Seminari uye Inisitichuti
Shoko kubva kuHutungamiri Hwekutanga


“Shoko kubva kuVatungamiri Vekutanga,” Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi: Kuitira Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Shoko kubva kuVatungamiri Vekutanga,” Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi

Shoko kubva kuHutungamiri Hwekutanga

Mabhuratha nemasisita vanodikanwa,

Mukana unoshamisa zvakadii wamuinawo wekudzidzisa vhangeri raJesu Kristu! Kunyangwe uine kana kuti usina daidzo chaiyo yekudzidzisa, uri mudzidzisi. Semudzidzi weMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu, mune mikana yekugovera chiedza Chake kupi zvako kwamunoenda—mumba, kuchechi, apo paunoshumira kune vamwe, uye pakati peshamwari dzenyu. Kudzidzisa vhangeri chivimbo chinoera. Chikamu chakakosha chebasa raIshe, uye kunoshanda zvakanyanyisa kunaka kana tichikuita nemunzira Yake.

Tinokukokai kuti mudzidze zvizhinji pamusoro paJesu Kristu uye namadzidzisiro aAkaita vhangeri. Nemunamato nzverai mashoko Ake, zviito Zvake, nehunhu Hwake, uye moedza kuMutevera nemazvo chaizvo. Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi rinokwanisa kuva nhungamiro yako.

Vatungamiri Vekutanga

Dhinda