Seminari uye Inisitichuti
Mazano eMamiriro eZvinhu eKudzidzisa Akasiyana siyana uye Vadzidzi Vakasiyana siyana


“Mazano eMamiriro eZvinhu eKudzidzisa Akasiyana siyana uye Vadzidzi Vakasiyana siyana,” Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi: Kuitira Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Mazano eMamiriro eZvinhu eKudzidzisa Akasiyana siyana uye Vadzidzi Vakasiyana siyana,” Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi

Mufananidzo
varume vachidzidzisa mhuri

Mazano eMamiriro eZvinhu eKudzidzisa Akasiyana siyana uye Vadzidzi Vakasiyana siyana

Misimboti yekudzidzisa nemunzira yeMuponesi inokwanisa kushanda kune upi zvawo mukana wekudzidzisa—pamba, kuchechi, uye kumwewo. Zvisinei, mukana wose unouya nemamiriro ezvinhu awo akasiyana. Chikamu chino chinopa mamwe mazano akanangana navadzidzi vakasiyana siyanauye mamiriro ezvinhu ekudzidzisa akasiyana siyana.

Kumba uye Mhuri

Mumba Ndiyo Nzvimbo Yakanyanyisa kunaka yeKudzidzisa uye Kudzidza Vhangeri

Mutungamiri Russell M Nelson. vakadzidzisa kuti mumba munofanira kuva “nzvimbo yakakosha yekudzidza vhangeri” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Liahona, Mbudzi 2018, 113). Kudzidzisa kunoitika kuchechi kana museminari kwakakosha uye kunodikanwa, asi kunofanira kutsigira kudzidzisa kunoitika kumba. Mamiriro ezvinhu makuru—uye mamiriro ezvinhu akanyanyisa kunaka—ekudzidza vhangeri, zvose kunesu pachedu uye kumhuri dzedu, ndeemumba

Asi izvo hazvirevi kuti kudzidza vhangeri kwakanaka kunongoerekana kwaitika kumba; kunotora kuedza nesimba. Mutungamiri Nelson vakapa zano rekuti ungangofanira “kushandura” kana “kugadziridzazve imba yako”—kwete zvazvo nokuputsa madziro kana kuwedzera uriri hutsva asi pamwe nekuongorora mweya wose zvawo uri mumba mako, kusanganisira chikamu chako chaunoisa pakuvepo kwemweya iwoyo.(“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” 113). Somuenzaniso, funga pamusoro pemumhanzi, mavhidhiyo, uye dzimwe nhepfenyuro zviri mumba mako; mifananidzo iri pamadziro; uye mataurirano nekubatana kunoita nhengo dzemhuri yako. Zvinhu izvi zvinokoka shanduro yeMweya Mutsvene here? Unoisa here parutivi nguva yekudzidza vhangeri, semunhu pachake uye semhuri? Nhengo dzemhuri dzinonzwa here kudiwa, kuchengeteka, uye kuva pedyo naMwari apo padzinenge dziri mumba menyu?

Unogona kusanzwa kuti unesimba pamusoro pemamiriro ezvinhu ezvepamweya mumba menyu. Kana zviri izvozvo, iva hurudziro yakanyanyisa kunaka yaunokwanisa uye wokumbira Ishe rubatsiro. Vanozokudza kuedza nesimba kwako kwakarurama. Apo paunoedza kudzidzisa uye kudzidza vhangeri, kunyangwe kana ukasaona mhedzisiro dzaunoda pakarepo, uri kubudirira.

