Seminari uye Inisitichuti
Kurudzira Kudzidza neUshingairi


“Kurudzira Kudzidza neUshingairi,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Kurudzira Kudzidza neUshingairi,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Kurudzira Kudzidza neUshingairi

Zvaiva zvinoshamisa zvikuru zvechokwadi kuona Muponesi achifamba pamusoro pemvura. Asi izvo zvaiva zvisina kukwana kuna Petro. Aida kuita zvakaitwa neMuponesi, kuva kwaAiva ari, uye kuva nechiitiko chimwechetecho iye pachake. “Ndirairei kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura,” akadaro. Muponesi akapindura nekukoka kwakareruka: “Huya.” Naizvozvo, Petro akasvetuka kubva muruchengeteko rweigwa uye akatiratidza kuti kuva mudzidzi hachisi chiitiko chakanyarara (ona Mateo 14:24–33). Kunoda rutendo muna Kristu uye kuedza kune ushingairi. Asi kunounzawo mubairo mukuru wekufamba neMuponesi.

“Huya.” “Huya uone”. “Huya, unditevere” “Enda unoita saizvozvo” (Mateo 14:29; Johane 1:39; Ruka 18:22; 10:37). Kubvira pakutanga kwehushumiri Hwake, Muponesi akakoka vateveri Vake kuti vazvionere vega chokwadi, simba, nerudo zvaAipa. Akaita izvi nekuti izvi ndizvo chaizvo zvinoreva kudzidza. Hakusi kungoteerera kana kuverenga chete; kunorevawo kushanduka, kutendeuka, nekufambira mberi. Mumashoko eMuponesi, kudzidza kunouya “kuburikidza nekunzvera uyewo kuburikidza nerutendo” (Dzidziso neZvibvumirano 88:118; kusimbisa kwakawedzerwa). Uye rutendo rwunosanganisira kuzviitira isu pachedu, kwete kungoitirwa chete (ona 2 Nifai 2:26).

Apo patinotevera muenzaniso weMuponesi, tinokoka avo vatinodzidzisa kukumbira, kutsvaga, nekugogodza—uye zvino kuzowana (ona Mateo 7:7–8). Uye isu tinotambira kukokwa ikoko. Pamwechete, kuburikidza nerutendo rwedu muna Kristu uye nekuedza neushingairi, tinozosvika pakuzvizivira isu pachedu zvazvinoreva kufamba Naye.

Kukurudzira Kudzidza neUshingaira

  • Batsira vadzidzi kutora basa rekudzidza kwavo.

  • Kurudzira vadzidzi kuti vasvike pakuziva Muponesi kuburikidza nekunzvera vhangeri zuva nezuva.

  • Koka vadzidzi kuti vagadzirire kudzidza.

  • Kurudzira vadzidzi kuti vagovere zvokwadi zvavari kudzidza.

  • Koka vadzidzi kuti vararame izvo zvavari kudzidza.

Muponesi Aibatsira Vamwe Kutora Basa reKudzidza Kwavo

Kuvaka zvikepe zvinozoyambuka makungwa zvisina njodzi rinozova basa rakaoma kune munhu upi zvake. Mukoma waJaredi “akatungamirirwa nguva dzose neruoko rwaIshe” (Eta 2:6), achitambira mirairidzo pamusoro pemumiriro wemidziyo yacho uye kuti yaizopinda mhepo sei. Asi chii chaunoona pamusoro pemapinduriro akaita Ishe apo mukoma waJaredi paakabvunza pamusoro pekuisa chiedza muzvikepe? (ona Eta 2:22–25). Mukoma waJaredi akaropafadzwa sei nekokero yekuti ashandise rutendo rwake nenzira iyi? (ona Eta 3:1–16).

