Seminari uye Inisitichuti
Pfupiso yeKudzidzisa Kwakafanana nekwaKristu


“Pfupiso yeKudzidzisa Kwakafanana nekwaKristu,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi (2022)

Pfupiso yeKudzidzisa Kwakafanana nekwaKristu

Machati anotevera anopa pfupiso yemisimboti yakadzidziswa mubhuku rino.

Nangisa Pfungwa panaJesu Kristu

Dzidzisa pamusoro paJesu Kristu Zvisinei Nekuti Uri Kudzidzisa Chii

  • Simbisisa muenzaniso waJesu Kristu.

  • Dzidzisa pamusoro pemazita, mabasa, uye hunhu hwaJesu Kristu.

  • Tsvaga zviratidzo zvinopupura nezvaJesu Kristu.

Batsira Vadzidzi Kuuya kuna Jesu Kristu

  • Batsira vadzidzi kuona rudo, simba, nengoni dzaIshe muupenyu hwavo.

  • Batsira vadzidzi kusimbisa ukama hwavo naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu.

  • Batsira Vadzidzi kuedza nechido kuti vanyanye kuva saJesu Kristu.

Misimboti yeKudzidzisa Kwakafanana nekwaKristu

Ida Avo Vaunodzidzisa

  • Ona vadzidzi semaonerwo avanoitwa naMwari.

  • Tsvaga kuvaziva—kunzwisisa mamiriro ezvinhu avo, zvidikanwi zvavo, uye nekwaniso dzavo.

  • Vanamatirire nemazita avo.

  • Ita kuti pave nemamiriro ezvinhu akachengeteka ayo munhu wose maanokudzwa uye maanoziva kuti pfungwa dzaanogovera dzinokosheswa.

  • Wana nzira dzakakodzera dzokuratidza rudo rwako.

Dzidzisa kuburikidza neMweya

  • Zvigadzirire iwe pachako pane zvepamweya.

  • Iva wakagadzirira nguva dzose kudavira kufemero dzezvepamweya pamusoro pezvidikanwi zvevadzidzi.

  • Ita kuti pave nemamiriro ezvinhu uye mikana yekuti vadzidzi vadzidziswe neMweya Mutsvene.

  • Batsira vadzidzi kutsvaga, kuziva, uye kuita chimwe chinhu pamusoro pezvakazarurwa zvavo pachavo.

  • Ipa uchapupu nguva zhinji, uye koka vadzidzi kuti vagovere manzwiro avo, zviitiko zvavo, uye uchapupu hwavo.

Dzidzisa Dzidziso

  • Dzidza dzidziso yaJesu Kristu iwe pachako.

  • Dzidzisa kubva mumagwaro matsvene uye mumashoko evaporofita vamazuva ekupedzisira.

  • Batsira vadzidzi kutsvaga, kuziva, nekunzwisisa zvokwadi zviri mumagwaro matsvene.

  • Nangisa pfungwa pazvokwadi zvinotungamirira kurutendeuko uye nekuvaka rutendo muna Jesu Kristu.

  • Batsira vadzidzi kuwana zvinokosha kwavari pachavo mudzidziso yaJesu Kristu.

Kurudzira Kudzidza neUshingairi

  • Batsira vadzidzi kuti vatore basa rekudzidza kwavo.

  • Kurudzira vadzidzi kuti vasvike pakuziva Muponesi kuburikidza nekunzvera vhangeri zuva nezuva.

  • Koka vadzidzi kuti vagadzirire kudzidza.

  • Kurudzira vadzidzi kuti vagovere zvokwadi zvavari kudzidza.

  • Koka vadzidzi kuti vararame izvo zvavari kudzidza.

Mufananidzo
Chati yePfupiso yeKudzidzisa Kwakafanana nekwaKristu

Dhinda