Kudzidza Kumba Kunomisirwa paHukama

Chirevo chinoti “Ida avo vaunodzidzisa” chinoshanda kumamiriro ezvinhu ose ekudzidzisa vhangeri, asi mumba, rudo runofanira kuuya zviri nyore zvikurusa uye ruchinzwikwa zvakanyanyisa kudzama. Kunyangwe kana dai imba yako isiri yakanakisa, inofanira kuti ive nzvimbo yakakosha yokudzidzisa vhangeri nokuti ndimo munovakwa hukama hwedu hunozovapo kwenguva yakareba zvikurusa. Vadzidzisi vari kunze kwemba vangangova noruzivo ruzhinji kana dzidzo huru sevadzidzisi, asi havangambokwanisi kutevedzera simba rehukama hune rudo, hwokusingaperi, hunowanikwa kumba. Saka kudziridza hukama ihwohwo. Pedza nguva uye nokuedza nesimba kunodiwa kuti uteerere kunhengo dzemhuri yako uye uvake ruvimbo nenzwisiso navo. Izvi zvinozobatsira kugadzira hwaro hwakasimba hwekuedza nesimba kwako kudzidzisa nekudzidza vhangeri kumba.

Kudzidza Kumba Kunokwanisa Kurongwa Asiwo Kunokwanisa Kungoitika Chero Nguva

Makirasi mazhinji eChechi anoitika kamwechete pasvondo, aine mavambo nemagumo akarongwa, asi izvi handizvo zvinoitika kumba nguva dzose. Unogona kunge uine chidzidzo chemanheru kumba kana kunzvera magwaro matsvene kwemhuri kwakarongwa, asi mikana yekudzidzisa mumhuri kazhinji inoitika munguva dzisina kurongwa, dzemazuva ose—apo pamunenge muchidya, muchiita mabasa epamba, muchitamba mutambo, muchienda kubasa kana kuchikoro, kuverenga bhuku, kana kuona firimu pamwechete. Dutu remvura rinokwanisa kuve mukana wekutaura pamusoro pekuti Muponesi anotidzivirira sei kubva kumadutu ezvepamweya. Wechidiki ane sarudzo yakaoma yekuita anogona kunge agadzirira kudzidza pamusoro pezvakazarurwa zvenyu pachake. Mwana arikutya anogona kuwana pundutso kubva kuuchapupu hwako pamusoro paMunyaradzi. Vana vanoita misikanzwa kana kuti vasiri kubatana zvakanaka vanokwanisa kudzidziswa pamusoro porutendeuko uye ruregerero.

Nokuti nguva dzakadai hadzina kurongwa, haukwanise kudzigadzirira semagadziriro aungaite chidzidzo chakarongwa. Zvisinei, unokwanisa kuzvigadzirira pachako iwe kuburikidza nokuteerera kuMweya uye nokuedza kukuru “kuva wakagadzirira nguva dzose” (1 Petro 3:15). Nguva ipi zvayo inogona kuva nguva yekudzidzisa kana yekudzidza.

Kudzidza Kumba Kunosanganisira Kuedza neSimba Kudiki, Kuri Nyore, kweNguva Dzose.

Vabereki dzimwe nguva vanoora mwoyo apo kuedza kwavo kudzidzisa vhangeri kumba pakusingaratidziki kunge kuri kubudirira. Zvichitorwa sechinhu chimwechete, manheru pamba mamwechete, nguva yekunzvera magwaro matsvene imwechete, kana nhaurirano yevhangeri imwechete zvinogona kuratidzika sekuzadzikisa zvizhinji. Asi kuwanda kwekuedza nesimba kudiki kwakareruka, uko kunodzokororwa nguva dzose kwenguva yakareba, kunokwanisa kunyanya kuva nesimba uye kunosimbisa kupfuura chidzidzo chinoitwa nenguva irikure chikurusa kana chakakosha zvikuru. “Zvose zvinhu zvinofanira kuitika nenguva yazvo,” Ishe vakadaro. “Naizvozvo, musanete mukuita zvakanaka, nokuti muri kuhwarika hwaro hwebasa guru. Uye muzvinhu zvidiki ndimo munobva izvo zvikuru”(Dzidziso neZvibvumirano 64:32–33; onawo Aruma 37:6–7). Saka usaora mwoyo, uye usanetseka pamusoro pokuzadzikisa chimwe chinhu chikurusa nguva dzose. Ingo ramba uri mukuedza nesimba kwako nguva dzose.

