Seminari uye Inisitichuti
Ida Avo Vaunodzidzisa


“Ida Avo Vaunodzidzisa,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Ida Avo Vaunodzidzisa,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Ida Avo Vaunodzidzisa

Zvinhu zvose Muponesi zvaakaita nemuhushumiri Hwake hwose hwepanyika zvaikurudzirwa nerudo. Apo patinoedza kuva vateveri vechokwadi vaKristu, tinokwanisa kuzadzwa nerudo rumwecheterwo (ona Johane 13:34–35; Moronai 7:47–48; 8:26). Apo rudo rweMuponesi parwunenge rwuri mumwoyo yedu, tinotsvaga nzira yose inokwanisika yekubatsira vamwe kudzidza nezvaKristu uye kuuya kwaAri. Rudo rwunova kurudziro yekudzidzisa kwedu.

Kuda Avo Vaunodzidzisa

  • Ona vadzidzi semaonerwo avanoitwa naMwari.

  • Tsvaga kuvaziva—kunzwisisa mamiriro ezvinhu avo, zvidikanwi zvavo, uye nekwaniso dzavo.

  • Vanamatirire nemazita avo.

  • Ita kuti pave nemamiriro ezvinhu akachengeteka ayo munhu wose maanokudzwa uye maanoziva kuti pfungwa dzaanogovera dzinokosheswa.

  • Wana nzira dzakakodzera dzekuratidza rudo rwako.

Muponesi Aiona Kwaniso yeHumwari muMunhu Wose waAkadzidzisa

Vanhu vazhinji muJeriko vaifunga kuti vaiziva zvose zvavaifanira kuziva pamusoro paZakeo. Aiva muteresi uye mutori wemutero—mukuru wavateresi, pachokwadi—uye aiva mupfumi. Zviripachena kuti, vaifunga kuti, anofanira kunge ari munhu asingatendeseki uye ane huori. Asi Jesu akatarisa pamwoyo waZakeo uye akaona “mwanakomana waAbrahama” anokudzwa (ona Ruka 19:1–10). Muponesi aiona vanhu kwete chete sekutaridzika kwavaiita asi sezvavaiva vari chaizvo izvo—uye sezvavaikwanisa kuva. Muvaredzi vehove zvavowo saSimoni, Andrea, Jakobo, naJohane, Akaona vatungamiri vamangwana veChechi Yake. Mumutambudzi aityiwa Sauro, Akaona “mudziyo wakasanangurwa,” uyo aizoparidza vhangeri Rake pamberi pemadzimambo nemarudzi (ona Mabasa AvaApositora 9:10–15). Uye mauri nemumunhu woga woga waunodzidzisa, Muponesi anoona mwanakomana kana mwanasikana waMwari ane kwaniso isina muganhu.

Pakati pevanhu vaunodzidzisa, unokwanisa kuva nevamwe vanoratidzika kuva vakatendeka uye vakatendeutswa uye vamwe vanotaridzika kuva vasina chido kana kunyangwe kuva vanopikisa zvaunodzidzisa. Chenjerera kuti usaita fungidziro dzakamisirwa chete pane zvaunoona. Mweya Mutsvene unokwanisa kukubatsira kuona mumunhu woga woga zvimwe zveizvo Muponesi zvaanoona—uye wokubatsira kutanga kuvada semadiro Aanovaita.

Mibvunzo yeKufungisisa: Funga pamusoro pemunhu woga woga waunodzidzisa, uye fungisisa kuti Baba Vokudenga naJesu vanonzwa sei pamusoro pemumwe nemumwe wavo. Chii chaVangaona maari. Pfungwa idzi dzinozoshandura sei nzira yaunodzidzisa nayo munhu iyeye?

