Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Enosi


“Enosi,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

“Enosi,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni

Enosi 1

Enosi

Munamato unesimba kuna Ishe

Mufananidzo
Enosi achivhima

Jakobo akapa mahwendefa kumwanakomana wake Enosi. Enosi akanyora paari sezvakaitwa naJakobo. Rimwe zuva, Enosi akaenda kunovhima musango. Akarangarira izvo zvakadzidziswa nababa vake pamusoro paIshe. Jakobo akanga adzidzisa Enosi kuti kutevera Ishe kwaizomupa mufaro.

Jakobo 7:27; Enosi 1:2–3

Mufananidzo
Enosi achinamata masikati

Enosi aida kunzwa mufaro uyo waiva wataurwa nezvawo nababa vake. Akasarudza kunamata kuna Ishe. Akanamata kwezuva rose uye kusvikira usiku.

Enosi 1:3–4

Mufananidzo
Enosi akatarisa kudenga

Ishe vakaudza Enosi kuti zvivi zvake zvaiva zvaregererwa. Enosi akanzwa kufara zvikuru. Enosi akaropafadzwa nokuda kwerutendo rwake muna Jesu Kristu.

Enosi 1:3, 5–8

Mufananidzo
Enosi achinamata usiku

Enosi aida kuti vaNifai vanzwewo mufaro uyu. Akaramba achinamata. Akakumbira Ishe kuti vaNifai vanzwewo mufaro mumwechetewo.

Enosi 1:9

Mufananidzo
Enosi achiratidza kufara

Ishe vakaudza Enosi kuti Vaizova nevaNifai kana vakachengeta mirairo Yavo. Apo Enosi paakanzwa izvi, rutendo rwake muna Ishe rwakanyanya kusimba.

Enosi 1:10–11

Mufananidzo
Enosi achinyora pamahwendefa egoridhe

Enosi akanamata zvakare. Akakumbira Ishe kuti varopafadze vaRamani uye kuti vachengetedze zvinyorwa zvaiva pamahwendefa. Aida kuti vaRamani vazokwanisa kuverenga mahwendefa acho uye vagotenda muna Ishe. Ishe vakavimbisa Enosi kuti vaRamani vaizoverenga zvinyorwa nerimwe zuva.

Enosi 1:11–17

Dhinda