Seminari uye Inisitichuti
Batsira Vadzidzi Kuuya kuna Jesu Kristu


“Batsira Vadzidzi Kuuya kuna Jesu Kristu,” Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Batsira Vadzidzi Kuuya kuna Jesu Kristu,” Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi

Mufananidzo
Jesu akagara nevana

Sevadzidzisi vevhangeri raJesu Krstu, tinobatsira vamwe kunzwisisa uye kuvimba padzidziso, simba, uye nerudo Rwake.

Batsira Vadzidzi Kuuya kuna Jesu Kristu

Hapana chaunoita semudzidzisi chinozoropafadza vadzidzi kupfuura kuvabatsira kuziva Baba Vokudenga naJesu Kristu uye kunzwa rudo Rwavo (ona Johane 17:3). Funga nezve zviitiko izvo zvakakubatsira kuti usvike pakuziva nokuda Baba Vokudenga naJesu Kristu. Chii chawakaita kuti udzidze pamusoro pehunhu, simba, uye nerudo Rwavo? Rudo rwako rwaBaba Vokudenga naJesu Kristu rwakakuunzira mufaro sei? Zvino funga pamusoro peizvo rudo nesimba Ravo zvazvinokwanisa kuitira munhu woga woga waunodzidzisa. (Ona Aruma 26:16; Moses 5:11.)

Chinangwa chedu chikurusa muupenyu huno ndechokuva zvakanyanya saBaba vedu Vokudenga uye kudzokera kwaVari. Nzira yatinobudirira nayo pachinangwa ichocho ndeyo kuuya kuna Jesu Kristu (ona Johane 14:6). Ichi ndicho chikonzero, sokudzidzisa kwakaita Nifai, “tinotaura nezva Kristu, tinofara muna Kristu” (2 Nifai 25:26).

Mwana woga woga waMwari anoda chiedza uye chokwadi icho chinouya kubva kuMuponesi uye anokwanisa kusarudza kudavira kwachiri. Kuva mudzidzisi wevhangeri raJesu Kristu zvinoreva kubatsira vamwe kunzwisisa uye kuvimba padzidziso Dzake, simba rerununuro Rake, uye rudo rwakarurama Rwake. Funga pamusoro pokuti mazano anotevera anokwanisa kukubatsira sei kukurudzira vamwe kuziva zvirinani Jesu Kristu uye kuMutevera.

Batsira Vadzidzi Kuona Rudo, Simba, neNgoni zvaIshe muUpenyu Hwavo.

Zvakanaka kuziva pamusoro perudo, simba uye ngoni dzeMuponesi, asi tinofanirawo kuzviona muupenyu hwedu. Kuona maropafadziro uye maporesero aAkaita vanhu mumagwaro matsvene kunotibatsira kukudziridza rutendo rukurusa rwokuti Anokwanisa kutiropafadza nokutiporesa. Somuenzaniso, kudzidza pamusoro pezviitiko zvaDanieri hwazvina kukwana kana zvisingatikurudziri kuvimba naIshe apo patinotarisana negomba redu reshumba rezviedzo.

Apo paunobatsira vadzidzi kuziva “ngoni nyoro” dzaIshe (1 Nifai 1:20), zvose mumagwaro matsvene uye muzviitiko zvavo pachavo, vanozonzwa nokuziva kuti Ishe vanavo uye vanozomira navo norudo (ona Dzidziso neZvibvumirano 58:6). Vanozoona nokunzwa huchokwadi hwerudo nengoni zvaIshe muzvidikanwi zvavo pachavo uye nemumamiriro ezvinhu avo pachavo.

Mufananidzo
Jesu achipa Mharidzo paGomo

Vadzidzisi vanokwanisa kubatsira vadzidzi kuona rudo, simba, nengoni zvaIshe muupenyu hwavo.

Batsira Vadzidzi Kusimbisa Hukama Hwavo naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu.

Chinangwa chekudzidzisa nokudzidza pamusoro paJesu Kristu ndechokubatsira munhu woga woga kuswedera pedyo Naye uye naBaba vedu Vokudenga. Batsira vanhu vaunodzidzisa kuti vasambofa vakarega kurangarira chinangwa ichocho. Vakurudzire kuti vasimbise ukama hwavo naBaba Vokudenga naJesu Kristu kuburikidza nokunzvera magwaro matsvene, kutendeuka nguva dzose, kutaura naBaba mumunamato, uye nokupupura nezva Baba neMwanakomana. Dzidzisa vadzidzi neshoko uye nemuenzaniso kuti kuita nokuchengeta zvibvumirano kunotisunganidzira kwaVari sei. Vabatsire kuziva makoshero namadirwo atinoitwa Navo. Simbisa rutendo rwavo rwokuti Jesu Kristu, kuburikidza neRudzikinuro rwakarurama Rwake, ndiye chete nzira yokudzokera kuna Baba vedu. Ipa mikana yokuti vadzidzi vatambire umboo kubva kuMweya Mutsvene, “uyo unopa uchapupu hwaBaba neMwanakomana” (Mosesi 5:9).

Batsira Vadzidzi kuti Vaedze neVavariro Kuti vave saJesu Kristu Zvakanyanya.

Pokupedzisira, kudzidza pamusoro paJesu Kristu kunotikurudzira kuva saIye zvakanyanya. Asi kuva saIye kunoitika chete apo patinoita zvinhu murutendo, zvose mukati nekunze kwekirasi, tichiita sarudzo nevavariro kutevera muenzaniso Wake uye tigotambira nyasha Dzake. Koka vadzidzi kutsvaka rubatsiro rweMweya Mutsvene kuti vazive nzira dzavanokwanisa nadzo kuva saIye zvakanyanya. Ipa nhungamiro nerutsigiro apo vadzidzi pavanoita kuedza kuva saIye chinangwa cheupenyu hwose.

Jakobo akadzidzisa kuti “zvose zvinhu zvakapuwa naMwari kubvira kumavambo enyika”, zvinokwanisa kutidzidzisa pamusoro paJesu Kristu (2 Nifai 11:4). Kudzidzisa kwako kunokwanisa kuva chimwe chezvinhu izvozvo. Isa Jesu Kristu pakati pechiitiko choga choga chekudzidzisa nokudzidza. Apo iwe navadzidzi “pamunotaura nezva Kristu, … farai muna Kristu, … paridzai nezva Kristu” (2 Nifai 25:26), Mweya Mutsvene unokwanisa kudyara umboo hweMuponesi zvakadzika mupfungwa nemumwoyo memunhu woga woga. Apo paunobatsira vadzidzi kusvika pakuzvizivira ivo pachavo Baba Vokudenga naJesu Kristu, vanozova vanonyanya kutendeukira kwaVari kuti vawane rubatsiro, tariro, uye ruporeso nemuupenyu hwavo hwose.

Dhinda