Seminari uye Inisitichuti
Dzidzisa Dzidziso


“Dzidzisa Dzidziso,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Dzidzisa Dzidziso,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Dzidzisa Dzidziso

Kunyangwe zvazvo Jesu akakura muungwaru neruzivo muupenyu Hwake hwose, Aiva asina kudzidziswa kwepamutemo kwekuchikoro savamwe vatungamiri vechitendero vezuva Rake. Asi zvakadaro Akadzidzisa, vanhu vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu unoziva seiko manyoro, zvaasina kumbodzidza?” Sei dzidziso Dzake dzaiva nesimba kudaro? “Kudzidzisa kwangu hakusi kwangu,” Muponesi akatsanangura, “asi ndokowakandituma” (Johane 7:15–16). Dzidziso ichokwadi chokusingaperi—chinowanikwa mumagwaro matsvene uye mumashoko evaporofita vamazuva ekupedzisira—chinotiratidza nzira yekuva saBaba vedu Vokudenga uye kudzokera kwaVari. Zvisinei nekuti une ruzivo rwakadii semudzidzisi, unokwanisa kudzidzisa nesimba, sezvakaitwa neMuponesi, kuburikidza nekudzidzisa dzidziso dzaBaba. Iwe naavo vaunodzidzisa munozokahadzika pamaropafadzo Mwari avanotumira apo kudzidzisa nekudzidza kwako pakunenge kwakamisirwa mushoko Ravo.

Kudzidzisa Dzidziso

  • Dzidza dzidziso yaJesu Kristu iwe pachako.

  • Dzidzisa kubva mumagwaro matsvene uye mumashoko evaporofita vamazuva ekupedzisira.

  • Batsira vadzidzi kutsvaga, kuziva, nekunzwisisa zvokwadi zviri mumagwaro matsvene.

  • Nangisa pfungwa pazvokwadi zvinotungamira kurutendeuko uye nokuvaka rutendo muna Jesu Kristu.

  • Batsira vadzidzi kuwana zvinokosha kwavari pachavo mudzidziso yaJesu Kristu.

Muponesi Aidzidza Dzidziso

Zvinotaridzika kuva zvakajeka kuti Muponesi akadzidza kubva mumagwaro matsvene muhuduku Hwake apo paaiwedzera “pakuchenjera … uye napakufadza Mwari” (Ruka 2:52). Nzwisiso yakadzama Yake yedzidziso yaBaba yakava pachena apo vabereki Vake pavakaMuwana ari mutemberi achiri wezera rechidiki, achidzidzisa vadzidzisi vechiJuda uye achipindura mibvunzo yavo (ona Dudziro yaJoseph Smith, Ruka 2:46 [muna Ruka 2:46, chinyorwa chepazasi pepeji c]). Pashure, apo Satani paakaisa paari chiedzo chikurusa murenje, ruzivo rwaJesu rwedzidziso mumagwaro matsvene rwakaMubatsira kukunda chiedzo chacho (ona Ruka 4:3–12).

Iwewo unokwanisa kutsvaga kudzidza dzidziso yechokwadi zvakanyanya kudzama usati waidzidzisa. Apo paunogadzirira kudzidzisa uye nekudzidza navamwe, nyatsotsvaga izvo Ishe zvavakataura pamusoro pezvokwadi zvauri kudzidzisa. Tsvagurudza mumagwaro matsvene uye nemumashoko evaporofita vanorarama kuti uwane tsananguro uye rairo. Kurarama nekushandisa zvokwadi zvaunonzvera kunozokoka Mweya kuti ukudzidzise dzidziso munzira dzakatonyanyisa kudzama uye kusimbisa huchokwadi hwedzidziso mumwoyo yeavo vaunodzidzisa.

Mibvunzo yeKufungisisa: Sei zvakakosha kunzwisisa zvokwadi zvevhangeri iwe pachako? Wakawana sei nzwisiso yakadzama yezvokwadi zvevhangeri? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti unatsurudze kunzvera kwako magwaro matsvene uye mashoko evaporofita vanorarama?