Kubva muMagwaro Matsvene: 1 Samueri 16:7; Pisarema 8:4–5; VaRoma 8:16–17; Dzidziso neZvibvumirano 18:10–14

Muponesi Anotiziva uye Anonzwisisa Mamiriro Ezvinhu Edu, Zvidikanwi Zvedu uye Kwaniso Dzedu

Mudzimai wechiSamaria haana kuuya kutsime kuzonzwa shoko revhangeri. Akauya kuzochera mvura. Asi Muponesi akakwanisa kuona kuti nyota yake yaipfuura yepanyama. Aiziva kuti akanga aine zvinetso muupenyu kubvira kare nehukama hwaiva hwusina kugadzikana. Saka Jesu akatora chidikanwi chepanyama icho chaakanga ainacho ipapo—mvura inoraramisa upenyu—uye akachibatanidza kuzvidikanwi zvake zvakadzikisa zvepamweya “zvemvura mhenyu” uye “upenyu husingaperi.” Pakazopera hurukuro yavo, mudzimai akanga ava neumboo hwake pachake hwokuti Jesu aiva Kristu, uhwo muchidimbu hwaiva hwafemerwa namaziviro akazara aAimuita. “[Wa]kandiudza zvose zvandakaita,” akadaro. “Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” (ona Johane 4:6–29).

Kuva mudzidzisi akafanana naKristu kunosanganisira kuziva vanhu vaunodzidzisa uye nekuedza kunzwisisa izvo zviri mumwoyo yavo. Unokwanisa kuva nechido neupenyu hwavo uye wotaridza mutsa. Unokwanisa kutsvaka nzira dzekunzwisisa kwavanobva, zvipo zvavo, zvido zvavo, uye zvidikanwi zvavo. Unokwanisa kuwana madzidziro avanoita zvakanyanyisa kunaka. Unokwanisa kubvunza mibvunzo, kunyatsoteerera, uye kucherechedza. Pamusoro pazvose, unokwanisa kunamata kuti uwane nzwisiso iyo inokwanisa kupuwa neMweya chete. Apo paunoziva munhu zvirinani, unokwanisawo kumubatsira zvirinani kuwana zvinoenderana naye pachake uye simba rake pachake muvhangeri raJesu Kristu. Apo paunonzwisisa nyota yemunhu, Mweya unokwanisa kukudzidzisa mabatsiriro aungaita kuipedza nemvura mhenyu yeMuponesi.

Mibvunzo yeKufungisisa: Chii chaunoziva nechekare pamusoro pevanhu vaunodzidzisa? Chii chakakosha kwavari? Ndedzipi kwaniso dzavo? Chii chavanonetsekana nacho? Chii chaunokwanisa kuita kuti uvanzwisise zvirinani?

Kubva muMagwaro Matsvene: Pisarema 139:1–5; Mateo 6:25–32; Marko 10:17–21; Johane 10:14; 3 Nifai 17:1–9

Muponesi Ainamatira Avo Vaaidzidzisa

Funga manzwiro anofanira kunge akaitwa naSimoni Petro apo paakanzwa Muponesi achiti kwaari “Simoni, Simoni, tarira, Satani wakakumbira kuti akuzungurei, … asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera” (Ruka 22:31–32). Zvingadai zvakakushandura sei kuziva kuti Jesu Kristu akakunamatira kuna Baba? Vanhu veAmerica yechinyakare vakava nechiitiko chakafanana neichi, uye vakachitsanangura nenzira iyi: “Hakuna munhu anokwanisa kufunga nezve mufaro uyo wakazadza mweya yedu panguva yatakanzwa [Jesu] achitinamatira kuna Baba” (3 Nifai 17:17).

Ungangofungawo pamusoro pezvinoitika mukati mako apo iwe paunonamatira mumwe munhu—nguva dzose, nezita. Minamato yako inoshandura sei manzwiro aunoita pamusoro pemunhu iyeye? Inoshandura sei zviito zvako? Zvirokwazvo Baba vedu vari Kudenga vanonzwa nekupindura minamato yemwoyo yose yemudzidzisi uyo anoda kubatsira mudzidzi. Uye mumamiriro ezvinhu mazhinji, imwe nzira yaVanopindura nayo minamato iyoyo ndeye kubata mwoyo wemudzidzisi uye nekumufemera kuita kana kutaura chimwe chinhu icho chinozobatsira mudzidzi kunzwa rudo Rwavo.

