Seminari uye Inisitichuti
Dzidzisa kuburikidza neMweya


“Dzidzisa kuburikidza neMweya,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Dzidzisa kuburikidza neMweya,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Dzidzisa kuburikidza neMweya

Apo Muponesi paakaraira Joseph Smith naSidney Rigdon kuti vaparidze vhangeri Rake, Akavavimbisa kuti, “Mweya Mutsvene uchadururwa mberi mukupupura kuzvinhu zvose zvipi zvazvo zvamuchataura” (Dzidziso neZvibvumirano 100:8; onawo Dzidziso neZvibvumirano 42:15–17; 50:17–22). Vimbiso imwecheteyo inoshanda kune avo vose vanodzidzisa vhangeri, kusanganisira iwe. Apo paunodzidzisa vhangeri raJesu Kristu, unokwanisa kuva neMweya Mutsvene uinewe kuti ukutungamirire uye nokupupura nezvechokwadi kupfungwa nemwoyo yeavo vaunodzidzisa (ona Dzidziso neZvibvumirano 8:2). Hausi wega apo paunodzidzisa, nokuti “hamuzimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene” (Marko 13:11).

Mweya Mutsvene ndiye mudzidzisi wechokwadi. Hakuna mudzidzisi wenyama, zvisinei kuti ane hunyanzvi kana ruzivo rwakadii, anokwanisa kutsiva basa Rake mukupupura chokwadi, kupupura nezvaKristu, uye kushandura mwoyo. Asi vadzidzisi vose vanokwanisa kuva midziyo mukubatsira vana vaMwari kudzidza kuburikidza neMweya.

Kudzidzisa kuburikidza neMweya

  • Zvigadzirire iwe pachako pane zvepamweya.

  • Iva wakagadzirira nguva dzose kudavira kufemero dzezvepamweya pamusoro pezvidikanwi zvevadzidzi.

  • Ita kuti pave nemamiriro ezvinhu nemikana yekuti vadzidzi vadzidziswe neMweya Mutsvene.

  • Batsira vadzidzi kutsvaga, kuziva, uye nekuita chimwe chinhu pamusoro pezvakazarurwa zvavo pachavo.

  • Ipa uchapupu nguva zhinji, uye koka vadzidzi kuti vagovere manzwiro avo, zviitiko zvavo, uye uchapupu hwavo.

Muponesi Aizvigadzirira Pane Zvepamweya Kuti Adzidzise

Kuitira kugadzirira hushumiri Hwake, Jesu akapedza mazuva makumi mana murenje “kuti ave naMwari” (Dudziro yaJoseph Smith, Mateo 4:1 [muna Mateo 4:1, chinyorwa chepazasi pepeji b]). Asi gadziriro Yake yezvepamweya yakanga yatanga kare kare. Apo Satani paakaMuedza, Akakwanisa kushandisa “mashoko oupenyu” aAkanga achengetera “nguva chaiyo” apo paAizoada (Dzidziso neZvibvumirano 84:85). Funga pamusoro pekuedza nesimba kwako pachako kuzvigadzirira pane zvepamweya kuti udzidzise. Chii chaunodzidza kubva muna Mateo 4:1–11 pamusoro pekuti ungakwanisa sei kutevera muenzaniso weMuponesi mugadziriro yako yezvepamweya?

Mweya ndiwo mudzidzisi chaiwo uye manyuko echokwadi erutendeuko. Kudzidzisa vhangeri kwakasimba hakusi kunongoda kugadzirira chidzidzo chete asi kuzvigadzirira iwe pachako pane zvepamweya pachine nguva refu usati watanga kudzidzisa. Kana wakagadzirira pane zvepamweya, unozokwanisa zvirinani kunzwa nekutevera nhungamiro yeMweya apo paunodzidzisa. Nzira yekukoka Mweya Mutsvene mukudzidzisa kwako ndeye kuMukoka muupenyu hwako. Izvi zvinosanganisira kushingaira kuedza kutevera muenzaniso weMuponesi uye kurarama vhangeri Rake nemwoyo wako wose. Uye nokuda kwekuti hapana mumwe wedu anoita izvi zvakarurama, zvinorevawo kutendeuka zuva roga roga.

Mibvunzo yeKufungisisa: Zvinorevei kwauri kuzvigadzirira iwe pachako pane zvepamweya? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti unatsurudze nzira yaunozvigadzirira nayo iwe pachako pane zvepamweya? Unofunga kuti gadziriro yezvepamweya inokwanisa sei kuita musiyano mukudzidzisa kwako?

