Chikamu 136
Izwi uye nechido chaIshe, chakapihwa kuburikidza naMutungamiri Brigham Young paWinter Quarters, musasa weIsraeri, Dunhu reOmaha, pamahombekombe ekumadokero eRwizi rweMissouri, pedyo neCouncil Bluffs, lowa (Journal History of the Church [Zvinyorwa zveNhoroondo yeChechi], 14Â Ndira, 1847).
1–16, Kuti musasa weIsraeri ucharongwa sei parwendo kuenda kumadokero zvinotsanangurwa; 17–27, Vatendi vanorairwa kuti, vagare mumirau yakawanda yevhangeri; 28–33, Vatendi vanofanira kuimba, kutamba, kunamata, uye nokudzidza ungwaru; 34–42, Vaporofita vanopondwa kuitira kuti vagokudzwa uye vakaipa vachitongwa.
1 Izwi nechido chaIshe nezveMusasa waIsraeri munzendo dzavo dzekuenda kumadokero:
2 Vanhu vose veChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, uye neavo vanofamba navo, ngavazviise muzvikwata, vaine chibvumirano nechivimbiso chekuchengeta yose mirairo nemirau yaIshe Mwari vedu.
3 Zvikwata ngazvirongwe zviine vatungamiri vemazana, vatungamiri vemakumi mashanu, nevatungamiri vemakumi, paine mukuru nemakurokota ake maviri pamusoro pavo, vari pasi peVaapositori vaneGumi neVaviri.
4 Uye ichi ndicho chibvumirano chedu—kuti tichafamba tiri mune zvisungo zvose zvaIshe.
5 Regai chikwata chega-chega chizvimisire zvose zvipani zvacho chega, ngoro zvekudya zvipfeko, uye nezvimwe zvinodiwa parwendo, zvavanokwanisa.
6 Kana zvikwata zvarongwa ngazvishande nesimba razvo, kugadzirira avo varikusara.
7 Regai chikwata chega-chega, nevatungamiri vacho nevakuru, vafunge kuti vangani vangaende muchirimo chinotevera; zvino vosarudza varume vakasimba uye vane unyanzvi, kuti vatore zvipani, mbeu, nemidziyo inodiwa pakurima, kuenda sevavaruri kuti vanogadzirira kudyara mbeu dzezhizha.
8 Regai chikwata chega-chega chitakure zvakaenzana, maererano nekukura kwakaita midziyo yavo, mukutora varombo, shirikadzi, vasina madzibaba, nemhuri dzeavo vakaenda kuchiuto, kuti kuchema kweshirikadzi nevasina madzibaba, kurege kukwira kunzeve dzaIshe pamusana pevanhu ava.
9 Regai chikwata chega-chega chigadzire dzimba, neminda yekurima mbeu, kuitira avo vari kusara mwaka uno; uye ichi ndicho chido chaIshe maererano nevanhu vavo.
10 Regai munhu wose ashandise rwose ruzivo rwake nezvaainazvo kubvisa vanhu ava achivaendesa kunzvimbo uko Ishe vachamisa hoko yeZioni.
11 Uye kana mukaita nemwoyo wakachena, nokutendeka kose, mucharopafadzwa; mucharopafadzwa muhwai dzenyu, nemumombe dzenyu, nemuminda yenyu, nemudzimba dzenyu, nemumhuri dzenyu.
12 Regai varanda vangu Ezra T. Benson naErastus Snow varonge chikwata.
13 Uye regai varanda vangu Orson Pratt naWilford Woodruff varonge chikwata.
14 Zvakare, regai varanda vangu Amasa Lyman naGeorge A. Smith varonge chikwata.
15 Uye vadome vakuru, nevatungamiri vemazana neve makumi mashanu, nevemakumi.
16 Uye regai varanda vangu avo vadomwa vaende vanodzidzisa ichi, chido changu, kuvatendi, kuti vagova vakagadzirira kuenda kunyika yerunyararo.
17 Endai munzira menyu uye muite sezvandakutaurirai, uye musatye vavengi venyu; nokuti havachazowana simba rekumisa basa rangu.
18 Zioni ichanunurwa munguva yangu kana yasvika.
19 Uye kana ani zvake munhu akatsvaka kuzvivaka iye pachake, uye akasatsvaka kuraira kwangu, haazove nesimba, uye hurema hwake huchaiswa pachena.
