Seminari uye Inisitichuti
Dzidzisa pamusoro paJesu Kristu Zvisinei Nokuti Uri Kudzidzisa Chii


“Dzidzisa pamusoro paJesu Kristu Zvisinei Nokuti Uri Kudzidzisa Chii,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Dzidzisa pamusoro paJesu Kristu Zvisinei Nokuti Uri Kudzidzisa Chii,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Dzidzisa pamusoro paJesu Kristu Zvisinei Nokuti Uri Kudzidzisa Chii

Kune zvinhu zvizhinji zvekudzidzisa pamusoro pazvo muvhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa—misimboti, mirairo, huporofita, uye nyaya dzemumagwaro matsvene. Asi zvose izvi mapazi emuti mumwechetewo, nokuti zvose zvine chinangwa chimwechete: kubatsira vanhu vose kuuya kuna Kristu uye kuzoruramiswa maAri (ona Jaromu 1:11; Moronai 10:32). Naizvozvo zvisinei nokuti uri kudzidzisa chii, yeuka kuti uri kudzidzisa chaizvo izvo pamusoro paJesu Kristu uye nekuti tingava sei saIye. Mweya Mutsvene unokwanisa kukubatsira kuziva zvokwadi pamusoro peMuponesi nesimba rerununuro Rake mumusimboti woga woga, mumurairo woga woga, uye mudzidziso yehuporofita yoga yoga yevhangeri (ona Jakobo 7:10–11).

Uri kudzidzisa here pamusoro pekuzvipira? Funga kuwongorora nevadzidzi kuti kuzvipira kwatinoita kunonongedza mweya yedu sei “kukuzvipira kukuru uye kwokupedzisira” kweMuponesi (Aruma 34:10). Uri kudzidzisa here pamusoro perubatano? Funga pamusoro pekukurukura rubatano urwo Jesu Kristu rwaakava narwo naBaba Vake uye kokero Yake kwatiri yekuti tive mumwechete Navo (ona Johane 17). Ona musoro wenyaya wevhangeri woga woga semukana wokudzidzisa nekudzidza pamusoro paJesu Kristu.

Murairo woga woga unopawo mukana uyu. Usangonangisa pfungwa chete pamitemo yevhangeri—dzidzawo pamusoro peMupi wemutemo. Kana ukakurukura Shoko reUngwaru uye wogumira panezvokuita nezvekusaita zvekurarama kune utano, unorasikirwa nemukana wekufungisisa kuti Jesu Kristu anofanira kunge aine hanya zvakadzama zvakadii pamusoro pedu—zvose kugara zvakanaka kwedu kwezvepamweya uye kwepanyama—kuti atipe mutemo uyu. Nangisa pfungwa pakuti Muponesi anoda uye anofarira zvikuru sei kutiropafadza nesimba Rake kutibatsira kuti tirarame mitemo Yake. Murairo woga woga waAnotipa unoratidza chimwe chinhu pamusoro pepfungwa Dzake uye chido Chake nemwoyo Wake—wanai mufaro mukuwana izvi pamwechete!

Simbisisa Muenzaniso waJesu Kristu

Tinokwanisa kuisa Jesu Kristu pakati pekudzidzisa nokudzidza kuburikidza nekuziva uye nokusimbisisa kuti Iye ndiye muenzaniso wakarurama wemisimboti yose yevhangeri. Sevadzidzi, hatingoteveri misimboti—tinotevera Jesu Kristu. Apo patinonangisa pfungwa pamuenzaniso wakarurama weMuponesi, Mweya Mutsvene unozopupura neZvake uye wotikurudzira kuMutevera.

Fungidzira kwechinguvana kuti uri kudzidzisa musimboti wekushingirira kusvika kumagumo. Hurukuro pamusoro pokuti Muponesi muenzaniso sei wekushingirira kusvika kumagumo inokwanisa kuunza manzwiro eruremekedzo kwaAri runotapira. Avo vaunodzidzisa vangangodzidza nokunzwa chii kubva kumuenzaniso Wake?

Mufananidzo
Muponesi achiporesa murume akarara pasi

Muponesi akamisa muenzaniso wakarurama kwatiri tose. He Healed Them All [Akavaporesa Vose], naMichael Malm

Dzidzisa pamusoro peMazita, Mabasa, uye Hunhu hwaJesu Kristu

Jesu Kristu ane mazita mazhinji mumagwaro matsvene. Rimwe nerimwe rinoratidza rimwe remabasa Ake muchirongwa chaMwari uye rinotidzidzisa pamusoro pehunhu Hwake hwehumwari. Ungangofunga pamusoro pekuwongorora navadzidzi kuti mazita akaita saGwayana raMwari, Murevereri, Mupedzisi weRutendo Rwedu, uye Chiedza cheNyika anotidzidzisa chii pamusoro paJesu Kristu. Uyewo, apo paunobatsira vadzidzi kusvika pakuziva zvimwe zvakawanda pamusoro peMuponesi, dzidzai zvinopfuura izvo zvaAkataura nezvaAkaita kuenda pakuti Iye ndiani uye chinhanho chipi chaAnoda kuva nacho muupenyu hwedu. Apo pamunodzidza pamwechete pamusoro pechimiro nehunhu zveMuponesi, Mweya Mutsvene unozodzamisa nzwisiso yenyu yaIye uye nerudo rwenyu kwaAri.

Tsvaga Zviratidzo Zvinopupura nezvaJesu Kristu

“Zvinhu zvose,” Ishe vakazivisa, “zvakasikirwa nokugadzirirwa kuti zvipe uchapupu hwangu” (Mosesi 6:63; onawo 2 Nifai 11:4). Nechokwadi ichocho mupfungwa, tinokwanisa kudzidza kuona zviratidzo zvizhinji-zhinji mumagwaro matsvene izvo zvinopupura nezveMuponesi. Zviratidzo izvi zvinosanganisira zvinhu zvakaita sechingwa, mvura, uye chiedza. Apo patinenge tanzwisisa kuti zvinhu izvi zviri maererano sei neMuponesi, zvinokwanisa kutidzidzisa nezvesimba nehunhu Hwake. Unokwanisa kunyangwe kuwana fanano kuupenyu hweMuponesi muupenyu hwavaporofita uye nevamwe varume namadzimai vakatendeka vari mumagwaro matsvene. Kutsvaka zviratidzo kunoratidza zvokwadi pamusoro peMuponesi munzvimbo idzo pane imwe nguva dzaungangosatarisa.

Dhinda