Mumba, Kudzidza neKurarama Hazvikwanisa kuparadzaniswa

Vhangeri rinotora kodzero pakarepo mumba. Imomo vanhu vauri kudzidza navo vhangeri ndivo vanhu vaucharirarama navo—mazuva ose. Pachokwadi, nguva zhinji, kurarama vhangeri ndiwo madzidziro atinoita vhangeri. Saka apo paunodzidza nekudzidzisa vhangeri kumba, tsvaka nzira dzekubatanidza zvauri kudzidza nezvauri kuita. Mumba mako, ita kuti vhangeri rive chimwe chinhu chaunoedza kurarama nacho, kwete chimwe chinhu chaunotaura pamusoro pacho.

Mufananidzo
mudzimai achidzidzisa vana

Mikana yekudzidzisa mumhuri inoitika kazhinji munguva dzisina kurongwa, panguva dzemazuva ose.

Kudzidzisa Vana

Vana Vanoda Zvakasiyana-siyana

Vana vose vakasiyana, uye apo pavanokura, zvidikanwi zvavo zvinozochinja. Kusiyanisa nzira dzako dzekudzidzisa kunozokubatsira kuzadzikisa zvidikanwi zvavo zvakasiyana siyana. Somuenzaniso, funga pamusoro pokushandisa zvinotevera:

  • Nyaya Nyaya dzinobatsira vana kuona kuti vhangeri rinoshanda sei muupenyu hwemazuva ose. Shandisa nyaya kubva mumagwaro matsvene, kubva muupenyu hwako, kubva munhoroondo yemhuri yako, kana kubva mumagazini eChechi, kunyanya nyaya pamusoro peMuponesi. Ronga nzira dzokusanganisira vana munyaya yacho—nekubata mifananidzo, kudzokorora ndevo, kana kutora zvinhanho mukutamba mutambo.

  • Zvibatsiri Zvinooneka Mifananidzo, mavhidhiyo, uye zvinhu zvinokwanisa kubatsira vana kunzwisisa nekuyeuka misimboti yevhangeri. Mifananidzo nemavhidhiyo mazhinji zvinokwanisa kuwanikwa muMedia Library paindaneti adhiresi inoti ChurchofJesusChrist.org.

  • Mumhanzi. Nziyo nedzimwe dzimbo dzinoera zvinokwanisa kubatsira vana kunzwa rudo rwaMwari, kunzwa Mweya, uye kudzidza zvokwadi zvevhangeri. Chuni, mutinhimira, nenhetembo dzakareruka zvinokwanisa kubatsira vana kuyeuka zvokwadi zvevhangeri kwemakore anotevera. Apo paunoimba nevana, vabatsire kuwana uye kunzwisisa misimboti inodzidziswa munziyo dzacho.

Vana vakawanda vanodzidza zvakanyanyisa kunaka kana nhengo dzemuviri zhinji dzichishandiswa pakuimba kwacho. Wana nzira dzokubatsira nadzo vana kushandisa nhengo dzemuviri dzavo dzekuona, dzekunzwa, uye dzekubata apo pavanodzidza. Mune mamwe mamiriro ezvinhu, unogona kunyangwe kuwana nzira dzekusanganisiramanzwiro okunhuhwidza uye kuravira kwavo!

Vana Vane Kwaniso Yekuita Zvinhu Zvine Uchenjeri

Apo paunokoka vana kudhirowa, kuvaka, kupenda, kana kunyora chimwe chinhu chinoenderana nemusimboti wevhangeri, unovabatsira kunzwisisa zvirinani musimboti wacho uye unovapa chiyeuchidzo chinobatika chezvavanenge vadzidza. Vanokwanisawo kushandisa zvavakagadzira kugoverana nevamwe zvavakadzidza. Chishambadzwo chega chega chemagazini reFriend [Shamwari] chinosanganisira zviitwa zvineuchenjeri zvevana.