Mibvunzo yeKufungisisa: Apo paunofunga pamusoro pevanhu vaunodzidzisa, pane mumwe here waunonzwa kuti ane chidikanwi chakakosha cheminamato yako? Chii chaunonzwa uchifemerwa kuti unamatire muchinzvimbo chake? Ndeapi maropafadzo angangouya apo paunokoka vadzidzi kuti vanamatirane?

Kubva muMagwaro Matsvene: Johane 17; Aruma 31:24–36; 3 Nifai 18:15–24; 19:19–23, 27–34

Muponesi Aiita Chokwadi Chekuti Vose Vainzwa Kuremekedzwa uye neKukosheswa

Manzwiro evakawanda pakati pevatungamiri vechitendero muzuva raJesu aiva ekuti vatadzi vanofanira kugarwa kure navo. Nokuda kweizvi, apo vatungamiri ava pavakaona Jesu achidyidzana nevatadzi, vakashamiswa zvikuru. Zvaikwanisika sei kuti munhu uyo aifambidzana nevanhu vakadaro angava mudzidzisi wezvapamweya?

Jesu, zvirokwazvo, aiva nemaonero akasiyana. Akatsvaka kuporesa avo vose vairwara pane zvepamweya (ona Marko 2:15–17; Ruka 4:17–18). Nguva dzose ainanavira kune avo vaiva vakasiyana neavo vaiva vakavakomberedza kana avo vakanga vaine zvinetso muupenyu kubvira kare, uye Aidyidzana neavo vakanga vaita zvivi. Akarumbidza rutendo rwemurwi wechiRoma (ona Mateo 8:5–13). Akadaidza muteresi aiva asingatendeseki kuti ave mumwe wavadzidzi Vake vakatendeseka (ona Marko 2:14). Apo mumwe mudzimai paakabatwa muupombwe, Akaita kuti anzwe kuva akachengeteka uye akamukurudzira kuti atendeuke uye ararame upenyu huri nani (ona Johane 8:1–11).

Asi Jesu akaita zvinopfuura izvozvo. Akakurudzira hunhu hwumwechetehwo uhwu hwerugamuchiro nerudo pakati pavateveri Vake. Muenzaniso Wake zvirokwazvo waiva mumwoyo yaVaApositora Vake apo nguva payakasvika yekuti vaendese vhangeri kuvanhu vose. Zvinotaridzwa mumashoko aPetro anoti “Mwari havazi mutsauri wavanhu” (Mabasa AvaApositora 10:34).

Zvinokwanisika zvikuru chaizvo kuti vangangoita vose vawakadaidzwa kudzidzisa vari kunetsekana neimwe nzira kunzwa kuremekedzwa nekukosheswa. Kuburikidza nenzira yaunovada nekuvaremekedza nayo, unokwanisa kuratidza kuti havasi vanongogamuchirwa chete asi vanodikanwawo. Unokwanisa kunanavira kuna avo vasingauyi kukirasi, avo vanonetsekana, kana avo vasingataridziki sevanofarira kuvamo, uchiita mwoyo murefu kana kubudirira pazviri kuchiratidzika sekunonoka. Unokwanisa kubatsira munhu wose kunzwa kuchengeteka uye kugadzikana pakugoverana nevamwe vavo vatendi zvinovanetsa. Uye unokwanisa kuita zvakawanda kupfuura izvozvo. Unokwanisa kukurudzira vadzidzi vose kuti vakubatsire kuita kuti pave nemamiriro ezvinhu ayo dzidziso mainodzidziswa mumweya weruremekedzo, wemanzwiro ekuti uri wepo, uye werudo.

Mibvunzo yeKufungisisa: Chii chinobatsira munhu kunzwa kuremekedzwa uye kukosheswa? Chii chinokurudzira munhu kuremekedza nekukoshesa vamwe? Apo paunofunga nemunamato pamusoro pevanhu vaunodzidzisa, chii chaunofemerwa kuita kuitira kuti vose vagokwanisa kunzwa kugamuchirwa nekudikanwa?