Kubva muMagwaro Matsvene: Zvirevo 7:1–3; 2 Nifai 4:15–16; Dzidziso neZvibvumirano 11:21; 88:118

Muponesi Aidzidzisa kubva muMagwaro Matsvene

Mushure mekufa kweMuponesi, vaviri vavadzidzi Vake vaifamba uye vachitaura vachinzwa zvose rusuwo nekukahadzika mumwoyo yavo. Vangakwanisa sei kunzwisisa izvo zvakanga zvichagoitika? Jesu weNazareta, murume wavaivimba kuva Mununuri wavo, akanga afa kwamazuva matatu zvino. Uye zvino kwakava nemashoko ekuti bwiro Rake raiva risina chinhu, nengirozi dzichizivisa kuti Aiva ari mupenyu! Panguva yakakosha zvikurusa iyi murutendo rwavadzidzi ava, mubvakure akabatana navo parwendo. Akavanyaradza “ne[ku]tsanangura kwavari mumagwaro matsvene ose zvinhu maererano [neMuponesi].” Pekupedzisira, vafambi vakaziva kuti mudzidzisi wavo aiva Jesu Kristu Pachake uye kuti chokwadi Aiva amuka. VakaMuziva sei? “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu,” vakafunga pashure, “achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?” (Ruka 24:27, 32).

Gosa D. Todd Christofferson vakadzidzisa kuti, “Chinangwa chakakoshesa chemagwaro matsvene ose ndechekuzadza mweya yedu nerutendo muna Mwari Baba uye muMwanakomana Wavo, Jesu Kristu” (“The Blessing of Scripture,” Liahona, Chivabvu 2010, 34). Nemuhushumiri hwake hwose, Jesu aishandisa magwaro matsvene kudzidzisa, kugadzirisa, uye nekukurudzira vamwe. Ita chokwadi chekuti kudzidzisa kwako hakutsauki kubva kumagwaro matsvene uye mashoko evaporofita. Apo paunovimba nerutendeko pashoko raMwari mukudzidzisa kwako, unokwanisa kuitira vamwe izvo Muponesi zvaakaita. Unokwanisa kuvabatsira kuMuziva, nokuti tose tinoda kuti rutendo rwedu muMuponesi rwusimbiswe nguva dzose. Rudo rwako rwemagwaro matsvene rwunozoonekwa neavo vaunodzidzisa, uye kudzidzisa kwako kunozokoka Mweya kukonzera mwoyo yavo kuti itsve neuchapupu hwaBaba neMwanakomana.

Mibvunzo yeKufungisisa: Wakashandurwa sei nemudzidzisi uyo akashandisa magwaro matsvene kukubatsira kusvika pakuziva Muponesi zvirinani? Chii chaungaita kuti uvimbe zvakanyanya pamagwaro matsvene uye mashoko evaporofita apo paunodzidzisa? Ungakwanisa sei kubatsira avo vaunodzidzisa kuti vazive uye vade shoko raMwari?

Kubva muMagwaro Matsvene: Ruka 4:14–21; Aruma 31:5; Heramani 3:29–30;3 Nifai 23

Muponesi Akabatsira Vanhu Kutsvaga, Kuziva, uye Kunzwisisa Chokwadi

Pane imwe nguva gweta rakabvunza Jesu kuti, “Tenzi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu hwokusingaperi?” Mumhinduro, Muponesi akatungamirira mubvunzi kumagwaro matsvene: “Pamurairo pakanyorweiko? unorava sei?” Izvi zvakatungamirira murume uyu kwete chete kumhinduro yake—“Ida Ishe Mwari wako … uye nowokwako”—asiwo kumubvunzo waitevera: “Wokwangu ndianiko?” Muponesi akapindura mubvunzo uyu nerungano rwomufananidzo pamusoro pevarume vatatu avo vakaona mumwe mufambi aida rubatsiro. Mumwechete chete wavatatu, muSamaria, uyo aivengwa nevaJuda nokuda chete kwekwaaibva, akamira kumubatsira. Jesu zvino akakoka gweta kuti ripindure mubvunzo wake pachezvake: “Unofungei, ndoupiko kuna vatatu ava wakanga ari wokwake?” (ona Ruka 10:25–37).