20 Tsvakai imi; uye muchengete zvamakatsidzirana mumwe nomumwe; uye musachive icho chehama yenyu.
21 Zvibvisei kune zvakaipa kutora zita raIshe pasina, nokuti ndini Ishe Mwari vako, kunyangwe Mwari vemadzibaba ako, Mwari vaAbrahama, naIsaka naJakobo.
22 Ndini iye akatungamira vana veIsraeri kubva munyika yeEgipita; uye ruoko rwangu rwakatambanudzwa mumazuva ekupedzisira, kuti ndiponese vanhu vangu veIsraeri.
23 Regai kukakavadzana; regai kutaura zvakaipa pamusoro pemumwe.
24 Regai hudhakwa; uye regai mazwi enyu ave anoita kuti musimbisane.
25 Kana mukakwereta kumuvakidzani wenyu, muchadzorera icho chamakwereta; kana musingakwanise kubhadhahara zvino endai pakarepo uye munotaurirana nemuvakidzani wenyu, potse asazokubatai nemhosva.
26 Kana mukawana icho chakaraswa nemuvakidzani wenyu, muchashingaira kumutsvaga kudakara manochipa kwaari.
27 Muchashingaira kuchengeta izvo zvamuinazvo kuti muve mutariri akangwara; nokuti chipo chemahara chaIshe Mwari venyu, uye imi ndimi mutariri wavo.
28 Kana makafara, rumbidzai Ishe nokuimba, nenziyo nekutamba, nomunamato wekurumbidza nokutenda.
29 Kana makasuwa daidzirai kuna Ishe Mwari venyu nemunamato kuti mweya yenyu ive nemufaro.
30 Musatye vavengi venyu, nokuti vari mumaoko angu, uye ndichaita zvandinoda navo.
31 Vanhu vangu vanofanira kuyedzwa muzvinhu zvose kuti vagokwanisa kugashira kubwinya kwandiinako, kana kubwinya kweZioni; uye uyo asingadi kurangwa haakodzere umambo hwangu.
32 Regai uyo asingazive adzidze ungwaru nokuzvininipisa nokudaidza Ishe Mwari wavo, kuti maziso ake avhurwe kuti aone, nenzeve dzake dzivhurwe kuti anzwe;
33 Nokuti Mweya wangu wakatumwa munyika kuti upe chiedza kune vakazvininipisa nevakatyoka, uye kuitira kutongwa kwevasina humwari.
34 Hama dzako dzakurambai neuchapupu hwenyu, kunyangwe rudzi urwo rwakutandai;
35 Uye zvino kunouya zuva redambudziko ravo, kunyangwe mazuva ekusuwa, semukadzi anorwadziwa nemimba; uye kusuwa kwavo kuchakura kunze kwekunge vatendeuka nokukurumidza, hongu, nokukurumidza chaizvo.
36 Nokuti vakauraya vaporofita, neavo vakanga vatumirwa kwavari; uye vakadeura ropa risina mhosva, iro riri kuvachemera kubva pasi.
37 Naizvozvo, musashamiswe nezvinhu izvi, nokuti imi hamusati machena; hamusati mave kugona kutakura kubwinya kwangu; asi muchakuona kana muri munotendeka mukuchengeta ose mazwi angu ayo andakakupai, kubvira kumazuva aAdama kusvika kuna Abrahama, kubva kunaAbrahama kusvika kuna Mosesi, kubva kuna Mosesi kusvika kuna Jesu neVaapositori vake, uye kubva kuna Jesu neVaapositori vake kusvika kuna Joseph Smith, uyo andakadaidza nengirozi dzangu, varanda vangu vekushandira, nezwi rangu kubva mumatenga, kuti aunze basa rangu;
38 Huri hwaro hwaakahwarika, uye achitendeka; uye ndikamutora kwandiri.
39 Vazhinji vakashamiswa pamusoro perufu rwake; asi ndozvaidiwa kuti asimbise uchapupu hwake neropa rake, kuti iye agokudzwa uye vakaipa vagotongwa.
40 Handina kukubvisai here kuvavengi venyu, zvekuti ndakasiya uchapupu hwezita rangu?
41 Zvino, naizvozvo, teererai, imi vanhu vechechi yangu; uye nemi magosa teererai pamwechete; magashira umambo hwangu.
42 Shingirirai mukuchengeta yose mirairo yangu, potse kutongwa kungauya pamuri, uye kutenda kwenyu kukakundikana, uye vavengi venyu vokukurirai. Saka kwazvino hapasisina. Ameni naAmeni.