Kubva muMagwaro Matsvene: Johane 4; 2 Nifai 26:27–28, 33; Aruma 1:26; 3 Nifai 18:22–25

Mufananidzo
baba vachidzidzisa vana

Vadzidzisi vanokwanisa kubatsira avo vavanodzidzisa kunzwa kudiwa.

Muponesi Airatidza Rudo Rwake rweAvo vaAidzidzisa

Pakupera kwezuva raiva rakanakisisa, uye raisimudzira rekudzidzisa nekushumira pakati pavaNifai, Jesu akacherechedza kuti yaiva yava nguva yekuti Achienda. Akanga aine vamwe vanhu vekushanyira. “Endai imi kudzimba dzenyu,” Akadaro, “uye munogadzirira pfungwa dzenyu kuitira mangwana.” Asi vanhu vakangogarapo “vachichema,” vakatarisa “vasingazungunuki kwaari sokunge vaida kumukumbira kuti agare kwechinguva chakati rebei navo.” Achiona chidikanwi chavo chaiva chisina kutaurwa uye “azadzwa nemutsa,” Jesu akagara kwechinguva chakati rebei (3 Nifai 17:3, 5–6). Akaporesa vairwara navaitambura vavo. Akapfugama uye akanamata navo. Akachema navo, uye Akafara navo.

Funga nemunamato pamusoro pekunzvera mashoko nezviito zveMuponesi muna 3 Nifai 17. Fungisisa rudo rwaAkataura rwaavo vaAidzidzisa. Tsvaga mashoko anotaura rudo Rwake mune dzimwe nzvimbo mumagwaro matsvene. Zvino funga pamusoro pevanhu vaunodzidzisa. Unotaura zvakakodzera sei rudo kwavari? Ita kuti Mweya ukutungamirire. Kana uchizviwana zvakaoma kunzwa kana kutaura rudo kuna avo vaunodzidzisa, tanga nekupupura nezve rudo rwaMwari. Zvino, “namata kuna Baba nesimba rose remwoyo, kuti uzadzwe [nerudo rwakarurama rwaKristu], urwo rwaakapa kuna avo vose vanova vateveri vechokwadi voMwanakomana wavo, Jesu Kristu” (Moronai 7:48). Uye yeuka kuti kunetsekana kwako nezvekudzidzisa chidzidzo hakumbofaniri kukuvhiringidza kubva mukutaura rudo kuburikidza nemashoko ako uye nezviito zvako. Kazhinji nzira yaunobata nayo vanhu yakangokosha sekukosha kunoita zvaunovadzidzisa.

Mibvunzo yeKufungisisa: Muponesi akakubatsira sei kuziva nezve rudo Rwake kwauri? Mubereki kana mumwe mudzidzisi akakubatsira sei kunzwa rudo Rwake? Vanhu vaunodzidzisa vanoziva here kuti unovada? Vanoziva here kuti Muponesi anovada?

Kubva muMagwaro Matsvene: Marko 6:31–42; Johane 13:3–16, 34–35; 15:12–13; 1 Vakorinte 13:1–7; 1 Johane 4:7–11

Dzimwe Nzira Dzekushandisa Izvo Zvauri Kudzidza

  • Kana uri kudzidzisa kirasi, dzidza mazita avadzidzi uye ashandise apo paunodzidzisa.

  • Taura ruvongo rwako apo vadzidzi pavanotora chinhanho.

  • Taurirana navadzidzi usati wadzidzisa uye mushure mekunge wadzidzisa.

  • Batsira vadzidzi kukudziridza mweya werudo neruremekedzo kune mumwe nemumwe wavo.

  • Teerera nevavariro—apo paunenge uchidzidzisa uye nepane dzimwe nguva.

  • Ita zviito zvekushandira kuna avo vaunodzidzisa.

  • Iva nechido chekushandura zvirongwa zvako zvekudzidzisa kuitira kupedzera nguva zhinji pamisimboti iyo yakakosha kuna avo vaunodzidzisa.

Dhinda