Vana Vanoda Kuziva

Apo vana pavanobvunza mibvunzo, ione semikana, kwete sezvikangaidzo. Mibvunzo yevana chiratidzo chekuti vakagadzirira kudzidza, uye mibvunzo yavo inokupa nzwisiso dzakakosha mune zvavari kufunga uye kunzwa. Vabatsire kuona kuti mhinduro kumibvunzo yavo yezvepamweya dzinokwanisa kuwanikwa mumagwaro matsvene uye mumashoko evaporofita vanorarama.

Vana Vanoda Rudo Kunyangwe Apo Pavanenge Vachikangaidza

Dzimwe nguva mwana anoita zvinhu zvinokangaidza kudzidza kwevamwe. Zvikangaidzo zvehunhu zvizhinji zvinobuda kubva muchidikanwi chisiri kuzadzikiswa. Apo izvi pazvinoitika, iva nemwoyo murefu, rudo, uye nzwisisa matambudziko angangodai achitarisana nemwana. Angangova achida mikana mizhinji yokutora chinhanho muchidzidzo chacho nenzira dzakanaka—somuenzaniso, nekubata mufananidzo, kudhirowa chimwe chinhu, kana kuti kuverenga chinyorwa chitsvene.

Kana mwana akaramba achikangaidza, zvingangobatsira kutaura naye ari ega. Nemweya werudo nemwoyo murefu, tsanangura tarisiro dzako uye chivimbo chako chekuti anokwanisa kuzvizadzikisa. Rumbidza mwana apo paanoita sarudzo dziri nani.

Vana Vane Zvizhinji Zvokugovera

Apo vana pavanodzidza chimwe chinhu chitsva, somusikirwo wedu vanoda kuchigoverana navamwe. Kurudzirai chido ichi nekupa vana mikana yekudzidzisana misimboti yevhangeri pakati pavo, kunhengo dzemhuri yavo, uye kushamwari dzavo. Vakumbirewo kuti vagoverane newe pfungwa dzavo, manzwiro avo, uye zviitiko zvinoenderana nemisimboti yauri kudzidzisa. Unozowana kuti vane nzwisiso dzakareruka, dzakarurama, uye dzine simba.

Vana Vanokwanisa Kunzwa Mweya Asi Vangangoda Rubatsiro Kuziva Shanduro Yake.

Kunyangwe vana vasati vatambira chipo cheMweya Mutsvene vanokwanisa kunzwa shanduro Yake, kunyanya apo pavanenge vachidzidza pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake. Apo pavanoita sarudzo dzakarurama, vanokwanisa kunzwa tsigiro yeMuponesi kuburikidza neMweya. Dzidzisa vana pamusoro penzira dzakasiyana idzo Mweya dzaunotaurirana nesu. Vabatsire kuziva inzwi Rake apo paAnotaura kwavari. Izvi zvinozovabatsira kukudziridza tsika yekutsvaka uye kuita chimwe chinhu pamusoro pezvakazarurwa zvemunhu pachake muupenyu hwavo hwose.

Kudzidzisa Vechidiki

Vechidiki Vane Kwaniso Huru

Vechidiki vanekwaniso yekuita zvinhu zvinoshamisa mumushando waIshe. Zviitiko zvizhinji zvakanyorwa mumagwaro matsvene zvinoratidza kuti Mwari vane vimbo nekwaniso yezvepamweya yevanhu vechidiki. Kana vechidiki vakaziva kuti unovimba navo, chivimbo chavo mukwaniso yehumwari yavo chinozokura uye vanozokushamisa neizvo zvavanokwanisa kubudirira pazviri. Nerudo vabatsire kuona izvo Baba Vokudenga zvavanoziva kuti vanokwanisa kuva. Tevera muenzaniso weMuponesi nekuramba uchivada nekuvakurudzira, uchishanda navo nemwoyo murefu, uye usambozoora mwoyo nezvavo.