Zvingangoratidzika sezviri nyore kungoudza vadzidzi zvinhu zvose zvaunofunga kuti vanofanira kuziva. Zvisinei, Gosa David A. Bednar vakaraira kuti: “Vavariro yedu haifaniri kuva yekuti ‘Chii chandinovaudza?’ Pane kudaro, mibvunzo yatinofanira kuzvibvunza ndeye kuti ‘Chii chandinokwanisa kuvakoka kuti vaite? Ndeipi mibvunzo yakafemerwa yandinokwanisa kubvunza iyo yekuti, kana vachida kupindura, inozotanga kukoka Mweya Mutsvene muupenyu hwavo?’” (evening with a General Authority, Kukadzi 7, 2020, broadcasts.ChurchofJesusChrist.org).

Funga pamusoro pekuti ungakwanisa sei kukoka vadzidzi kuti vatore basa rekudzidza kwavo. Semuenzaniso, unokwanisa kuvakoka kuti vabvunze mibvunzo yavo pachavo, vatsvagurudze mhinduro, vafungisise, uye vagovere kana kunyora pasi pfungwa nemanzwiro avo. Pavanodaro, vanozosimbisa rutendo rwavo, vowana zvokwadi zviri mushoko raMwari, uye vova nezviitiko zvavo pachavo nezvokwadi izvi. Apo patinotarira kudzidza kwedu pachedu, tinokwanisa kuti, sekutaura kwaakaita Joseph Smith, “Ndazvizivira ini pachangu” (Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:20).

Mibvunzo yeKufungisisa: Sei zvakakosha kuti vadzidzi vashingaire pane kuti vangonyarara mukudzidza kwavo? Ungakwanisa kuvabatsira sei kuti vatore mutoro wekudzidza kwavo? Vadzidzisi vakakubatsira sei kuita izvi? Mienzaniso ipi kubva mumagwaro matsvene yaungakwanisa kufunga nezvayo apo vanhu pavakakokwa kuti vazvidzidzire ivo pachavo? Mienzaniso iyi inoshandura sei madzidzisiro aunoita?

Kubva muMagwaro Matsvene 1 Nifai 11; Dzidziso neZvibvumirano 9:7–8; 58:26–28; 88:118–125; Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:11–20

Muponesi Aikurudzira Vamwe Kuti Vasvike pakuMuziva Kuburikidza neKunzvera Shoko Rake

Apo pakasvika nguva yekuti Muponesi aronge Chechi Yake zviri pamutemo mumazuva ekupedzisira, Akaudza varanda Vake kuti, “Vimbai nezvinhu zvakanyorwa” (Dzidziso neZvibvumirano 18:3). Zvirokwazvo, Bhuku raMormoni, iro ravakanga vava pedyo nekupedza kududzira, rakanga riine rairo inobatsira yebasa racho, kusanganisira mabhabhatidziro ekuita, maropafadziro ekuita sakaramende, nerumwe ruzivo rwakakosha. Asi Muponesi aidawo kuti varanda Vake vaone zvakazarurwa Zvake semukana wekuMunzwa uye nekusvika pakuMuziva zvakanyanya kudzama. Muzvakazarurwa zvimwechetezvo, Akavaudza kuti, “Inzwi rangu rinotaura [mashoko aya] kwamuri; … nokudaro, munokwanisa kupupura kuti makanzwa inzwi rangu, uye munoziva mashoko angu” (Dzidziso neZvibvumirano18:35–36).

Funga pamusoro pevanhu vaunodzidzisa. Vanonzwa sei pamusoro pekunzvera magwaro matsvene? Ko iwe, unonzwa sei pamusoro pekunzvera magwaro matsvene? Chinhu chinopfuura sungiro yezuva nezuva here? Apo paunonzvera magwaro matsvene, unonzwa Muponesi achitaura kwauri chaiko here? Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Ndekupi kwatinokwanisa kuenda kunoMunzwa? Tinokwanisa kuenda kumagwaro matsvene. … Kuzvinyudza zvakazara mushoko raMwari zuva roga roga kwakakosha zvikuru kuitira kupona kwezvepamweya, kunyanya mumazuva ano ane kuwedzera kwemhirizhonga. Apo patinodya pamashoko aKristu zuva nezuva, mashoko aKristu anozotiudza madaviriro atingaita kune zvakaoma zvataisambofungidzira kuti tingatarisana nazvo” (“Hear Him,” Liahona, Chivabvu 2020, 89). Apo paunodzidzisa, kurudzira vadzidzi kunzvera magwaro matsvene nechinangwa chekuwana Muponesi—kwete chete kuwana ndima kana zvokwadi pamusoro Pake asi kumuwana Iye. Kunzwa inzwi raIshe mazuva ose mumagwaro matsvene ihwaro kuupenyu hwose hwekudzidza vhangeri neushingairi, kwako wega .

