Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 52


Chikamu 52

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kumagosa eChechi, paKirtland, Ohio, 7 Chikumi 1831 (History of the Church, 1:175–179). Mugungano rakanga raitwa paKirtland, rakatanga musi wa3 uchivharwa musi wa6 Chikumi. Pamuchechi uyu kugadzwa chaiko kwekutanga muchinzvimbo chemupirisiti wepamusoro kwakaitwa, uye zvimwe zviratidzo zvemweya yenhema uye inonyengedza zvakaonekwa zvikatukwa.

1–2, Muchechi unotevera zvakamiswa kuti uitirwe kuMissouri; 3–8, Kudomwa kwemamwe magosa kuti vafambe pamwechete kwakaitwa; 9–11, Magosa anofanira kudzidzisa izvo zvakanyorwa navaapositori nevaporofita; 12–21, Avo vakajekeserwa neMweya vanounza michero yekurumbidza neungwaru; 22–44, Magosa akasiyana-siyana anodomwa kuti aende achiparidza vhangeri vachifamba kuenda kuMissouri kumuchechi.

1 Tarisai, ndizvo zvinotaura Ishe kumagosa ayo avadaidza uye vakasarudza mumazuva ano ekupedzisira, nezwi reMweya wavo—

2 Uchiti: Ini Ishe ndichaita kuti muzvizive zvandinoda kuti muite kubvira panguva ino kusvika pamuchechi unotevera, uyo uchaitirwa muMissouri, panyika iyo yandapira kuvanhu vangu, avo vakasara vaJakobo, neavo vagari venhaka maererano nechibvumirano.

3 Nokudaro, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai varanda vangu Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon vatore rwendo rwavo panokwanisika kugadzirirwa zvinhu zvekuti vasiye dzimba dzavo, vaende kunyika yeMissouri.

4 Uye sekutendeka kwavo kwandiri, zvichaitwa kuti zvizivikanwe kwavari kuti vachaitei;

5 Zvichaitawo, sekutendeka, kuti zvizivikanwe kwavari nyika yenhaka yenyu.

6 Uye kana vakasava vakatendeka, vachabviswa, kunyangwe sekuda kwandinoita, sezvakandinakira.

7 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu Lyman Wight nemuranda wangu John Corrill vaende rwendo rwavo nokukurumidza;

8 Uye nemuranda wanguwo John Murdock, nemuranda wangu Hyrum Smith, vatore rwendo rwavo vaende kunzvimbo imwecheteyo nenzira yekuDetroit.

9 Uye regai vafambe kubvira ikoko vachiparidza izwi munzira, vasina chimwe chavanotaura kunze kweizvo zvakanyorwa nevaporofita nevaapositori, nezvavakadzidziswa neMweya Munyaradzi kuburikidza nemunamato werutendo.

10 Regai vaende vari vaviri vaviri, uye zvakadaro regai vaparidze munzira kumakungano ose, vachibhabhatidza nemvura, nekugadza maoko vari murutivi memvura.

11 Nokuti vanodaro Ishe, ndichadimburira basa rangu mukururama, nokuti mazuva ari kuuya ayo ndichatumira kutonga muhukundi.

12 Uye regai muranda wangu Lyman Wight achenjere, nokuti Satani ari kuda kumusefa sehundi.

13 Uye tarisai, uyo anotendeka achaitwa mutongi wezvinhu zvakawanda.

14 Uye zvakare, ndichakupai zvekutevedza muzvinhu zvose, kuti musazonyengedzwa; nokuti Satani ari kwose munyika, uye anoenda achinyengedza marudzi—

15 Nokudaro uyo anonamata, uyo ane mweya wakazvirereka, mumwecheteyo anotambirwa neni kana akateerera zvisungo zvangu.

16 Uyo anotaura, ane mweya wokuzvirereka, ane mutauro wakanyorova uye unosimudzira, mumwecheteyo ndewaMwari kana akateerera zvisungo zvangu.

17 Uye zvakare, uyo anobvunda pasi pesimba rangu achasimbiswa, uye achaunza michero yekurumbidza neungwaru, maererano nezvakazarurwa nechokwadi chandakakupai.