Sei uchifunga kuti Muponesi akadzidzisa nenzira iyi—achipindura kumibvunzo nekokero yekutsvagurudza, kufungisisa, uye nekuwana? Chikamu chemhinduro ndechekuti Ishe vanokoshesa kuedza kwekutsvaga chokwadi. “Tsvaka, uye uchawana,” Akakoka akokazve (ona, semuenzaniso, Mateo 7:7; Ruka 11:9; Dzidziso neZvibvumirano 4:7). Anopa mubairo kuzviito zverutendo zvemutsvagi uye mwoyo murefu.

SeMuponesi, unokwanisa kubatsira avo vaunodzidzisa kuziva nekunzwisisa chokwadi. Magwaro matsvene, semuenzaniso, akazadzwa nezvokwadi zvevhangeri, asi dzimwe nguva zvinotora kuedza nechido kuzviwana. Apo pamunenge muri kudzidza pamwechete kubva mumagwaro matsvene, mira uye wobvunza avo vaunodzidzisa kuti ndezvipi zvokwadi zvevhangeri zvavanocherechedza. Vabatsire kuona kuti zvokwadi izvi zvinoenderana sei nechirongwa cheruponeso chaBaba Vokudenga. Dzimwe nguva zvokwadi zvokusingaperi zvakataurwa mumagwaro matsvene, uye dzimwe nguva zvakapuwa mumifananidzo munyaya nemuupenyu zvavanhu vatinoverenga pamusoro pavo. Zvinokwanisawo kuva zvinobatsira kuwongorora pamwechete nhoroondo yekwakabva ndima dzamuri kuverenga, pamwepo nezvinorehwa nendima dzacho uye mashandiro adzinoita kwatiri nhasi.

Mibvunzo yeKufungisisa: Unoziva sei zvokwadi zvokusingaperi mumagwaro matsvene kana mumashoko evaporofita? Zvokwadi izvozvo zviri kuropafadza upenyu hwako sei? Ndedzipi dzimwe nzira dzaunokwanisa kubatsira vadzidzi nadzo kuziva uye kunzwisisa zvokwadi izvo zvinozova zvakakosha kwavari uye nekuvaunza pedyo naMwari?

Kubva muMagwaro Matsvene Johane 5:39; 1 Nifai 15:14; Dzidziso neZvibvumirano 42:12

Mufananidzo
vadzidzi vachinzvera

Tinokwanisa kubatsira avo vatinodzidzisa kuzviwanira uye nekuzvizivira chokwadi.

Muponesi Aidzidzisa Zvokwadi Zvinotungamirira kuRutendeuko uye Kuvaka Rutendo

Rimwe zuva reSabata, Muponesi navadzidzi Vake, vachinzwa nzara, vakapfuura nemumunda uye vakatanga kudya zviyo. VaFarise, avo nguva dzose vanoda zvikuru kusimbisisa zvinorehwa chaizvo nemutemo waMosesi, vakataura kuti kuuganidza zviyo kwaiva chaizvo rudzi rwebasa, iro raiva risingabvumidzwi paSabata (ona Marko 2:23–24). Kushandisa ndevo yaJakobo muporofita weBhuku raMormoni, vaFarise “vaitarisa zvaipfuuridza chinangwa” (Jakobo 4:14). Namamwe mashoko, vainangisa pfungwa dzavo zvikurusa padudziro dzechinyakare dzemirairo zvekuti vakarasikirwa nekunzwisisa chinangwa chemirairo iyoyo—kuti swededza pedyo naMwari. Chokwadi ndechekuti, vaFarise havana kana kuziva kuti Uyo akapa murairo wekukudza Sabata aiva akamira pamberi pavo.

