Seminari uye Inisitichuti
Kuitira Vatungamiri—Kubatsira Vadzidzisi Kuti Vabudirire


“Kuitira Vatungamiri—Kubatsira Vadzidzisi Kuti Vabudirire,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Kuitira Vatungamiri—Kubatsira Vadzidzisi Kuti Vabudirire,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Mufananidzo
Chikoro cheSvondo

Kuitira Vatungamiri—Kubatsira Vadzidzisi Kuti Vabudirire

Nhaurirano neMumwechete neMumwechete

Kazhinji nzira yakanyanyisa kunaka yekuzadzikisa nayo zvidikanwi zvevadzidzisi ndeye kuburikidza nenhaurirano nemudzidzisi mumwechete nemumwechete. Semuenzaniso, semutungamiri, unokwanisa kuva nehurukuro pfupi nemudzidzisi kirasi isati yatanga kana kuti mushure mekirasi kukurukura misimboti yeKudzidzisa neNzira yeMuponesi. Unokwanisa kugadzirira hurukuro iyi nekuwongorora mudzidzisi achidzidzisa. Tsvaga kunzwisisa zvirinani kwaniso dzemudzidzisi uye wowana nzira dzaunokwanisa kupa rutsigiro nadzo.

Kuvakira pakwaniso yemudzidzisi kwakakoshawo sekuziva mikana yenatsurudzo. Zvakakosha kutanga hurukuro nevadzidzisi nekuvakumbira kuti vazvifungire ivo pachavo izvo zviri kufamba zvakanaka uye nzvimbo dzavanonzwa kuti natsurudzo inokwanisa kuitwa.

Apo paunosangana navadzidzisi, funga pamusoro penzira dzekuvasimbisa nekuvakurudzira zvine tsitsi uye ruvongo nekushandira kwavanopa.

Misangano yeDare reVadzidzisi

Wadhi yoga yoga inofanira kuita misangano yedare revadzidzisi mushure memwedzi mitatu yoga yoga pagore umo vadzidzisi mavanokwanisa kurairana pamwechete pamusoro pemisimboti yekudzidzisa kwakafanana nekwaKristu. Misangano yedare revadzidzisi ingangoitirwawo vabereki (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 13.5, ChurchofJesusChrist.org).

Misangano Iyi Inofanira Kuitwa Riinhi?

Misangano yedare revadzidzisi inoitwa panguva yekirasi yemaminitsi 50 pamusi weSvondo.

  • Vadzidzisi veHupirisita, veChita cheRubatsiro, uye veVasikana veChidiki vanokwanisa kupinda misangano yacho paSvondo yekutanga kana yechitatu, sekusarudza kunenge kwaitwa nevatungamiri vemunzvimbo.

  • Vadzidzisi veChikoro cheSvondo vanokwanisa kupinda misangano yacho paSvondo yechipiri kana yechina, sekusarudza kunenge kwaitwa nevatungamiri vemunzvimbo.

  • Vadzidzisi vePuraimari vanokwanisa kupinda misangano yacho paSvondo ipi zvayo, sekusarudza kunenge kwaitwa nevatungamiri vemuwadhi vePuraimari neChikoro cheSvondo. Kana zvichidiwa, vadzidzisi vePuraimari vanogona kusangana pavo vega kubva kune vamwe vadzidzisi kuti varairane pamusoro pezvinhu izvo zvinoenderana chete nekudzidzisa vana. Izvi zvinokwanisa kuitika panguva yekuimba yemaminitsi 20, misangano yeSvondo yenguva dzose isati yaitwa kana mushure mekunge yaitwa, kana pane rimwe zuva revhiki. Misangano inopfuura mumwechete yedare revadzidzisi inogona kuitwa mushure memwedzi mitatu yoga yoga kuitira vadzidzisi vePuraimari kuitira kuti vose vasatadza kuenda kumakirasi ePuraimari muvhiki imwecheteyo. (Cherechedza: Apo pazvinodiwa, vatungamiri vePurairami vanopa basa kune dzimwe nhengo kuti dzifanodzidzisa, vanosanganisa makirasi, kana kuti vanoita zvimwe zvirongwa kuitira kubvumira vadzidzisi vePurairami kuti vapinde misangano yedare revadzidzisi.)

  • Misangano yedare revadzidzisi yevabereki inokwanisa kuitwa paSvondo ipi zvayo, sekusarudza kunenge kwaitwa nedare rewadhi.

Ndiani Anofanira Kupinda Misangano Yacho?

Munhu wose anodzidzisa chikwata kana kirasi muwadhi anofanira kupinda misangano yacho, pamwepo nemumwechete kana kupfuura wevatungamiri vehupirisita kana vebato avo vane basa pamusoro pezvikwata izvozvo kana makirasi iwayo. Kana zvichidikanwa, vadzidzisi vanokwanisa kupatsanurwa mumapoka maererano nezvidikanwi zvaavo vavanodzidzisa. Semuenzaniso, vadzidzisi vevechidiki kana vevana vanogona kuwana pundutso kubva mukusangana vari voga nguva nenguva kuitira kukurukura nyaya dzinoenderana chete nekudzidzisa vechidiki kana vana.

Kuitira misangano yedare revadzidzisi yevabereki, dare rewadhi rinosarudza kukoka vamwe vabereki kana kubvumira kuti vabereki vose vanoda kutora chinhanho vapinde misangano yacho.