Mibvunzo yeKufungisisa: Funga pamusoro petsika dzako pachako dzekunzvera magwaro matsvene. Kunzvera shoko raMwari kwakasimbisa sei hukama hwako Navo? Chii chaunokwanisa kuita kuti unatsurudze kunzvera kwako? Unozokurudzira sei vamwe kunzvera shoko raMwari noushingairi uye nguva dzose? Maropafadzo api avanozogamuchira apo pavanodaro?

Kubva muMagwaro Matsvene: Joshua 1:8; 2 Timotio 3:15–17; 2 Nifai 32:3; Jakobo 2:8; 4:6; Dzidziso neZvibvumirano 33:16

Muponesi Aikoka Vamwe Kuti Vagadzirire Kudzidza

Kunyangwe mbeu dzakanyanyisa kunaka hadzikwanisi kumera pavhu rakaoma, rine mabwe, kana kuti rine minzwa. Saizvozvowo, kunyangwe dzidziso yakakosha zvikurusa uye inokurudzira rutendo haingagoni kushandura mwoyo usina kugadzirira kuigamuchira. Ndicho chikamu cheshoko rerungano rwemufananidzo rweMuponesi pamusoro pemukushi, mbeu, nevhu rine mamiriro akasiyana-siyana. “Muvhu rakanaka”—mwoyo wakapfaviswa uye ukabviswa matombo neminzwa yezvepamweya—ndimo umo shoko raMwari marinobereka zvibereko zvinopa upenyu (ona Mateo 13:1–9, 18–23).

Gadziriro yezvepamweya yakakosha—yako iwe uye neye vanhu vaunodzidzisa. Saka tinobatsira sei kugadzirira mwoyo yedu kuti ive “nzvimbo yakanaka” yeshoko raMwari? Funga pamusoro pemisimboti inotevera yegadziriro, iyo yaunokwanisa kushandisa muupenyu hwako uye nekukurudzira muupenyu hweavo vaunodzidzisa. Namata kuti uzive izvo Ishe zvavanoda kuti udzidze. Rarama nenzira inokoka kuvapo Kwavo muupenyu hwako. Tendeuka zuva nezuva. Kudziridza chido chako chekudzidza kuburikidza nekubvunza mibvunzo yemwoyo wose. Nzvera shoko raMwari nerutendo rwokuti Vanozokutungamirira kumhinduro. Zarura mwoyo wako kune zvipi zvazvo zvaVanokudzidzisa.

Apo vadzidzi pavanogadzirira kudzidza nenzira iyi, vanozova nemaziso ezvepamweya ekuona nenzeve dzekunzwa izvo Ishe zvavanozoda kuti vazive (ona Mateo 13:16).

Mibvunzo yeKufungisisa: Chii chaunoita kuti uzvigadzirire kudzidza? Gadziriro yako inoshandura sei maonero, manzwiro, uye manzwisisiro aunoita shoko raMwari? Unokwanisa sei kukurudzira vamwe kugadzirira kudzidza? Izvozvo zvinokwanisa kuita mutsauko wakaita sei mumagamuchiriro avanoita zvokwadi zvevhangeri?

Kubva muMagwaro Matsvene: Enosi 1:1–8; Aruma 16:16–17; 32:6, 27–43; 3 Nifai 17:3

Mufananidzo
mwana achiverenga magwaro matsvene mukirasi

Vadzidzi vanowana pundutso kubva mumikana yekugoverana zvavanenge vachidzidza.