Vechidiki Vari Kudzidza pamusoro Pavo Pachavo

Vechidiki vaunodzidzisa vari kuumba hwaro hweuchapupu hwavo. Vari muchinhanho chekutsvaka zvitendero zvavo uye zvitendeseko zvavo. Vari kuita sarudzo dzinozoshandura gwara reupenyu hwavo. Kuti vararame panezvemweya munguva dzino dzakazara nenjodzi uye kuti vazadzikise basa raIshe ravo, vechidiki vaunodzidzisa vanozofanira kuziva mawaniro okuita simba panguva yemiyedzo yavo, mhinduro kumibvunzo yavo, uye ushingi hweku “mira sezvapupu zvaMwari” (Mosaya 18:9).

Vechidiki vane chido chinokura chokudzidza zvinhu kuburikidza nekushandisa pfungwa uye kuburikidza nezviitiko panzvimbo pekungoudzwa zvinhu. Izvi zvinoreva kuti kudzidzisa vechidiki kunozoda hunyanzvi hwekuteerera. Apo vechidiki pavanonzwa kuti vari kunzwisiswa, vanozova nechido chekuteerera kurairo nenhungamiro. Vavimbise kuti Ishe vanovaziva uye vanozovabatsira apo pavanenge vachinetsekana nemibvunzo nemiedzo. Vanokwanisa kushandisa rutendo rwavo maAri kuburikidza nekukudziridza tsika yemazuva ose yemunamato nekunzvera magwaro matsvene uye kuburikidza nekushandira vamwe. Kukurudzira vechidiki kutora chinhanho mumakirasi eChechi uye kunzvera vari pachavo vega zvinokwanisa kuvabatsira kuva nezviitiko zvavo pachavo zvinozovaka uchapupu hwavo hwenhaka yavo yehumwari.

Vechidiki Vakawanda Vanofara Kushandisa Tekinoroji

Kana vechidiki vaunodzidzisa vaine midziyo inoshandisa indaneti yavo pachavo, yeuka kuti midziyo iyi maturusi ekukudziridza kudzidza. Vadzidzisei kuti vanoshandisa sei magwaro matsvene avo epakombiyuta nezvimwe zvishandiso zvinowanika muRaibhurari yeVhangeri. Iwe unokwanisawo kutumira mashoko uye minongedzo kune vechidiki kuvabatsira kugadzirira zvidzidzo zviri kuuya.

Mufananidzo
Kirasi yeChikoro cheSvondo

Vechidiki vanofanira kunzwisisa izvo Baba Vokudenga zvavanoziva kuti vanokwanisa kuva.

Kudzidzisa Vanhu Vakuru

Vakuru Vanokwanisa Kutaririra Kudzidza Kwavo

Vadzidzi vakuru vanokwanisa kuzviitira zvinhu pachavo mumamiriro ezvinhu ekudzidza vhangeri (ona 2 Nifai 2:26). Vakoke kuti vagadzirire nhaurirano dzevhangeri kuburikidza nekunzvera chimwe chinhu nguva yechidzidzo isati yasvika, uye vakurudzire kugovera zvavari kudzidza kuburikidza neMweya. Ungangovabvunzawo kuti ndeipi misimboti yevhangeri yavanoda kupedza nguva vachidzidza pamwechete.

Vakuru Vanoshandisa Zviitiko Zvavo Apo Pavanenge Vachidzidza

Jobo akataura kuti, “Vatana ndivo vakangwara; vanamazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa” (Jobo 12:12). Kazhinji, hungwaru nekunzwisisa kwezvepamweya zvinouya mushure memakore mazhinji eruzivo. Apo paunodzidzisa vanhu vakuru, vakoke kuti vagovere zviitiko zvakavaka rutendo rwavo muna Baba Vokudenga naJesu Kristu. Izvi zvinozovapa mikana yekupupura pamusoro pamasvikiro avakaita pakuziva kuti misimboti yevhangeri yavari kunzvera ndeye chokwadi. Kugoverana zviitiko kunozovakawo hukama pakati peavo vaunodzidzisa, zvichibatsira “vose … kusimudzirana” (Dzidziso neZvibvumirano 88:122).