Kubva muMagwaro Matsvene: Ezra 7:10; Ruka 6:12; Aruma 17:2–3, 9; Dzidziso neZvibvumirano 11:21; 42:13–14

Muponesi Aiva Akagadzirira Nguva Dzose Kudavira kuZvidikanwi zveVamwe

Jairosi, mutongi wesinagoge, akanga awira patsoka dzaJesu, achiMukumbirisa kuti abatsire mwanasikana wake akanga ava kufa. Jesu nevadzidzi Vake vaiva vachidzvekenyedza kufamba nemumigwagwa yakanga yakazara nevanhu vakananga kumba kwaJairosi apo Jesu paakaerekana amira. “Ndiani wandibata?” Akabvunza. Wakaratidzika semubvunzo usinganzwisisike—mukati memhomho yevanhu, ndiani aiva asiri kumubata? Asi Muponesi akaona kuti mumhomho iyoyo, mumwe munhu akanga auya kwaAri aine chidikanwi chake pachake uye nerutendo rwokugamuchira ruporeso rwaAipa. Paizova zvakadaro nenguva yekushanyira mwanasikana waJairosi. Asi kutanga Akati kumukadzi akanga abata nguvo Dzake, “Mukunda, tsunga mwoyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda norugare”(ona Ruka 8:41–48).

Semudzidzisi, dzimwe nguva ungangozviwana wava mukukurumidza kuti ukurukure chimwe chinhu chawanga wagadzirira kudzidzisa. Apo izvozvo zvingangova zvakakosha, iva nechokwadi chokuti muchimbi-chimbi yako haukurumidzi kupfuura nekusaziva chidikanwi chakakosha chemumwe munhu wauri kudzidzisa. Pamusoro penhungamiro yezvepamweya yawakatsvaka apo pawainge uchigadzirira kudzidzisa, tsvakawo nhungamiro yeMweya apo paunenge uchidzidzisa. Edza kuziva zvidikanwi, mibvunzo, uye izvo zvinofarirwa nevadzidzi. Mweya Mutsvene unokwanisa kukubatsira kuziva magamuchiriro kana manzwisisiro arikuita mudzidzi chimwe chinhu chawadzidzisa. Anogona kukukurudzira, dzimwe nguva, kushandura zvirongwa zvako. Semuenzaniso, ungangokurudzirwa kupedza nguva zhinji kupfuura yawakanga uchida kupedza pamusoro wenyaya kana kuti kusiya dzimwe nhaurirano kuti dzizokurukurwa nguva inotevera nekuda kwechimwe chinhu chakanyanya kukosha kuvadzidzi iyezvino.

Mibvunzo yeKufungisisa: Ndepapi pawakanzwa kuti mubereki kana mumwe mudzidzisi aiva achiziva zvadikanwi zvako semudzidzi? Avo vaunodzidzisa vanoziva here kuti unonyanya kufarira kudzidza kwavo pane kupedza chidzidzo? Ungakwanisa sei kuzivisa zvirinani zvaunofarira?

Kubva muMagwaro Matsvene: 1 Petro 3:15; Aruma 32:1–9; 40:1; 41:1; 42:1

Muponesi Aipa Mikana Yekuti Vanhu Vadzidziswe neMweya Mutsvene

Zvakanga zvakaoma kune vakawanda munguva yaJesu kuti vanzwisise kuti Iye aiva ani chaizvo izvo, asi paiva nemafungiro mazhinji. “Vamwe vanoti ndimi Johane Mubhapatidzi,” vadzidzi Vake vakadaro, “vamwe Eria; vamwe Jeremia, kana mumwe wavaporofita.” Asi zvino Jesu akabvunza mubvunzo waikoka vadzidzi Vake kuisa parutivi mafungiro avamwe uye vachitarisa mukati memwoyo yavo pachavo: “Ko imi munoti ndini aniko?” Aida kuti vawane mhinduro yavo kwete kubva “munyama neropa” asi kubva iko chaiko kuna “Baba vangu vari kudenga”. Rwaiva rudzi urwu rweuchapupu—zvakazarurwa zvemunhu pachake kubva kuMweya Mutsvene—zvakagonesa Petro kuzivisa kuti, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu” (ona Mateo 16:13–17).

