsvene, tinonzwa rudo Rwake. Mweya yedu inokura, rutendo rwedu maAri rwunowedzera, uye pfungwa dzedu dzinojekeswa. Uchapupu hwedu hwebasa rehumwari Rake hwunova hwakanyanya kusimba.
Tinorangarira nokutevera Jesu apo patinoshandisa mashoko Ake muupenyu hwedu. Tinofanira kunzvera magwaro matsvene zuva nezuva, kunyanya Bhuku raMormoni.
Magwaro matsvene eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, anoti Bhaibheri Dzvene, Bhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvumirano, uye Dombo reMutengo Mukuru. Aya anonziwo “mabhuku ezvinyorwa zvitsvene.”
Chibvumirano Chedu choKuchengeta Mirairo
Cherechedza: Pane nzira dzakawanda dzokudzidzisa mirairo iri muchidzidzo chino. Semuenzaniso, ungangovadzidzisa mukushanya kushomanana. Kana kuti unokwanisa kudzidzisa zvimwe zvacho sechikamu chezvidzidzo zvitatu zvokutanga. Apo paunodzidzisa mirairo iyi, iva nechokwadi chekuibatanidzira kuchibvumirano cherubhabhatidzo uye nechirongwa cheruponeso.
Apo patinobhabhatidzwa, tinoita chibvumirano naMwari chekuti “tinozochengeta mirairo yavo”(Mosaya 18:10; Aruma 7:15).
Mwari vakatipa mirairo nokuti Vanotida. Vanoda kuti tiwane zvakanakisisa, zvose iyezvino uye nomukusingaperi. SaBaba vedu Vokudenga, Vanoziva zvatinoda kuitira kugara zvakanaka kwedu pane zvepamweya nezvepanyama. Vanozivawo izvo zvinozotiunzira mufaro mukurusa. Murairo woga woga chipo chehumwari, wakapuwa kuti utungamirire sarudzo dzedu, kutidzivirira, uye nokutibatsira kukura.
Chimwe chikonzero chatakauyira panyika ndechekudzidza nekukura kuburikidza nekushandisa kwaniso yekuzvisarudzira yedu neungwaru (ona Abrahama 3:25). Kusarudza kuteerera mirairo yaMwari—uye nokutendeuka apo patinokundikana—kunotibatsira kufamba rwendo rwuno sevanhu vanofa urwo rwunowanzonetsa.
Mirairo yaMwari ndiyo manyuko esimba nemaropafadzo (ona Dzidziso neZvibvumirano 82:8–9). Kuburikidza nekuchengeta mirairo, tinodzidza kuti haisi mitemo inorema iyo inoderedza rusununguko rwedu. Rusununguko rwechokwadi rwunouya kubva mukuteerera mirairo. Kuteerera ndiko manyuko esimba rinotiunzira chiedza neruzivo kuburikidza neMweya Mutsvene. Kunotiunzira mufaro mukuru uye kunotibatsira kusvika pakwaniso yehumwari yedu sevana vaMwari.
Mwari vanovimbisa kutiropafadza apo patinochengeta mirairo Yavo. Mamwe maropafadzo akanangana nemimwe mirairo. Maropafadzo Avo makurusa ndeerunyararo muupenyu hwuno uye upenyu hwokusingaperi munyika ichauya. (Ona Mosaya 2:41; Aruma 7:16; Dzidziso neZvibvumirano 14:7; 59:23; 93:28; 130:20–21.)
Maropafadzo aMwari ndeezvose pamweya nepanyama. Pane dzimwe nguva, tinofanira kuva nemwoyo murefu mukuamirira, tichivimba kuti anozouya maererano nechido Chavo uye nenguva Yavo (ona Mosaya 7:33; Dzidziso neZvibvumirano 88:68). Kuti tizive mamwe maropafadzo, tinofanira kuva nokuteerera uye kucherechedza kwepamweya. Izvi zvinonyanya kuva chokwadi maererano nemaropafadzo anouya nenzira dziri nyore uye dzinoratidzika sedzamazuva ose.
Mamwe maropafadzo anogona kuonekwa chete kana tikatarisa zvakaitika kumashure uye tichikwanisa kuzvinzwisisa. Mamwe anogona kusauya kusvikira mushure meupenyu hwuno. Zvisinei nenguva kana rudzi rwemaropafadzo aMwari, tinokwanisa kuvimba kuti anozouya apo patinoedza nesimba rose kurarama vhangeri raJesu Kristu (ona Dzidziso neZvibvumirano 82:10).
Mwari vanoda vana Vavo vose zvakarurama. Vane mwoyo murefu neutera hwedu, uye Vanotiregerera apo patinotendeuka.
Mirairo Miviri Mikuru
Apo Jesu paakabvunzwa kuti: “Murairo mukuru ndoupiko?” Akapindura achiti “Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.”
Jesu zvino akati murairo mukuru wechipiri unofanana newokutanga: “Ida wokwako sezvaunozvida iwe” (Mateo 22:36–39). “Hakuna murairo mukuru kuna iyeyo” (Marko 12:31).
Sevana vemweya vaMwari, tine kwaniso hurusa yekuva nerudo. Ichi chikamu chenhaka yedu yezvepamweya. Kurarama mirairo mikuru miviri—kuda Mwari kutanga uye kuda muvakidzani wedu—ndihwo hunhu hukuru hwunotsananguara vadzidzi vaJesu Kristu.