Muponesi akatora mukana uyu kupupura nezve hunhu hwehumwari Hwake uye kudzidzisa kuti sei Sabata rakakosha. Rakasikirwa isu sezuva rekunamata Ishe weSabata, Jesu Kristu Pachake (ona Marko 2:27–28). Zvokwadi zvakadaro zvinotibatsira kunzwisisa kuti mirairo yaMwari inoreva zvakanyanya kuwanda kupfuura kungova maitiro edu okunze. Yakaitirwa kutibatsira kushandura mwoyo yedu uye kuva vanhu vakatendeutswa zvakanyanya kuzara.

Nyatsofunga pamusoro pedzidziso nemisimboti zvaunosarudza kunangisa pfungwa pazviri. Apo mumagwaro matsvene muine zvokwadi zvizhinji zvinokwanisa kukurukurwa, chinhu chakanyanyisa kunaka kunangisa pfungwa pazvokwadi zvevhangeri izvo zvinotungamirira kurutendeuko uye kuvaka rutendo muna Jesu Kristu. Zvokwadi zvakareruka uye zvakakosha izvo Muponesi zvaakadzidzisa uye akava muenzaniso wazvo ndizvo zvine simba gurusa rekushandura upenyu hwedu—zvokwadi pamusoro peRudzikinuro Rwake, chirongwa cheruponeso, mirairo yekuda Mwari uye nekuda vavakidzani vedu, zvichingodaro. Koka Mweya kuti upe uchapupu hwezvokwadi izvi, uchizvibatsira kupinda zvakadzama mumwoyo yaavo vaunodzidzisa.

Mibvunzo yeKufungisisa: Ndezvipi zvimwe zvokwadi zvevhangeri izvo zvakakubatsira kuti unyanye kutendeutsirwa kuna Jesu Kristu uye kuti uve nerutendo rukurusa maAri? Mudzidzisi akakubatsira sei kunangisa pfungwa pazvokwadi zvakanyanyisa kukosha zvevhangeri? Chii chaungakwanisa kudzidzisa icho chinozobatsira vamwe kuti vanyanye kutendeutswa zvakadzama kuna Jesu Kristu?

Kubva muMagwaro Matsvene: 2 Nifai 25:26; 3 Nifai 11:34–41; Dzidziso neZvibvumirano 19:31–32; 68:25–28; 133:57; Mosesi 6:57–62

Muponesi Aibatsira Vanhu Kuwana Zvinokosha Kwavari Pachavo muDzidziso Yake

“Uyu munhu unogamuchira vatadzi, achidya navo,” vaFarise vakanyunyuta pamusoro paJesu—vachireva kuti aya aiva asiri maitiro akakodzera kuitwa nemudzidzisi wezvepamweya (Ruka 15.2). Jesu akaona kuti uyu waiva mukana wekuvadzidzisa zvimwe zvokwadi zvepamweya zvakakosha zvikurusa. Aizozviita sei? Aizobatsira vaFarise kuona kuti yaiva mwoyo yavo—kwete Wake—yaiva isina kuchena uye yaida kuporeswa? Aizoshandisa sei dzidziso Yake kuvataridza kuti kufunga kwavo nemaitiro avo zvaifanira kushanduka?

Akaita izvi nokutaura kwavari nezvegwai rakarasika kubva muboka uye nezvemari yesimbi yakarisika. Akataura nezve mwanakomana akapanduka uyo akatsvaga ruregerero uye nezvemukoma wake uyo akaramba kumugamuchira kana kudya naye. Imwe neimwe yengano dzemufananidzo idzi ine zvokwadi izvo zvaienderana namaonero aiita vaFarise vamwe, dzichivadzidzisa kuti mweya woga woga unokosha zvikuru (ona Ruka 15). Muponesi haana kutaurira vaFarise—kana ani zvake wedu—uyo wekuzvifananidza naye mungano dzemufananidzo Dzake. Dzimwe nguva tiri baba vanonetsekana mupfungwa. Dzimwe nguva tiri mukoma ane shanje. Kazhinji tiri gwai rakarasika kana mwanakomana benzi. Asi zvisinei namamiriro ezvinhu edu, kuburikidza nengano dzemufananidzo Dzake, Muponesi anotikoka kuti tiwane zvakakosha kwatiri mudzidziso Dzake—kuziva izvo zvaAnoda kuti tidzidze uye izvo zvatingangofanira kushandura mukufunga kwedu pachedu uye nemumaitiro edu pachedu.

