Seminari uye Inisitichuti
Chinangwa cheKudzidzisa neNzira yeMuponesi


“Chinangwa cheKudzidzisa neNzira yeMuponesi,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Chinangwa cheKudzidzisa neNzira yeMuponesi,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Chinangwa cheKudzidzisa neNzira yeMuponesi

Misimboti yakatsanangurwa mubhuku rino inokwanisa kubatsira mudzidzisi wevhangeri woga woga kudzidzisa nenzira yeMuponesi Izvi zvinosanganisira vabereki, mabhuratha namasisita anoshumira, vadzidzisi veseminari neinisitichuti, uye naani zvake ane daidzo yeChechi inomupa mikana yekudzidzisa.

Unokwanisa kunzvera bhuku rino uri woga pachako kana kurishandisa kutungamira hurukuro nevamwe pamusoro pekuti ungava sei mudzidzisi ari nani. Semuenzaniso, bhuku rino rinokwanisa kushandiswa munguva yemanheru epamba, mumisangano yevatungamiri, mumisangano yedare rewadhi kana rehoko, mumisangano yekushandira yeseminari neinisitichuti, uye mumisangano yedare revadzidzisi (ona “Kuitira Vatungamiri—Kubatsira Vadzidzisi Kuti Vabudirire”).

Marongerwo Akaitwa Bhuku Rino

Chikamu 1 chinosimbisisa kukosha kwekunangisa pfungwa pana Jesu Kristu apo pose patinodzidzisa misimboti yevhangeri Rake. Chikamu ichi chinotsanangura izvo zvatinodzidzisa.

Chikamu 2 chinosimbisisa misimboti yekudzidzisa kwakafanana nekwaKristu. Chikamu chino chinotsanangura madzidzisiro atinoita.

Chikamu 3 chinopa pfungwa dzinoshanda dzekubatsira vadzidzisi kushandisa misimboti yekudzidzisa kwakafanana nekwaKristu.

Dhinda