Rudo rwaMwari
Pane nzira zhinji dzatinokwanisa kuratidza nadzo rudo rwedu kuna Mwari. Tinokwanisa kuchengeta mirairo Yavo (ona Johane 14:15, 21). Tinokwanisa kuVaisa pokutanga muupenyu hwedu, tichiisa chido chedu pasi peChavo. Tinokwanisa kunangisa zvido zvedu, pfungwa dzedu, nemwoyo yedu paVari (ona Aruma 37:36). Tinokwanisa kurarama muruvongo rwemaropafadzo aVakatipa—uye tichiva nerupo rukuru mukugovera maropafadzo iwayo (ona Mosaya 2:21–24; 4:16–21). Kuburikidza nemunamato nemushando kuna vamwe, tinokwanisa kuratidza uye kudzamisa rudo rwedu kwaVari.
Semimwe mirairo, murairo wokuda Mwari ndewepundutso yedu. Zvatinoda zvinotungamirira kune zvatinotsvaka. Zvatinotsvaka zvinotungamirira kune zvatinofunga uye zvatinoita. Uye zvatinofunga nezvatinoita zvinotungamirira kuvanhu vatiri—uye kuvanhu vatinozova.
Rudo rweVamwe
Kuda vamwe chikamu chikuru cherudo rwedu kuna Mwari. Muponesi akatidzidzisa nzira zhinji dzekuda vamwe (onai, semuenzaniso, Ruka 10:25–37 uye Mateo 25:31–46). Tinonanavira kwavari uye tinovatambira mumwoyo yedu nemuupenyu hwedu. Tinoda kuburikidza nekushandira—kuburikidza nekupa nguva yedu kunyangwe munzira duku. Tinoda vamwe kuburikidza nekushandisa zvipo zvatakapuwa naMwari kuti tivaropafadze.
Kuda vamwe kunosanganisira kuva nemwoyo murefu, netsitsi, uye nekutendeka. Kunosanganisira kuregerera pachena. Zvinoreva kubata vanhu vose neruremekedzo.
Apo patinoda mumwe munhu, isu nemunhu iyeye tose tinoropafadzwa. Mwoyo yedu inokura, upenyu hwedu hunonyanya kuva hunoreva chinhu, uye mufaro wedu unowedzera.
Maropafadzo
Mitemo mikuru miviri—kuda Mwari uye kuda muvakidzani wedu—ndizvo hwaro hwemirairo yose yaMwari (ona Mateo 22:40). Apo patinoda Mwari kutanga, uyewo nokuda vamwe, chinhu chose chiri muupenyu hwedu chinozoenda munzvimbo yacho kwayo. Rudo urwu rwunozoshandura maonero ezvinhu edu, mashandisiro atinoita nguva yedu, zvifadzo zvatinotevera, uye hurongwa hwezvinhu zvatinokoshesa.
Teverai Muporofita
Mwari vanodaidza vaporofita kuti vave vamiriri Vavo panyika. Kuburikidza nevaporofita Vavo, Vanozarura chokwadi uye vanopa nhungamiro neyambiro.
Mwari vakadaidza Joseph Smith kuti ave muporofita wekutanga wemazuva ekupedzisira (ona chidzidzo 1). Vatevedzeri vaJoseph Smith vakadaidzwa nenzira imwecheteyo naMwari kuti vatungamirire Chechi Yavo, kusanganisira muporofita anoitungamirira nhasi. Tinofanira kuwana rutendo rwedaidzo yehumwari yemuporofita anorarama uye totevera dzidziso dzake.
Dzidziso dzevaporofita nevaapositora vanorarama dzinopa tsigiro yechokwadi chokusingaperi munyika yehunhu hunoshanduka. Apo patinotevera vaporofita vaMwari, nyonganyonga nemakakatanwa enyika hazvizotikuriri. Tinozowana mufaro mukurusa muupenyu hwuno uye togamuchira nhungamiro yechikamu chino cherwendo rwedu rwokusingaperi.
Chengetai Mirairo ineGumi
Mwari vakazarura Mirairo ineGumi kumuporofita wechinyakare ainzi Mosesi kuti itungamirire vanhu Vavo. Mirairo iyi inoshanda nenzira imwecheteyo muzuva redu. Inotidzidzisa kunamata nokuratidza ruremekedzo kuna Mwari. Inotidzidzisawo mabatiro atinofanira kuitana.
-
“Usava navamwe vamwari kunze kwangu” (Eksodo 20:3). Vamwe “vamwari” vanokwanisa kusanganisira zvinhu zvizhinji, zvakaita sepfuma, simba, kana mukurumbira.
-
“Usazviitira mufananidzo wakavezwa” (Eksodo 20:4).
-
“Usareva zita raJehova Mwari wako pasina” (Eksodo 20:7).
-
“Rangarira zuva resabata, kuti urichengete rive dzvene” (Eksodo 20:8).
-
“Kudza baba vako namai vako” (Eksodo 20:12).
-
“Usavuraya” (Eksodo 20:13).
-
“Usaita upombwe” (Eksodo 20:14).
-
“Usaba” (Eksodo 20:15).
-
“Usapupurira wokwako nhema” (Eksodo 20:16).
-
“Usachiva imba yowokwako,” (Eksodo 20:17).
Raramai Mutemo weKuzvibata
Mutemo wekuzvibata chikamu chakakosha chechirongwa chaMwari cheruponeso rwedu nokusimudzirwa kumusoro soro kwedu. Kusangana pabonde pakati pemurume nomukadzi kwakagadzwa naMwari kuitira kusikwa kwevana uye kuitira ratidzo yerudo mukati memuchato. Kusangana uku uye simba rekusika upenyu hwevanhu zvakaitirwa kuti zvive zvakanaka uye zvinoera.