Kuti vararame pane zvepamweya mumazuva ekupedzisira, vanhu vaunodzidzisa vanozoda uchapupu hwezvepamweya hwechokwadi. Iwe haukwanise kuhwupa kwavari, asi unokwanisa kuvakoka, kuvakurudzira, kuvashishivadza, uye kuvadzidzisa kuhwutsvaga. Unokwanisa kujekesa—kuburikidza nemashoko nezviito zvako—kukosha kwakaita Mweya Mutsvene pakudzidza vhangeri. Semuenzaniso, funga pamusoro pemamiriro ezvinhu ekudzidza aunoita kuti avepo uye aunokurudzira. Chimwe chinhu chakareruka sekurongwa kwezvigaro mumupanda kana nzira yaunokwazisa nayo uye nekutaurirana nevadzidzi inoita kuti pave nemanzwiro ezvepamweya kuchiitiko chinozova nevadzidzi. Unokwanisawo kukoka vadzidzi kuti vazvigadzirire pane zvepamweya kuti vadzidze, sezvaunozvigadzirira iwe pane zvepamweya kuti udzidzise. Vakumbire kuti vatore basa remweya wavanounza. Uye unokwanisa kupa mikana kwavari yekuti vanzwe Mweya uchipupura nezvaJesu Kristu nevhangeri Rake. Uchapupu ihwohwo hunozova “ruware” kwavari, “uye masuwo egehena haanga[va]kundi” (Mateo 16:18).

Mibvunzo yeKufungisisa: Chii chawacherechedza chinoita kuti pave nemamiriro ezvinhu ezvepamweya ekudzidza vhangeri? Chii chinoaderedza? Chii chinobatsira vanhu vaunodzidzisa kudzidza kubva kuMweya? Funga pamusoro pemamiriro ezvinhu eapo paunonyanya kudzidzisira nguva zhinji. Unonzwa sei apo paunenge uripo? Ungakwanisa sei kukoka Mweya kuti uvepo zvinonyanya kubudirira?

Kubva muMagwaro Matsvene: Ruka 24:31–32; Johane 14:26; 16:13–15; Moronai 10:4–5; Dzidziso neZvibvumirano 42:16–17; 50:13–24

Mufananidzo
vashumiri vachidzidzisa mhuri

Apo patinodzidzisa, tinokwanisa kukoka vadzidzi kuti vatsvake uchapupu hwezvepamweya hwechokwadi hwavo pachavo.

Muponesi Aibatsira Vamwe Kutsvaga, Kuziva, uye Kuita Chimwe Chinhu pamusoro peZvakazarurwa Zvavo Pachavo

Ishe vanoda kutaura nesu—uye Vanoda kuti tizive kuti Vari kutaura nesu. Muna 1829, mudzidzisi wechikoro aive nemakore makumi maviri nemaviri ainzi Oliver Cowdery aiva achidzidza pamusoro pedzidziso yakasimba, inofadza yekuti munhu upi zvake anokwanisa kugamuchira zvakazarurwa zvake pachake. Asi aiva nemibvunzo yakafanana neinobvunzwa nevakawanda vedu yekuti: “Ishe vari kuedza chaizvo kutaura neni here? Ndingakwanisa sei kuziva izvo zvaVari kutaura? Kuti apindure mibvunzo iyi, Jesu Kristu akakoka Oliver kuti arangarire chinguva chemuchivande chaakava nacho chekutsvagurudza zvepamweya. “Handina here kutaura runyararo kupfungwa dzako?” Akabvunza (ona Dzidziso neZvibvumirano 6:21–24). Pashure, Akadzidzisa Oliver pamusoro pedzimwe nzira idzo Mweya dzaunokwanisa kutaura kwaari (ona Dzidziso neZvibvumirano 8:2–3.; 9:7–9; onawo Dzidziso neZvibvumirano 11:12–14).

Kugara munyika iyo nguva zhinji inoshaya hanya nezvinhu zvepamweya, tose tinoda rubatsiro rwekuziva inzwi reMweya. Tinogona kunge takanzwa Mweya tisingazvizive. Uye tose tinokwanisa kudzidza zvizhinji pamusoro pematsvagiro eMweya, maziviro eshanduro Yake, uye kuita chimwe chinhu nezve kurudziro dzaAnotipa. Apo paunodzidzisa, batsira vadzidzi kuti vazive nzira idzo Mweya dzaunokwanisa kutaura nadzo—uye nematauriro aAkaita navo. Chimwe chezvipo zvikurusa zvaunokwanisa kupa semudzidzisi ndeche kubatsira avo vaunodzidzisa kufambira mberi mukutsvaga kweupenyu hwose uku kwezvakazarurwa zvemunhu pachake.