Ungangocherechedza kuti vamwe vadzidzi havaoni kuti sei zvimwe zvokwadi zvakakosha kwavari. Apo paunofunga zvidikanwi zvaavo vaunodzidzisa, funga pamusoro pekuti zvokwadi zviri mumagwaro matsvene zvinokwanisa sei kuva zvakakosha uye zvinoshanda mumamiriro ezvinhu avo. Imwe nzira yaunokwanisa kubatsira nayo vadzidzi kuona kukosha kwezvokwadi zvavari kuwana ndeye kubvunza mibvunzo yakaita sekuti “Izvi zvinokwanisa kukubatsira sei nechimwe chinhu chawakatarisana nacho iyezvino?” “Sei zvakakosha kuti iwe uzive izvi?” “Ndeupi musiyano wazvinokwanisa kuita muupenyu hwako?” Teerera kuna avo vaunodzidzisa. Vabvumire kubvunza mibvunzo. Vakurudzire kuona ukama pakati pedzidziso dzeMuponesi neupenyu hwavo pachavo. Unokwanisawo kugovera mawaniro awakaita ukoshi kuupenyu hwako pachako mune izvo zvauri kudzidzisa. Kuita izvi kunokwanisa kukoka Mweya kudzidzisa vadzidzi munhu pachake kuti dzidziso inokwanisa kuita siyano muupenyu hwavo sei.

Mibvunzo yeKufungisisa: Chii chinoita kuti zvokwadi zvevhangeri zvive zvakakosha uye zvinoshanda kwauri? Chii chinokubatsira kuwana zvinokosha kwauri iwe pachako apo paunonzvera vhangeri? Chii chauri kuita kuti unangise pfungwa pazvokwadi izvo zvakakosha kuna avo vaunodzidzisa?

Kubva kuMagwaro Matsvene: 1 Nifai 19:23; 2 Nifai 32:3; Dzidziso neZvibvumirano 43:7–9

Dzimwe Nzira Dzekushandisa Izvo Zvauri Kudzidza

  • Wongorora izvo zvauri kudzidza kuita chokwadi kuti uri kudzidzisa dzidziso yechokwadi. Mibvunzo iyi inokwanisa kubatsira.

    • Izvo zvandiri kuronga kudzidzisa zvakamisirwa here pamagwaro matsvene uye mashoko evaporofita vamazuva ekupedzisira?

    • Vaporofita vakawanda vakadzidzisa izvi here? Chii chiri kudzidziswa navatungamiri veChechi vamazuva ano pamusoro pazvo?

    • Izvi zvinozobatsira sei vamwe kuvaka rutendo muna Jesu Kristu, kutendeuka, uye kufambira mberi nemugwara rechibvumirano?

    • Izvi zvinoenderana here nefemero dzeMweya Mutsvene, kana kuti ndinonzwa here kusagadzikana kwezvepamweya pamusoro pazvo?

  • Nzvera zuva roga roga shoko raMwari kuitira kuzvidzidzira dzidziso yechokwadi iwe pachako?

  • Kumbira vadzidzi kuverenga magwaro matsvene uye mashoko evaporofita vamazuva ano apo paunodzidzisa.

  • Dzidzisa vadzidzi mashandisiro ekuita zvinyorwa zvepazasi pepeji, Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, uye zvimwe zvinyorwa apo pavanenge vachinzvera magwaro matsvene.

  • Koka vadzidzi kuti vawane zvokwadi mundima yechinyorwa chitsvene kana munyaya.

  • Ipa uchapupu hwamasvikiro awakaita pakuziva kuti imwe dzidziso ndeye chokwadi.

  • Shandisa nyaya kana madimikira kubatsira vadzidzi kuwana nzwisiso yakadzama yezvokwadi zvevhangeri?

Dhinda