Mutemo waMwari wekuzvibata ndewekusaita ukama hwekusangana pabonde kunze kwemuchato wepamutemo pakati pemurume mumwechete nemukadzi mumwechete. Mutemo uyu unorevawo kuva nerutendeko rwakazara nevimbiko yakazara kumukadzi kana murume wemunhu mushure memuchato.
Kutibatsira kuchengeta mutemo wekuzvibata, vaporofita vakatiraira kuti tive vakachena mupfungwa dzedu nemumashoko edu. Tinofanira kudzivirira kuona mifananidzo inonyadzisa (ponogirafi) murudzi rupi zvarwo. Mukuwirirana nemutemo wekuzvibata, tinofanira kuva takatsiga mumaitiro edu netarisiko yedu.
Avo varikuda kubhabhatidzwa vanofanira kurarama mutemo wekuzvibata.
Rununuro neRuregerero
Mumaziso aMwari, kutyora mutemo wekuzvibata chinhu chakakomba zvikuru (ona Eksodo 20:14; VaEfeso 5:3). Kunoshandisa zvisiriizvo simba rinoera iro raVakapa rekusika upenyu. Asi Vanoramba vachitida kunyangwe tikange tatyora mutemo uyu. Vanotikoka kuti titendeuke uye tive vakachena kuburikidza nerudzikinuro rwekuzvipira rwaJesu Kristu. Kuora mwoyo nokuda kwechivi kunokwanisa kutsiviwa nerunyararo rwunotapira rweruregerero rwaMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 58:42–43).
Maropafadzo
Mwari vakapa mutemo wekuzvibata kuti utiropafadze isu uye nevana vemweya Vavanotumira panyika. Kuteerera mutemo uyu kwakakosha kurunyararo rwako pachako uye kukuva nerudo, ruvimbo, uye rubatano muhukama hwedu hwemhuri.
Apo patinorarama mutemo wekuzvibata, tinozodzivirirwa kubva mukukuvadzwa kwezvepamweya uko kunobva muukama hwekusangana pabonde kunze kwemuchato. Tinozodzivirirawo zvinetso zvepfungwa uye zvenyama zvinowanzofambirana neukama hwakadaro. Tinozokura muchivimbo chedu pamberi paMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 121:45). Tinozova takazaruka zvakanyanya kufemero yeMweya Mutsvene. Tinozova takagadzirira zvirinani kuita zvibvumirano zvinoera mutemberi zvinobatanidza mhuri dzedu nokusingaperi.
Chengetai Mutemo weChegumi
Pundutso huru yeunhengo muChechi ndeye mukana wekubvisa chegumi. Apo patinobvisa chegumi, tinobatsira kuendesa mberi basa raMwari nokuropafadza vana Vavo.
Mutemo wechegumi une mavambo munguva dzeTestamente Yekare Semuenzaniso, muporofita Abrahama akabvisa zvegumi pazvinhu zvose zvaaiva nazvo (ona Aruma 13:15; Genesi 14:18–20).
Shoko rekuti chegumi rinoreva chaizvo izvo chimwechete kubva mugumi. Apo patinobvisa chegumi, tinopa kuChechi chikamu chimwechete kubva mugumi chemari yedu yatinotambira (ona Dzidziso neZvibvumirano 119:3–4; mugove unonzwisiswa kureva mari inotambirwa). Zvose zvatiinazvo chipo chinobva kuna Mwari. Apo patinobvisa chegumi, tinoratidza ruvongo rwedu kwaVari kuburikidza nekudzorera chikamu cheizvo zvaVakapa kwatiri.
Kubvisa chegumi chiratidzo cherutendo. Inzirawo yekukudza Mwari. Jesu akadzidzisa kuti tinofanira “kutanga kutsvaka … ushe hwaMwari” (Mateo 6:33), uye chegumi inzira yekuita izvozvo.
Kushandiswa kweMari yeChegumi
Mari dzeChegumi dzinoera. Tinopa chegumi chedu kunhengo yehubhishopiriki, kana kuti munzvimbo zhinji tinokwanisa kubhadhara nepaindaneti. Apo vehubhishopiriki pavanogamuchira chegumi, vanochiendesa kumuzinda weChechi.
Dare rine Vatungamiri Vokutanga, Chikwata chavaApositora Vane Gumi naVaviri, uye Vatungamiri vehuBhishopiriki rinosarudza mashandisirwo anoitwa mari yechegumi mubasa raMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 120:1). Kushandiswa kwayo uku kunosanganisira:
-
Kuvaka nekuchengetedza matemberi nedzimba dzokusanganira.
-
Kududzira nekushambadza magwaro matsvene.
-
Kutsigira zviitwa nemashandiro emagungano eChechi emunzvimbomo.
-
Kutsigira basa roushumiri munyika yose.
-
Kutsigira nhoroondo yemhuri.
-
Kupa mari kuzvikoro nedzidzo.
Chegumi hachishandiswe kubhadhara vatungamiri veChechi vemunzvimbo. Vanoshandira nokuzvidira vakasununguka vasina kana mubhadharo.
Maropafadzo
Apo patinobvisa chegumi, Mwari vanovimbisa maropafadzo akakurisisa kupfuura izvo zvatinopa. “Vanozozarura … mawindo okudenga, vakakudururirai … mukomborero, wamuchashaiwa pokuisa” (Maraki 3:10; onai ndima 7–12). Maropafadzo aya anogona kuva zvose epamweya neepanyama.
