Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Nifai nemaMahwendefa eNdarira


“Nifai nemaHwendefa eNdarira,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

1 Nifai 4–5

Nifai nemaMahwendefa eNdarira

Kudzidza kutevera Mweya

Mufananidzo
Nifai achisvika pachivako uye madzikoma akatarira

Ramani, Remueri, Samu, naNifai vakadzokera kuJerusarema usiku. Nifai akaenda kuimba yaRabani, apo madzikoma ake paaiva akavanda kunze kweguta.

1 Nifai 4:4–5

Mufananidzo
Nifai akatarisa Rabani aripasi

Nifai akatendera kuti Mweya umutungamirire. Aiva asingazivi zvaifanira kuita, asi aiziva kuti Ishe vaizomubatsira kutora mahwendefa endarira.

1 Nifai 4:6

Mufananidzo
Nifai akabata munondo waRabani

Apo Nifai paakasvika pedyo neimba yaRabani, akawana Rabani aripasi. Rabani aiva akadhakwa. Nifai akaona munondo waRabani uye akausumudza.

1 Nifai 4:7–9

Mufananidzo
Nifai achifuratira kubva panaRabani

Apo Nifai paakatarisa munondo, Mweya wakamuudza kuti auraye Rabani. Asi Nifai aiva asingadi kumuuraya. Mweya wakaudza Nifai kuti zvaiva nani kuti Rabani afe pane kuti mhuri yaNifai isave nemagwaro matsvene. Vaida mirairo yaMwari yaiva yakanyorwa pamahwendefa endarira.

1 Nifai 4:10–11, 13–17

Mufananidzo
Nifai achinamata

Nifai aiziva kuti Rabani akanga aedza kumuuraya. Rabani akanga abawo pfuma yavo uye airamba kuteerera mirairo yaMwari.

1 Nifai 4:11

Mufananidzo
Nifai akapfeka mbatya dzaRabani

Mweya wakaudza Nifai kuti auraye Rabani. Nifai akaziva kuti Ishe vakanga vagadzira nzira yekuti atore mahwendefa endarira. Akasarudza kuteerera Mweya. Nifai akauraya Rabani uye uye apfeka mbatya dzaRabani.

1 Nifai 4:12–13, 17–19

Mufananidzo
Nifai achitaura naZoramu

Nifai zvino akaenda kuimba yaRabani uye akanosangana nemuranda waRabani ainzi Zoramu. Nifai aiita uye aitaura saRabani.

1 Nifai 4:20–23, 35

Mufananidzo
Zoramu akabata mahwendefa endarira

Nifai akaudza Zoramu kuti aida mahwendefa endarira. Zvino Nifai akaudza Zoramu kuti amutevere. Zoramu akafunga kuti Nifai akanga ari Rabani, saka akaita zvaidiwa naNifai.

1 Nifai 4:24–26

Mufananidzo
madzikoma achitiza kubva kuna Nifai

Apo Nifai naZoramu pavakabuda muguta, Ramani, Remueri, naSamu vakafunga kuti Nifai aiva Rabani. Vakatya uye vakatanga kutiza.

1 Nifai 4:28

Mufananidzo
madzikoma nemunun’una vachitaura uye Zoramu akatarira kumashure

Nifai akadeedzera kumadzikoma ake. Apo pavakaziva kuti ndiNifai, vakarega kutiza. Asi zvino Zoramu akatanga kutya uye akaedza kudzokera muJerusarema.

1 Nifai 4:29–30

Mufananidzo
Nifai achitaura naZoramu

Nifai akamisa Zoramu. Akaudza Zoramu kuti Ishe vakanga vavaraira kuti vatore mahwendefa endarira. Akakoka Zoramu kuti aende navo kunyika yechipikirwa. Zoramu akaziva kuti aikwanisa kuva munhu akasununguka, kwete muranda, uye akavimbisa kuenda naNifai nemhuri yake.

1 Nifai 4:31–37

Mufananidzo
Nifai namadzikoma ake naZoramu vachikwazisa Saria naRihai.

Vakafamba kudzokera kuna Rihai naSaria. Rihai naSaria vakafara zvikuru kuona vanakomana vavo. Saria akanga afunga kuti vanakomana vake vaiva vafa. Nokuti Ishe vaiva vachengetedza vanakomana vake, zvino akanga ave nechivimbo chekuti mhuri yavo yakanga yarairwa kuti ibude muJerusarema. Mhuri yaRihai naSaria yakapira zvibairo kutenda Ishe.

1 Nifai 4:38; 5:1–9

Mufananidzo
Rihai achiverenga mahwendefa endarira nemhuri yake

Rihai akaverenga mahwendefa endaria. Akaona kuti mahwendefa aiva nezvidzidziso zvavaporofita. Akadzidzawo kuti mumwe wamadzitateguru ake aiva Josefa, uyo akatengeswa muEjipita namadzikoma ake kare kare. Rihai akaziva kuti mahwendefa endarira aiva akakoshesesa. Akaziva kuti Ishe vaida kuti mhuri yake ive nemirairo.

1 Nifai 5:10–22

Dhinda