Muponesi Aikurudzira Vamwe Kugovera Chokwadi Chavaiva Vachidzidza

“Ndinokakama,” Enoki akachema-chema apo Ishe pavakamudana kuti aparidze vhangeri. Asi kutaura kwakatsetseka hakuna kumbova chidikanwi kumuranda waIshe. Panzvimbo pekudaro, Ishe vakavimbisa Enoki kuti kana akange aine rutendo rwakakwana rwekuvhura muromo wake, mashoko aizouya. “Ndichakupa zvokutaura,” Vakadaro (Mosesi 6:31–32). Enoki akashandisa rutendo rwake, uye Ishe zvechokwadi vakataura nemaari, nemashoko akasimba zvekuti akakonzera vanhu kudedera (ona Mosesi 6:47). Chokwadi, akakonzera nyika pachayo kudengenyeka. Makomo akatiza, nzizi dzakashandura gwara radzo, uye marudzi akatya vanhu vaMwari, “rakanga rakasimba zvikurusa shoko raEnoki, uye rakanga riri gurusa simba romutauro uyo Mwari waVakanga vamupa” (Mosesi 7:13).

Ishe vanoda kuti isu tose—kwete chete vaporofita Vavo—tive nesimba rekutaura shoko Ravo. Vanoda izvozvo kwatiri tose, kusanganisira vanhu vaunodzidzisa (ona Dzidziso neZvibvumirano 1:20–21). Mashoko edu anogona kusasudurutsa makomo kana kushandura gwara renzizi, asi anokwanisa kubatsira kushandura mwoyo. Ndokusaka zvakakosha kupa vadzidzi mikana yekugoverana zvavanenge vachidzidza pamusoro peMuponesi nevhangeri Rake. Kuita izvi kunovabatsira kutora mavari zvokwadi zvavanodzidziswa uye kuzvitaura. Zvinozovabatsirawo kuwana chivimbo mukwaniso dzavo dzekugovera zvokwadi mune mamwe mamiriro ezvinhu.

Mibvunzo yeKufungisisa: Funga pamusoro penguva iyo yawakataura pamusoro pechokwadi chevhangeri nemumwe munhu. Chii chaunodzidza kubva pachiitiko chacho? Ndiriinhi pawakavonga kuti mumwe munhu akava neushingi hwekutaura pfungwa dzake netendero dzake? Vanhu vaunodzidzisa vanozopundutswa sei kubva mumikana yekutaura pamusoro pezvinhu zvavanenge vachidzidza? Mikana ipi yaungakwanisa kuvaitira?

Kubva muMagwaro Matsvene: Aruma 17:2–3; Moronai 6:4–6; Dzidziso neZvibvumirano 84:85; 88:122; 100:5–8

Muponesi Aikoka Vamwe Kuti Vararame Izvo zvaAidzidzisa

“Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu.” “Idai vavengi venyu.” “Kumbirai, muchapuwa.” “Pindai nesuwo rakamanikana.” (Mateo 5:16, 44; 7:7, 13.) Dzimwe kokero dzakajeka zvikurusa, dzisingakanganwiki muhushumiri hwose hwepasi hweMuponesi dzakataurwa apo paAidzidzisa vadzidzi Vake mujinga megomo rakatarisana neGungwa reGarirea. Chinangwa cheMuponesi chakanga chiri chekushandura upenyu, sekujekeswa kwazvakaitwa nekokero yake yekupedzisira: “Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita, ndinozomufananidza nomurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.” (Mateo 7:24; kusimbisisa kwakawedzerwa).