Teererai Kushoko reUngwaru
Mutemo waIshe weUtano
Miviri yedu zvipo zvinoera zvinobva kuna Mwari. Mumwe nemumwe wedu anoda muviri wenyama kuti tinyanye kuva saIvo. Miviri yedu yakakosha zvikuru zvokuti magwaro matsvene anoienzanisa nematemberi (ona 1 VaKorinte 6:19–20).
Ishe vanoda kuti tibate miviri yedu neruremekedzo. Kutibatsira kuita izvi, Vakazarura mutemo weutano unonzi Shoko reUngwaru. Chakazarurwa ichi chinotidzidzisa pamusoro pekudya zvokudya zvinovaka muviri uye nokusashandisa zvinhu zvinokuvadza miviri yedu—kunyanya doro, fodya, nezvinwiwa zvinopisa (kureva tii nekofi).
Mumweya weShoko reUngwaru, vaporofita vemazuva ano vakayambira pamusoro pekushandisa zvimwe zvinhu zvinokuvadza, zvisiri pamutemo, kana zvinokonzeresa unhapwa hwehavi. Vaporofita vakayambirawo pamusoro pekushandisa zvisiriizvo mishonga inopuwa netsamba yachiremba. (Mutungamiri weushumiri wako anozopindura mibvunzo pamusoro pokujekesa kana zvimwe zvinhu zviri munharaunda yako zvisingafanire kushandiswa.)
Maropafadzo
Ishe vakapa Shoko reUngwaru kuitira kugara kwakanaka kwedu kwepanyama nekwepamweya. Vanovimbisa maropafadzo makuru apo patinochengeta murairo uyu. Maropafadzo aya anosanganisira utano, ungwaru, upfumi hweruzivo, nedziviriro (ona Dzidziso neZvibvumirano 89:18–21).
Kuteerera Shoko reUngwaru kunozotibatsira kuva tinonyanya kutambira femero yeMweya Mutsvene. Kunyangwe zvazvo tose tichiva nezvinetso zvoutano, kuteerera mutemo uyu kunozotibatsira kuva noutano hwakanaka mumuviri, mupfungwa, nemumweya.
Avo vari kuda kubhabhatidzwa vanofanira kuteerera Shoko reUngwaru.
Kuti muwane nhungamiro pamusoro pekubatsira vanhu vari kunetseka neunhapwa hwehavi, ona chitsauko 10.
Chengetai Zuva reSabata riri Dzvene
Zuva roKuzorora noKunamata
Sabata izuva dzvene ratakatsaurirwa naMwari svondo roga roga kuti tizorore kubva kumabasa edu emazuva ose uye tiVanamate. Mumwe weMirairo ine Gumi yakapuwa kuna Mosesi ndewe kuti, “rangarira zuva resabata, kuti urichengete rive dzvene” (Eksodo 20:8; onawo ndima 9–11).
Muzvakazarurwa zvemazuva ano, Ishe vakasimbisa zvakare kuti Sabata “izuva rakamisirwa kwamuri kuti muzorore kubva pamabasa enyu, uye kuti mupire minamato yenyu kune Wokumusoro-soro” (Dzidziso neZvibvumirano59:10). Vakatiwo Sabata rinofanira kuva zuva rekufara, rekunamata, uye nekupa ruvongo (ona ndima14–15).
Sechikamu chekunamata kwedu kweSabata, tinopinda musangano wesakaramende svondo roga roga. Mumusangano uyu, tinonamata Mwari uye tinotora sakaramende kurangarira Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake. Apo patinotora sakaramende, tinovandudza zvibvumirano zvedu naMwari uye tinoratidza kuti tinoda kutendeuka pazvivi zvedu. Chisungo chesakaramende ndiyo nangiso yecherechedzo yedu yezuva reSabata.
Kuchechi tinotorawo chinhanho mumakirasi umo matinodzidza zvakawanda pamusoro pevhangeri raJesu Kristu. Rutendo rwedu rwunokura apo patinonzvera magwaro matsvene pamwechete. Rudo rwedu rwunokura apo patinoshandirana uye nokusimbisana.
Pamusoro pekuzorora kubva pamabasa edu paSabata, tinofanira kurega kutenga uye kuita zvimwe zvinhu zvinozoita kuti rinzwike sokunge zuva rimwewo zvaro. Tinoisa parutivi zviitwa zvenyika uye tonangisa pfungwa dzedu nezviito zvedu pazvinhu zvepamweya.
Zuva reKuita Zvakanaka
Kuita zvakanaka pazuva reSabata kwakakoshawo seizvo zvatinorega kuita kuti tirichengete riri dzvene. Tinodzidza vhangeri, tinosimbisa rutendo, tinovaka ukama, tinopa mushando, uye tinotora chinhanho mune zvimwe zviitwa zvinosimudzira mhuri neshamwari.
Maropafadzo
Kuchengeta zuva reSabata riri dzvene chiratidzo chekuzvipira kwedu kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu. Apo patinoita kuti zviitwa zvedu zveSabata zvienderane nechinangwa chaMwari chezuva iri, tinozonzwa mufaro nerunyararo. Tinozogutswa pane zvepamweya uye tinozosimbaradzwa pane zvepanyama. Tinozonzwawo kuva padyo naMwari uye tinodzamisa ukama hwedu neMuponesi wedu. Tinozozvichengeta zvakanyanya kuzara “tisina kusvibiswa nenyika” (Dzidziso neZvibvumirano 59:9). Sabata rinozova “rinofadza” (Muporofita Isaya 58:13; onawo ndima 14).