Mibvunzo yeKufungisisa: Sei zvakakosha kudzidza kugamuchira zvakazarurwa zvako pachako? Pane munhu akambokubatsira here kunzwisisa matsvagiro uye maziviro aungaita zvakazarurwa? Ungakurudzira sei avo vaunodzidzisa kutsvaga, kuziva, nekuita chimwe chinhu pamusoro pezvakazarurwa zvinobva kuMweya Mutsvene?

Kubva muMagwaro Matsvene: VaGaratia 5:22–23; Aruma 5:45–47; Dzidziso neZvibvumirano 42:61; 121:33; Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:8–20

Muponesi Aipa Uchapupu kune Avo vaAidzidzisa

Panguva yaakabatwa mwoyo zvikuru yekudzidzisa nekushumira, Jesu akatsvaga kunyaradza shamwari Yake Marita, uyo hanzvadzi yake yakanga yafa. Akagoverana naye uchapupu huri nyore hwechokwadi chokusingaperi hwekuti: “Hanzvadzi yako ichamukazve” (Johane 11:23). Uchapupu hwake hwakakurudzira Marita kugovera uchapupu hwake pachake hwekuti: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira” (Johane 11:24). Cherechedza kuti mutoo uyu unodzokorora sei muna Johane 11:25–27. Chii chinokufadza pamusoro pemuenzaniso weMuponesi? Sei kugovera uchapupu hwezvokwadi zvevhangeri chiri chikamu chakakosha zvakadaro chekudzidzisa?

Uchapupu hwako hwunokwanisa kuva neshanduro yakasimba kune avo vaunodzidzisa. Hahwusi hwunofanira kuva hwakatsetsenuka kana hwakareba. Uye hahwufaniri kutanga nekuti “Ndinoda kupa uchapupu hwangu.” Ingogovera zvaunoziva nesimba reMweya Mutsvene. Uchapupu hwechokwadi hwakasimba zvikurusa kana hwusingatendereri uye huri hwemwoyo wose. Ipa uchapupu nguva zhinji hweMuponesi, vhangeri Rake, uye nesimba Rake muupenyu hwako, uye kurudzira avo vaunodzidzisa kuita zvimwechetezvo. Uye yeuka kuti dzimwe nguva uchapupu hwakasimba zvikurusa hunopuwa kwete nemudzidzisi asi nemumwe mudzidzi.

Mibvunzo yeKufungisisa: Tsvaga mienzaniso mumagwaro matsvene inoratidza shanduro yakasimba yemumwe munhu anopa uchapupu. Chii chaunodzidza kubva pamienzaniso iyoyo? Ndiriinhi pawakaropafadzwa neuchapupu hwemumwe munhu? Kugovera uchapupu hwako kwakashandura sei avo vaunodzidzisa? Kwakakushandura sei?

Kubva muMagwaro Matsvene: Mabasa AvaApositora 2:32–38; Mosaya 5:1–3; Aruma 5:45–48; 18:24–42; 22:12–18; Dzidziso neZvibvumirano 46:13–14; 62:3

Dzimwe Nzira Dzekushandisa Izvo Zvauri Kudzidza

  • Kumbira vadzidzi kuti vagovere zvavakadzidziswa neMweya Mutsvene apo pavainzvera shoko raMwari.

  • Gadzirira nguva yekudzidzisa isati yasvika kugamuchira femero dzezvepamweya paunenge uchidzidzisa.

  • Nyora pasi manzwiro ezvepamweya anouya apo paunenge uchigadzirira.

  • Ipa mikana nguva nenguva yekuti nhengo dzekirasi dzifungisise chinyararire izvo zvavari kudzidziswa neMweya.

  • Shandisa mumhanzi nemifananidzo inoera kukoka kurudziro yeMweya.

  • Teerera kufemero apo paunoronga nekudzidzisa, uye iva nechido chekusandura zvirongwa zvako.

  • Ipa mikana kuvadzidzi vose kuti vape uchapupu hwezvavari kudzidza.

  • Batsira vamwe kuziva apo Mweya paunenge uripo.

  • Rarama zvokwadi zvauri kudzidzisa kuitira kuti ugokwanisa kupupura nezvazvo.

  • Tevera femero dzekudzidzisa munguva dzinongoerekana dzavapo, dzisina kurongwa.

Dhinda