Vakuru Vanotsvaka Zvibatsiro Zvinoshanda

Vakuru vaunodzidzisa vanogona kunge vaine zvinzvimbo namabasa mazhinji mumabasa avo, munzanga, mudaidzo dzeChechi, nemumhuri dzavo. Apo pavanonzvera vhangeri, vanofunga kazhinji pamusoro pekuti zvavari kudzidza zvingavabatsira sei muzvinzvimbo izvozvo. Vakoke kuti vaone kuti shoko raMwari rinoenderana sei nemamiriro ezvinhu avo akasiyana neevamwe. Unokwanisa kuita izvi nekuvabvunza kuti misimboti yevhangeri inokosha uye inoshanda sei muupenyu hwavo.

Vakuru Vanokwanisa Kufunga neNzira Zhinji

Nokuda kwezviitiko zvavo uye ruzivo rwavo, vanhu vakuru vanoziva kuti hakuna mhinduro nyore nguva dzose kumibvunzo yevhangeri. Vanokwanisa kuvonga kuti ndima yechinyorwa chitsvene inogona kuva nerevo zhinji, uye vanokwanisa kushandisa musimboti wevhangeri mumamiriro ezvinhu eupenyu akasiyana-siyana. Vakoke kuti vafungisise kuti misimboti yevhangeri inoenderana sei uye nekune izvo zviri kuitika muupenyu hwavo. Kurudzira kutora chinhanho uye nhaurirano kuitira kuti vakwanise kudzidza kubva pamaonero ezvinhu akasiyana emumwe nemumwe wavo.

Mufananidzo
mudzimai achidzidzisa kirasi

Vakuru vanokwanisa kugovera zviitiko zvizhinji zvakavaka rutendo rwavo muna Baba Vokudenga naJesu Kristu.

Kudzidzisa Vanhu vane Hurema

Batsira Munhu Mumwe Nemumwe Kukura Uye Kufambira Mberi

Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti, “Pfungwa dzose nemweya yose izvo zvakatumirwa naMwari munyika zvinekwaniso yokukura paruzivo” (Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], 210). Fungidzira kuti vana vaMwari vose vanekwaniso yekuwedzera muruzivo uye kufambira mberi. Kumbira Ishe kuti vakubatsire kuziva mabatsiriro okuita munhu woga woga.

Dzidza pamusoro peZvimwe Zvidikanwi Zvakanangana neVadzidzi

Taura kuvadzidzi kana vabereki vavo kana avo vanovachengeta. Tsvaka kuti munhu woga woga anodzidza zvakanyanyisa kunaka sei uye kuti ndeapi mazano anonyanyisa kubatsira. Unokwanisawo kurairana nevamwe vatungamiri nevadzidzisi vane ruzivo nenzwisiso rwokugovera. Kuti uwane mazano anobatsira ekudzidzisa, ona disabilities.ChurchofJesusChrist.org

Ita Kuti Pave neMamiriro Ezvinhu Akanaka

Ita kuti pave nemamiriro ezvinhu akanaka apo munhu wose paanonzwa akachengeteka uye achidiwa. Usafungidzira kuti vadzidzi vose vakaremara vakafanana, uye bata munhu woga woga nerudo neruremekedzo. Kurudzira vamwe kuti vave netsitsi uye vanotambira vamwe:

Iva neChokwadi Chokuti Vose Vanokwanisa Kutora Chinhanho

Shanduro diki dzinokwanisa kuitwa kuzviitwa kuitira kuva nechokwadi chokuti vadzidzi vose vanokwanisa kudzidza, kusanganisira avo vane miviri inovatadzisa kuita zvinhu kana matambudziko okudzidza. Somuenzaniso, kana chiitwa chichipa zano rokuratidza mufananidzo, unokwanisa kuimba rumbo runoenderana pachinzvimbo chokuratidza mufananidzo kuitira kusanganisira vadzidzi vane hurema hwekuona.