Teererai noKukudza Mutemo
Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vanotenda mukuteerera mutemo uye mukuva vagari venyika vakanaka (ona Dzidziso neZvibvumirano 134; Misimboti yeChitendero 1:12). Nhengo dzeChechi dzinokurudzirwa kuita mushando kuti vanatsurudze nharaunda nendudzi dzavo. Vanokurudzirwawo kuva hurudziro dzetsika dzakanaka munzanga nomuhurumende.
Nhengo dzeChechi dzinokokwa kuti dzitore chinhanho muhurumende nehurongwa hwezvematongerwo enyika maererano nemutemo. Nhengo dzine zvinzvimbo muhurumende dzinoshanda muzvinzvimbo zvakadai sevagari vemunyika vane hanya, kwete sevamiririri veChechi.
Chibvumirano Chedu choKushandira Mwari neVamwe
Mushando
Apo patinobhabhatidzwa, tinobvumira kushandira Mwari uye kushandira vamwe. Kushandira vamwe ndiyo imwe yenzira huru dzatinoshandira nadzo Mwari (ona Mosaya 2:17). Muporofita Aruma akadzidzisa avo vaida kubhabhatidzwa kuti vanofanira “kuda kutakurirana mitoro, … kuchema neavo vanochema … nokunyaradza avo vanoda kunyaradzwa” (Mosaya 18:8– 9).
Chinguva chipfupi mushure merubhabhatidzo nhengo itsva kazhinji dzinotambira daidzo yekushandira muChechi. Daidzo idzi dzinoitwa nokuzvidira wakasununguka uye hadzibhadharwi? Apo patinodzigamuchira uye toshandira nekushingaira, tinokura murutendo, tinokudziridza matarenda, uye tinoropafadza vamwe.
Chimwe chikamu chemushando wedu muChechi ndechekuva “bhuratha anoshumira” kana “sisita anoshumira.” Mubasa iri, tinoshandira vanhu nemhuri vatakadomerwa.
Sevadzidzi vaJesu Kristu, tinotsvaka mikana yekushandira zuva roga roga. SaIye, tinofamba “nenyika tichiita zvakanaka” (Mabasa avaApositora 10:38). Tinoshandira vavakidzani vedu uye nevamwe munharaunda medu. Tinokwanisa kutora chinhanho mumikana yemushando kuburikidza nechirongwa cheJustServe uko kwachinowanika. Tinokwanisa kutsigira basa rokubatsira vanhu reChechi uye kutora chinhanho mudaviro yekubatsira munjodzi.
Kugovera Vhangeri
Sechikamu chechibvumirano chedu cherubhabhatidzo, tinovimbisa “kumira sezvapupu zvaMwari” (Mosaya 18:9). Imwe nzira yatinomira sezvapupu ndeye kuburikidza nekugovera vhangeri raJesu Kristu. Kubatsira vamwe kugamuchira vhangeri ndiyo imwe yemhando dzemushando dzinofadza zvikurusa dzatinokwanisa kupa (ona Dzidziso neZvibvumirano 18:15–16). Iratidzo ine simba yerudo rwedu.
Apo patinowana maropafadzo ekurarama vhangeri, semusikirwo wedu tinoda kugovera maropafadzo iwayo. Nhengo dzemhuri, shamwari, nevazivikanwi kazhinji vanova vanorifarira apo patinomisa muenzaniso wakatendeka uye vachiona maropafadziro anoita vhangeri upenyu hwedu. Tinokwanisa kugovera vhangeri nenzira dzemazuva ose uye dzemusikirwo wedu (ona General Handbook, chitsauko 23).
Tinokoka vamwe kuti vatore chinhanho nesu muzviitwa zvemushando, zvemunharaunda, zvekutandara, uye zveChechi. Tinokwanisa kuvakoka kumusangano weChechi kana kumusangano werubhabhatidzo. Tinokwanisa kuvakoka kuona vhidhiyo yepaindaneti inotsanangura vhangeri raJesu Kristu, kuverenga Bhuku raMormoni, kana kushanyira temberi panguva inozarurirwa nhengo dzeruzhinji kupindamo. Pane mazana ekokero dzatinokwanisa kupa. Kazhinji, kukoka kunongoreva kusanganisira mhuri yedu, shamwari dzedu, uye vavakidzani vedu mune zvatiri kutoita nechekare.
Kana tikakumbira, Mwari vanozotibatsira kuona mikana yekugovera vhangeri uye nekuudza vamwe maropafadziro arinoita upenyu hwedu.
Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pekushandisa misimboti yekuda, kugovera, uye kukoka, ona “Unite with Members” muchitsauko 9.
Kutsanya neMipiro yeKutsanya
Mwari vakamisa mutemo wekutsanya senzira yokuti tikudziridze simba rezvepamweya uye kubatsira avo vanoshaya.
Kutsanya kunoreva kusadya zvokudya nokusanwa zvokunwa kwenhambo yenguva. Chechi kazhinji inoisa parutivi Svondo yekutanga yemwedzi woga woga sezuva rekutsanya. Zuva rekutsanya kazhinji rinosanganisira kusadya zvokudya nokusanwa zvekunwa kwenhambo yemaawa makumi maviri nemana kana tichikwanisa noutano hwomuviri. Zvimwe zvikamu zvakakosha zveSvondo yekutsanya zvinosanganisira munamato nokupa uchapupu. Tinokurudzirwawo kutsanya pane dzimwe nguva apo patinonzwa chidikanwi yekutsanya.