Ndiani Anotungamirira Misangano Iyi?

Dare rewadhi, neruyamuro kubva kuvatungamiri veChikoro cheSvondo, rinotungamirira misangano yedare revadzidzisi. Vanorairana pamwechete pamusoro pezvidikanwi zvevadzidzisi uye zvevadzidzi maererano neizvo zvavanenge vakacherechedza mumakirasi nemumisangano. Vanoshanda pamwechete kusarudza kuti ndeipi misimboti nezviitwa kubva muKudzidzisa neNzira yeMuponesi zvinozozadzikisa zvakanyanyisa kunaka zvidikanwi izvo zvavanenge vakadoma.

Kazhinji, mutungamiri weChikoro cheSvondo ndiye anotungamirira misangano yedare ravadzidzisi. Zvisinei, dzimwe nhengo dzewadhi dzinokwanisa kupuwa basa rekutungamirira misangano pane dzimwe nguva. Vatungamiri vezvikwata nemapato vanosimbisa nevadzidzisi vavo misimboti nezviitwa zvakurukurwa mumusangano.

Chii Chinofanira Kuitika muMusangano weDare reVadzidzisi?

Musangano wedare revadzidzisi unofanira kutevera mutoo uyu:

  • Goveranai nekurairana pamwechete. Koka vadzidzisi kuti vagoverane zviitiko zvekudzidzisa zvenguva ichangopfuura, bvunza mibvunzo inoenderana nekudzidzisa, uye kuti vagoverane mazano ekukunda zvinetso nawo. Chikamu ichi chemusangano chinokwanisa kusanganisira wongororo yemisimboti yakakurukurwa mumisangano yakaitwa kare.

  • Dzidzai pamwechete. Koka vadzidzisi kukurukura mumwe wemisimboti inotevera yakapuwa mubhuku rino: kunangisa pfungwa pana Jesu Kristu, kuda avo vaunodzidzisa, kudzidzisa neMweya, kudzidzisa dzidziso, uye kukurudzira kudzidza neushingairi. Misimboti iyi inogona kukurukurwa nemunhevedzano ipi zvayo, uye kusara kwekunge marairwa zvakasiyana nedare rewadhi, vadzidzisi mumusangano vanogona kusarudza musimboti unotevera wekuzokurukura. Munokwanisa kupedza misangano inopfuura mumwechete pamusimboti kana zvichidikanwa.

  • Ronga uye koka. Batsira vadzidzisi kuronga mashandisiro avanozoita musimboti wavakurukura. Sekukodzera kwazvo, munokwanisa kudzidzira pamwechete unyanzvi hwamakurukura. Vakoke kuti vanyore pasi uye vaite chimwe chinhu pafemero dzipi zvadzo dzavanotambira pamusoro pemashandisiro ekuita musimboti wacho mukudzidzisa kwavo—kusanganisira mukuedza kwavo kudzidzisa mudzimba dzavo. Vakurudzire kutanga kunzvera musimboti urikuzotevera kukurukurwa.

Apo pazvinokwanisika pose, misangano yedare revadzidzisi inofanira kutevedzera misimboti iri kukurukurwa.

Mufananidzo
vasikana vechidiki vachimbundirana

Misangano yedare revadzidzisi inokwanisa kubatsira vadzidzisi kunzwisisa zvirinani uye nekushandisa misimboti yekudzidzisa kwakafanana nekwaKristu.

Kudzidzisa Vadzidzisi Vachangodaidzwa

Semutungamiri, une basa “rekusangana nevadzidzisi vachangodaidzwa” mubato rako uye “kuvabatsira kugadzirira daidzo dzavo” (General Handbook, 17.3, ChurchofJesusChrist.org). Misangano iyi ndiyo mukana wekusuma vadzidzisi vatsva kudaidzo dzavo dzinoera uye kuvakurudzira nechiratidzo cheizvo zvazvinoreva kudzidzisa neNzira yeMuponesi. Semutungamiri, unokwanisa kubatsira vadzidzisi vatsva kugadzirira kushandira nekuita zvinotevera:

  • Taura ruvimbo rwekuti Muponesi anozovabatsira mudaidzo dzavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:78).

  • Ipa vadzidzisi vatsva kopi yebhuku rino, uye wovakurudzira kutsvaga nzira dzekushandisa nadzo misimboti yaro mukudzidzisa kwavo.

  • Goverana nevadzidzisi vatsva zvinhu zvipi zvazvo pamusoro pebato renyu izvo zvinozova zvinobatsira kwavari kuti vazive.

  • Sekudikanwa kwazvinoitwa, taurira vadzidzisi vatsva mupanda wekudzidzisira uye chidzidzo chekutanga nacho. Ipa ruzivo rupi zvarwo rwavanoda pamusoro pekirasi yavo uye nhengo dzekirasi yavo.

  • Tsanangura kuvadzidzisi vatsva kuti unokwanisa kuvabatsira nedaidzo yavo. Ipa tsigiro mukirasi uye vape zvishandiso zvekudzidzisa zvinodikanwa.

  • Taura chido chako chekuona makirasi evadzidzisi nguva nenguva, uye ipa pfungwa dzako sekufemerwa kwaunoitwa neMweya.

  • Koka vadzidzisi kuti vatore chinhanho mumisangano yedare revadzidzisi inoitwa mushure memwedzi mitatu yoga yoga pagore.

Dhinda