Misa Mitoo neHurongwa zveNguva Dzose

Imwe nzira yekumisa mutoo nayo ndeyekugadzira chati rine hurongwa hwakatarwa. Hurongwa hwakatarwa hwako hunogona kusanganisira minamato, nguva yekudzidzisa, uye nguva yechiitwa. Kutevera hurongwa hwakatarwa kunokwanisa kubatsira kuderedza manzwiro ekusava nechokwadi uye ekushushikana kune vamwe vadzidzi.

Nzwisisa Kuti Sei Hunhu Hwunonetsa Huchiitika

Dzidza nezvehurema kana mamiriro ezvinhu anogona kukonzera munhu kuita zvisina kufanira. Nyatsocherechedza zviri kuitika apo hunhu hwunonetsa pahunomuka. Nemunamato funga pamusoro pokushandura mamiriro ezvinhu acho kuitira kutsigira zvirinani vadzidzi.

Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pekudzidzisa vanhu vane hurema, ona disabilities.ChurchofJesusChrist.org.

Mufananidzo
Kirasi yeVasikana veChidiki

Vadzidzisi vanokwanisa kuita kuti pave namamiriro ezvinhu ekudzidza akanaka apo munhu wose paanonzwa achigamuchirwa uye achidiwa.

Kudzidzisa nepaIndaneti

Iva neRuzivo rweTekinoroji

Usati watanga kirasi yako kana musangano wako, pedza imwe nguva uchinzwisisa tekinoroji yauchange uchizoshandisa. Ongorora zvimwe zvezvimiro zvayo, zvakaita semaratidziro okuita mavhidhiyo kana mapikicha. Funga pamusoro pokuita musangano “wekuedza mashandiro ayo” nenhengo dzemhuri kana shamwari.

Mawadhi nemasiteki mazhinji ane nyanzvi yetekinoroji. Ungangozivawo vamwe vane ruzivo rwemisangano yepaindaneti. Kumbira mazano avo kana nhungamiro yavo.

Bvisa Zvikangaidzo Zvingangovapo

Kana zvichibvira, wana nzvimbo yakanyarara yekupindira musangano wako. Ruzha pedyo nepauri runokwanisa kuva runokangaidza. Kurudzira vadzidzi kuti vaite zvimwechetezvo kana kuti vachengete mamaikirofoni avo akadzimwa kana vasiri kutaura.

Shandisa Kamera

Kana zvichibvira, chengeta kamera yako yakabatidzwa kuitira kuti vadzidzi vakwanise kuona chiso chako. Koka (asi usati zvakafanira) kuti vadzidzi vabatidzewo makamera avo . Izvi zvinokwanisa kubatsira kuumba mweya wekubatana uye kutsigirana.

Shandisa Virtual Chat Feature

Mapurogiramu mazhinji emisangano yepaindaneti anobvumira avo varikutora chinhanho kutaipa mibvunzo kana pfungwa dzavo pachihwindo chokutaurirana. Mamwe anobvumirawo vari kutora chinhanho kusimudza maoko. Ita kuti vadzidzi vazive pamusoro pezvinhu izvi. Ungangoda kupa basa kune mumwe munhu rokuti atarise maoko akasimudzwa kana zvirevo pachihwindo chokutaurirana kuitira kuti iwe ukwanise kunangisa pfungwa dzako pakutungamirira hurukuro.

Tsvaga Nzira dzeKusanganisira Vadzidzi

Mamiriro ezvinhu ekudzidza kwepaindaneti dzimwe nguva anoita kuti zviome kuti vanhu vaonekwe uye nokunzwikwa. Edza nesimba kusanganisira avo vanoda kusanganisirwa. Dzimwe nguva izvi zvinoreva kuumba mapoka madiki (somuenzaniso, kuburikidza nekupatsanura kirasi huru yeChikoro cheSvondo). Dzimwe nguva zvinoreva kukumbira vadzidzi pachine nguva kuti vatore chinhanho neimwe nzira. Usarega zvidziviriro zvetekinoroji zvichiita kuti ukanganwe kana kusiya kunze vanhu vane chido chikuru uye vanenge vachida kudzidza.

Dhinda