Kuvaka Simba reZvepamweya
Kutsanya kunokwanisa kutibatsira kuva tinozvininipisa, kuswedera pedyo naMwari, uye kunzwa kuvandudzwa pane zvepamweya. Asati atanga hushumiri Hwake, Jesu Kristu akatsanya (ona Mateo 4:1–2). Magwaro matsvene anonyora rondedzero zhinji dzevaporofita navamwe vachitsanya kuitira kuti vagone kuwedzera simba ravo rezvepamweya uye nokutsvaka maropafadzo akakosha avo pachavo kana evamwe.
Kutsanya nokunamata kunofambirana pamwechete. Apo patinotsanya nokunamata nerutendo, tinonyanya kuva nepfungwa dzakazaruka kutambira zvakazarurwa zvemunhu pachake. Tinonyanyawo kuva tinoda kuziva chokwadi uye kunzwisisa chido chaMwari.
Kubatsira Avo Vanoshaya
Apo patinotsanya, tinopa mari kuChechi kuitira kubatsira kutaririra vanhu vanoshaya. Iyi inonzi mupiro wekutsanya. Tinokokwa kuti tipe mupiro wakaenzana nemutengo wezvokudya zvisina kudyiwa. Tinokurudzirwa kuva nerupo uye topa zvinopfuura mutengo wezvokudya izvi kana tichikwanisa. Kupa mupiro wekutsanya ndiyo imwe nzira yatinokwanisa kushandira vamwe.
Mipiro yekutsanya inoshandiswa kupa zvokudya nezvimwe zvidikanwi kuvanhu vanoshaya, zvose munzvimbo medu nepasi rose. Kuti muwane ruzivo pamusoro pemapiro okuita mipiro yekutsanya, ona “Kupa Zvegumi neMimwe Mipiro” muchidzidzo chino.
Chibvumirano Chedu choKushingirira kusvika Kumagumo
Apo patinobhabhatidzwa, tinobvumirana naMwari “kushingirira kusvika kumagumo” mukurarama vhangeri raJesu Kristu (2 Nifai 31:20; onawo Mosaya 18:13). Tinoedza nesimba rose kuva vadzidzi vaJesu Kristu voupenyu hwose.
Muporofita weBhuku raMormoni Nifai akatsanangura rubhabhatidzo sesuo ratinopinda naro mugwara revhangeri (ona 2 Nephi 31:17). Mushure merubhabhatidzo, tinoramba “tichisaidzira mberi tisingazungunuki muna Kristu” (2 Nifai 31:20).
Apo patinenge “tichisaidzira mberi” mugwara reudzidzi, tinogadzirira kuenda kutemberi. Ikoko tinozoita zvibvumirano naMwari apo patinogamuchira zvisungo zvemutemberi. Mutemberi, tinozopuwa simba uye tinokwanisa kusunganidzwa semhuri nokusingaperi. Kuchengeta zvibvumirano zvatinoita mutemberi kunozozarura musuo wezvipo nemaropafadzo zvepamweya zvose izvo Mwari zvavainazvo zvedu.
Apo patinoramba takatendeka nemugwara revhangeri, tinozogamuchira pokupedzisira chipo chikurusa chaMwari—chipo cheupenyu hwokusingaperi (ona 2 Nifai 31:20; Dzidziso neZvibvumirano 14:7).
Zvikamu zvinotevera zvinotsanangura zvimwe zvezvinhu zvakapuwa naMwari kuti zvitibatsire kushingirira kusvika kumagumo erwendo rwedu sevanhu vanofa—uye kuwana mufaro mazviri.
Hupirisita neMapato eChechi
Hupirisita imvumo nesimba zvaMwari. Kuburikidza nehupirisita, Baba Vokudenga vanozadzikisa basa Ravo “kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi” hwevana Vavo (Mosesi 1:39). Mwari vanopa mvumo nesimba kuvanakomana nevanasikana Vavo panyika kuti vabatsire kuita basa iri.
Hupirisita hwunotiropafadza tose. Zvisungo zvakaita serubhabhatidzo nesakaramende zvinogamuchirwa kuburikidza neavo vane zvinzvimbo zvehupirisita. Tinokwanisawo kugamuchira maropafadzo ekuporeswa, kunyaradzwa, uye rairo.
Hupirisita neHutungamiri hweChechi neDaidzo
Chechi inotungamirirwa naJesu Kristu kuburikidza nevaporofita nevaapositora. Vatungamiri ava vanodaidzwa naMwari, vanogadzwa, uye vanopuwa mvumo yehupirisita yekushanda muzita reMuponesi.
Kare kare, Kristu akapa vaApositora Vake mvumo yehupirisita imwecheteyo, iyo yakavabvumira kutungamira Chechi Yake mushure mokunge akwira kudenga. Pokupedzisira simba iroro rakarasika apo vanhu pavakaramba vhangeri uye vaApositora pavakafa.
Vatumwa voKudenga vakadzorera hupirisita muna 1829 kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, uye Ishe zvakare vakamisa Chechi Yavo nevaapositora nevaporofita. (Ona chidzidzo 1.)
Padanho remunzvimbo, mabhishopi nevatungamiri vemasiteki vane mvumo yehupirisita yekutungamira magungano eChechi.
Apo varume nemadzimai pavanodaidzwa nokutsaurwa kuti vashandire muChechi, vanopuwa mvumo kubva kuna Mwari kuti vashande mudaidzo iyoyo. Mvumo iyi inopuwa kuvashumiri, vatungamiri, vadzidzisi, nevamwe kusvikira vasunungurwa kubva mudaidzo dzavo. Inopuwa pasi pehutungamiri hweavo vane makiyi ehupirisita.