Mvura inoduruka uye mafashama anouya uye mhepo inovhuvhuta muupenyu hwemunhu wose. Kudzidza pamusoro pevhangeri hakusi kwakakwana kana vadzidzi vachizofanira kukunda miedzo yose yavanozosangana nayo. Ndikokusaka tisingafaniri kuzeza kukoka vadzidzi kuti vafunge pamusoro pemakwanisiro avangaita kurarama zvavari kudzidza. Nokuda kweruremekedzo rwekwaniso yekuzvisarudzira yavamwe, zhinji dzekokero dzedu dzinozova dzamazuva ose: “Chii chaunonzwa uchikurudzirwa kuita?” Dzimwe nguva kokero dzedu dzingangoda kuva dzakananga pachimwe chinhu chaicho: “Ungasarudza here hunhu humwechete hweMuponesi hwaungada kushanda pahuri?” Apo paunopa mikana kuvadzidzi kuti vanzwe, vazive, uye nokugovera femero kubva kuMweya Mutsvene, Anozovadzidzisa kuti ndezvipi zvinhu zvavo pachavo zvavanofanira kuita. Batsira vadzidzi kufunga pamusoro pemaropafadzo anozotevera apo pavanoita chimwe chinhu pamusoro pezvavanodzidza, uye vakurudzire kuramba vachishingaira kunyangwe apo pazvinova zvakaoma. Kurarama chokwadi ndiyo nzira pfupisa yekusvika kurutendo, uchapupu, nerutendeuko rukurusa. Sekutaura kwakaita Muponesi, kurarama dzidziso yaBaba ndiyo nzira yekuti tose tinyatsoziva zvechokwadi kuti dzidziso yacho ndeyechokwadi (ona Johane 7:17).

Mibvunzo yeKufungisisa: Ndiriinhi apo pawakakurudzirwa kuita chimwe chinhu nokuda kwekokero yawakapuwa nemumwe munhu? Upenyu hwako hwakashanduka sei nekuda kwaizvozvo? Cherechedza kokero dzakapuwa mumagwaro matsvene uye navatungamiri veChechi. Chii chaunodzidza chinokwanisa kukubatsira apo paunokoka vamwe kuti vaite chimwe chinhu? Ndedzipi nzira dzaunokwanisa kuita nadzo chokwadi kuti kokero dzako dzazadzikiswa?

Kubva muMagwaro Matsvene: Ruka 10:36–37; Johane 7:17; Jakobo 1:22; Mosaya 4:9–10; Dzidziso neZvibvumirano 43:8–10; 82–10

Dzimwe Nzira Dzekushandisa Izvo Zvauri Kudzidza

  • Kumbira vamwe kuti vauye vakagadzirira kugovera chimwe chinhu chavakadzidziswa neMweya Mutsvene, sezvakaita nzwisiso kubva mundima yechinyorwa chitsvene chakakosha.

  • Ipa vadzidzi mikana yekudzidzisa chikamu chechidzidzo.

  • Kurudzira vadzidzi kuti vaongorore vhidhiyo, chinyorwa chitsvene, kana shoko musati masangana.

  • Dzivirira maitiro ekupindura mubvunzo woga woga. Sanganisira vamwe mukutsvaga mhinduro.

  • Usati wagovera nzwisiso dzako pamusoro pechinyorwa chitsvene, kumbira vadzidzi kuti vagovere dzavo pachavo.

  • Bvunza mibvunzo inokurudzira vadzidzi kuwana mhinduro mushoko raMwari.

  • Koka vadzidzi kuti vabvunze mibvunzo yavo pachavo pamusoro pezvavari kudzidza.

  • Ipa nguva yekuti vadzidzi vose vafungisise mubvunzo usati wavakumbira kuti vagovere mhinduro.

  • Funga pamusoro pekukamura vadzidzi kuita mapoka madiki ekuita nhaurirano, sekukodzera kwazvinoita.

  • Taura tarisiro dzakajeka kuitira kubatsira vadzidzi kukura.

  • Ipa kokero dzinokurudzira vadzidzi kuti vazvinatsurudze asi dzisingareme. Ita chokwadi kuti zvaitwa uye koka vadzidzi kuti vagovere zviitiko zvavo.

  • Batsira vadzidzi kudzidza kubva mumagwaro matsvene kuburikidza:

    • Nekumaka ndima dzakakosha, kana zvichidikanwa.

    • Nekukoka zvakazarurwa kuburikidza nekufungisisa uye nemunamato.

    • Nekunyora pasi manzwiro ezvepamweya.

    • Nekuchengeta jonari rekunzvera.

    • Nekumisa zvinangwa zvekuita chimwe chinhu pamusoro peizvo zvavanodzidza.

Dhinda