18 Uye zvakare, uyo anokurirwa uye otadza kuunza michero, kunyange maererano nechiratidzo ichi, haasi wangu.

19 Nokudaro, netsika iyi muchaziva yose mweya muzvinhu zvose pasi pematenga ose.

20 Uye mazuva anouya; maererano nerutendo rwevanhu zvichaitwa kwavari.

21 Tarisai, murairo uyu unopihwa kumagosa ose andasarudza.

22 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu Thomas B. Marsh nemuranda wangu Ezra Thayre vaende rwendo rwavowo, vachiparidza shoko munzira kuenda kunyika imwecheteyo.

23 Uye zvakare, regai muranda wangu Isaac Morley nemuranda wangu Ezra Booth vatore rwendo rwavo, naivowo vachiparidza izwi munzira kuenda kunyika imwecheteyo.

24 Uye zvakare, regai varanda vangu Edward Partridge naMartin Harris vaende rwendo rwavo nevaranda vangu Sidney Rigdon naJoseph Smith, Mwana.

25 Regai varanda vangu David Whitmer naHarvey Whitlock vatorewo rwendo rwavo, uye vaparidze munzira vachienda kunzvimbo imwecheteyo.

26 Uye regai varanda vangu Parley P. Pratt naOrson Pratt vaende rwendo rwavo, uye vaparidze munzira, kuenda kune nyika imwecheteyo.

27 Uye regai varanda vangu Solomon Hancock naSimeon Carter naivowo vaende rwendo rwavo kunyika imwechete iyoyi, uye vaparidze vari munzira.

28 Regai varanda vangu Edson Fuller naJacob Scott naivowo vaende rwendo rwavo.

29 Regai varanda vangu Levi W. Hancock naZebedee Coltrin naivowo vaende rwendo rwavo.

30 Regai varanda vangu Reynolds Cahoon na Samuel H. Smith naivowo vaende rwendo rwavo.

31 Regai varanda vangu Wheeler Baldwin naWilliam Carter naivowo vaende rwendo rwavo.

32 Uye murege varanda vangu Newel Knight naSelah J. Griffin vose vagadzwe uye, naivowo vatore rwendo rwavo.

33 Hongu, zvirokwazvo ndinoti, regai vose ava vaende nzendo dzavo kunzvimbo imwechete, munzira dzavo dzakawanda, uye hakuna munhu mumwechete achavakira pahwaro hwemumwe, kana kufamba gwara remumwe.

34 Uyo akatendeka, mumwecheteyo achachengetwa uye nokuropafadzwa nemichero yakawanda.

35 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, regai varanda vangu Joseph Wakefield naSolomon Humphrey vaende rwendo rwavo kunyika dziri kumabvazuva;

36 Regai vashande nemhuri dzavo, pasina chimwe chavanotaura kunze kweizvo zvevaporofita nevaapositori, izvo zvavakaona nezvavakanzwa neizvo zvavanotenda mazviri zvizere, kuti huporofita huzadzikiswe.

37 Pamusana pekutadza, regai izvo zvakaiswa pana Heman Basset azvitorerwe kubva kwaari, uye zviiswe pamusoro paSimonds Ryder.

38 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai Jared Carter agadzwe semupirisita uye naGeorge James zvakare agadzwe semupirisita.

39 Regai vasara vemagosa vachengete chechi, uye vataure shoko kumatunhu akavatenderedza; uye murege vashande nemaoko avo kuti parege kuva nekunamatwa kwezvifananidzo kana kuitwa kwezvakaipa.

40 Uye murangarire muzvinhu zvose varombo nevanoshaya, varwere nevanonetsekana, nokuti uyo asingaite zvinhu izvi, haazi mudzidzi wangu.

41 Uye zvakare, regai varanda vangu Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon naEdward Partridge vatore gwaro rekuvasuma kubva kuchechi. Uye regai pave nerimwe rinotorerwawo muranda wangu Oliver Cowdery.

42 Uye zvakadaro, kunyangwe sezvandakataura, kana muri makatendeka muchaungana pamwechete kuti mufare pamusoro penyika yeMissouri iyo iri nyika yenhaka yenyu, iri parizvino nyika yevavengi venyu.

43 Asi tarisai, ini Ishe, ndichakurumidzisa kuvakwa kweguta munguva yaro, uye ndigopfekedza korona kune vane rutendo nerufaro uye nokupemberera.

44 Tarisai, ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, uye ndichavasimudza muzuva rekupedzisira. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.