Mvumo yehupirisita inokwanisa kushandiswa chete muururami (ona Dzidziso neZvibvumirano 121:34–46). Mvumo iyi chivimbo chinoera chekumiririra Muponesi nekushanda muzita Rake. Nguva dzose inoitirwa kuropafadza nekushandira vamwe.
Hupirisita hwaAroni neHupirisita hwaMerkizedeki
MuChechi, hupirisita hunosanganisira Hupirisita hwaAroni neHupirisita hwaMerkizedeki. Pasi pehutungamiri hweavo vane makiyi ehupirisita, Hupirisita hwaAroni nehwaMerkizedeki hwunogadzwa panhengo dzeChechi dzechirume dzakakodzera. Mushure mokunge hupirisita hwakakodzera hwagadzwa, munhu wacho anogadzwa kuchinzvimbo muhupirisita ihwohwo, sezvakaita mudhikoni kana gosa. Anofanira kugadzwa nemunhu ane mvumo yakafanira.
Apo murume kana mukomana wechidiki paanogamuchira hupirisita, anoita chibvumirano naMwari chekuzadzikisa mabasa anoera, kushandira vamwe, nekubatsira kuvaka Chechi.
Vakomana vechidiki vanogona kutambira Hupirisita hwaAroni uye vogadzwa kuva madhikoni kutanga muna Ndira wegore ravanosvitsa makore gumi nemaviri. Vanogona kugadzwa sevadzidzisi mugore ravanosvitsa makore gumi nemana uye vapirisita mugore ravanosvitsa makore gumi nematanhatu. Vatendeuki vechirume vava vezera rakakwana vanogona kugamuchira Hupirisita hwaAroni mushure merubhabhatidzo norusimbiso. Vane Hupirisita hwaAroni vanoita zvisungo zvakaita sesakaramende nerubhabhatidzo.
Mushure mokushanda kwenguva semupirisita muHupirisita hwaAroni, murume akakodzera uyo ane makore gumi nemasere kana kupfuura anogona kugamuchira Hupirisita hwaMerkizedeki uye agogadzwa kuva gosa. Varume vanotambira Hupirisita hwaMerkizedeki vanokwanisa kuita zvisungo zvehupirisita zvakaita sekupa maropafadzo ekuporesa nekunyaradza kunhengo dzemhuri navamwe.
Ona General Handbook, 38.2.9.1, kuti uwane ruzivo pamusoro pekutambira hupirisita kwenhengo itsva.
Zvikwata neMapato eChechi
Zvikwata zveHupirisita. Chikwata iboka rakarongwa revane hupirisita. Wadhi yoga yoga ine chikwata chemagosa chevarume vakuru. Madhikoni, vadzidzisi, nezvikwata zvevapirisita ndezvevakomana vechidiki.
Chita cheRubatsiro Chita cheRubatsiro chinosanganisira madzimai ane makore gumi nemasere zvichikwira. Nhengo dzeChita cheRubatsiro dzinosimbisa mhuri, vanhu pachavo, nenharaunda.
Vasikana veChidiki Vasikana vechidiki vanopinda bato reVasikana Vechidiki kutanga muna Ndira wegore ravanosvitsa makore gumi nemaviri.
Puraimari Vana vane makore matatu kusvika kugumi nerimwechete vari chikamu chebato rePuraimari.
Chikoro cheSvondo Vanhu vose vakuru nevechidiki vanopinda Chikoro cheSvondo, umo mavanosangana kuti vadzidze magwaro matsvene pamwechete.
Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pehupirisita, ona General Handbook, chitsauko 3.
Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pezvikwata zvehupirisita nemapato eChechi, ona General Handbook, chitsauko 8–13.
Michato neMhuri
Muchato
Muchato pakati pomurume nomudzimai wakagadzwa naMwari. Wakakosha zvikuru kuchirongwa Chavo chekufambira mberi kwokusingaperi kwevana Vavo.
Mubatanidzwa wemurume nemukadzi mumuchato unofanira kuva ukama hwavo hwepanyika hunokosheswa zvikurusa. Vane basa rinoera rokuva vakavimbika kune mumwe nomumwe wavo uye nokutendeka kuchibvumirano chavo chemuchato.
Murume nomudzimai vakaenzana mumaziso aMwari. Mumwe haafaniri kutonga mumwe. Sarudzo dzavo dzinofanira kuitwa murubatano nemurudo, nokutora chinhanho kwakazara kwavo vari vaviri.
Apo murume nomukadzi pavanodanana nokushanda pamwechete, muchato wavo unokwanisa kuva manyuko emufaro wavo mukurusa. Vanokwanisa kubatsirana nevana vavo kufambira mberi vakananga kuupenyu hwokusingaperi.
Mhuri
Semuchato, mhuri yakagadzwa naMwari uye yakakosha zvikuru kuchirongwa Chavo chemufaro wedu wokusingaperi. Mhuri dzedu dzinozonyanya kuva dzinofara apo patinorarama maererano nedzidziso dzaJesu Kristu. Vabereki vanodzidzisa vana vavo vhangeri raJesu Kristu uye nokumisa muenzaniso mukurirarama. Mhuri dzinopa mikana yokuti tidanane uye tishandirane.
Vabereki vanofanira kuita kuti mhuri yavo ive chinhu chakakosha zvikurusa. Iropafadzo nebasa rinoera kuti vabereki vataririre vana vavanokwanisa kubereka kana kutora zviri pamutemo kuita vavo.
Mhuri dzose dzine zvinetso. Apo patinotsvaka tsigiro yaMwari nokuchengeta mirairo Yavo, zvinetso zvemhuri zvinokwanisa kutibatsira kudzidza nekukura. Dzimwe nguva zvinetso izvi zvinotibatsira kudzidza kutendeuka nokuregerera.
Vatungamiri veChechi vakakurudzira nhengo kuita manheru epamba vhiki roga roga. Vabereki vanoshandisa nguva iyi kudzidzisa vana vavo vhangeri, kusimbisa ukama hwemhuri, nokufara pamwechete. Vatungamiri veChechi vakapawo chiziviso chinodzidzisa zvokwadi zvakakosha pamusoro pemhuri (ona “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” ChurchofJesusChrist.org).
Dzimwe nzira dzekusimbisa mhuri dzinosanganisira munamato wemhuri, kunzvera magwaro matsvene, uye kunamata pamwechete kuchechi. Tinokwanisawo kutsvagurudza nhoroondo yemhuri, kuunganidza nyaya dzemhuri, nokushandira vamwe.
Vanhu vakawanda vane mikana mishoma yokuva mumuchato kana yokuva noukama hwune rudo hwemhuri. Vakawanda vakasangana nekurambana uye mamwe mamiriro ezvinhu emhuri akaoma. Zvisinei, vhangeri rinotiropafadza semunhu pachake zvisinei nemamiriro ezvinhu emhuri yedu. Uye apo patinenge takatendeka, Mwari vanozotipa nzira yokuti tive nemaropafadzo emhuri dzine rudo, mungava muupenyu hwuno kana muupenyu hwuchauya.
Basa reMutemberi neNhoroondo yeMhuri reKuitira Madziteteguru Akafa.
Baba Vokudenga vanoda vana Vavo vose uye vanoda ruponeso rwavo nekusimudzirwa kumusoro soro kwavo. Asi zvakadaro mabhiriyoni evanhu akafa asina kunzwa vhangeri raJesu Kristu kana kutambira zvisungo zvinoponesa zvevhangeri. Zvisungo izvi zvinosanganisira rubhabhatidzo, rusimbiso, kugadzwa kwehupirisita kwevarume, endaumende yemutemberi, uye muchato wokusingaperi.
Kuburikidza nenyasha nengoni Dzavo, Ishe vakapa imwe nzira yekuti vanhu ava vagamuchire vhangeri nezvisungo zvaro. Munyika yeMweya, vhangeri rinoparidzwa kune avo vakafa vasina kurigamuchira (ona Dzidziso neZvibvumirano 138). Mumatemberi, tinokwanisa kuita zvisungo takamiririra madziteteguru edu akafa nevamwe. Vanhu vakafa ava vari munyika yemweya vanokwanisa zvino kutambira kana kuramba vhangeri nezvisungo zvavanoitirwa.
Tisati takwanisa kuita zvisungo izvi, tinofanira kutsvaka madziteteguru edu asina kuzvigamuchira. Kutsvaka nhengo dzemhuri dzedu kuitira kuti dzigokwanisa kutambira zvisungo chinangwa chikuru chebasa redu renhoroondo yemhuri Apo patinowana ruzivo pamusoro pavo, tinorwuisa kumuunganidzwa wedhata weChechi paindaneti adhiresi inoti FamilySearch.org Zvino isu (kana vamwe) tinokwanisa kuvaitira zvisungo zvinotwa nevamiririri mutemberi.
Apo patinotsvaka madziteteguru edu nokuvaitira zvisungo, mhuri dzedu dzinogona kubatanidzwa nokusingaperi.
Matemberi, Endaumende, Muchato Wokusingaperi, uye Mhuri Dzokusingaperi
Matemberi
Temberi imba yaIshe. Inzvimbo tsvene umo matinokwanisa kuita zvibvumirano naMwari apo patinogamuchira zvisungo Zvavo zvinoera. Apo patinochengeta zvibvumirano izvi, tinozova nesimba rehumwari rinoratidzwa muupenyu hwedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:19–22; 109:22–23).
Endaumende
Chimwe chezvisungo zvatinogamuchira mutemberi chinonzi endaumende. Shoko rekuti endaumende rinoreva “chipo.” Chipo ichi cheruzivo nesimba chinobva kuna Mwari. Munguva yeendaumende, tinoita zvibvumirano naMwari zvinotisunganidza kwaVari neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu (ona chitsauko 1).
Vanhu vakuru vanokwanisa kukodzera kugamuchira endaumende yavo yemutemberi mushure menguva isiri pasi pegore rimwechete reunhengo hweChechi. Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro peendaumende, ona General Handbook, 27.2.
Muchato Wokusingaperi uye Mhuri Dzokusingaperi
Chirongwa chemufaro chaMwari chinoita kuti zvikwanisike kuti ukama hwemhuri hwuenderere mberi seri kweguva. Mutemberi tinokwanisa kuchata kwenguva nokusingaperi. Izvi zvinoita kuti zvikwanisike kuti mhuri dzive pamwechete nariinhi nariinhi.
Mushure mokunge murume nomukadzi vakachata vagamuchira endaumende yavo yemutemberi, vanogona kusunganidzwa kana kuchatiswa kwokusingaperi. Vana vavo vanogona kusunganidzwa kwavari.
Murume nemukadzi vakasunganidzwa mutemberi vanofanira kuchengeta zvibvumirano zvavakaita kuti vagamuchire maropafadzo emuchato wokusingaperi.