Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Aruma, Amureki, naZizromu


“Aruma, Amureki, naZizromu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 4–12

Aruma, Amureki, naZizromu

Kusarudza kutenda muna uye kuteerera Mwari

Mufananidzo
Aruma anorwiswa navanhu

Aruma akaona kuti nhengo dzakawanda dzeChechi dzakanga dzisingateereri mirairo yaMwari. Saka Aruma akaenda kubva kuguta nokuguta achidzidzisa shoko raMwari. Vanhu vazhinji vakatendeuka. Zvino Aruma akasvika muguta rainzi Amoniha. Vanhu vaimomo havana kumuteerera. Vakamusvipira uye vakamutandanisa kubva muguta.

Aruma 4:11–20; 5–7; 8:1–13

Mufananidzo
ngirozi ichitaura kuna Aruma

Aruma akasuwa apo paakabva muguta. Ainetsekana pamusoro pavanhu ava. Zvino ngirozi yakauya kwaari. Ngirozi yakati Aruma aikwanisa kufara nokuda kwokuti akanga ateerera Mwari. Ngirozi yakaudza Aruma kuti adzokere kuguta uye anoyambira vanhu. Kana vakasatendeuka, vaizoparadzwa. Aruma akakurumidza kudzokera.

Aruma 8:14–18

Mufananidzo
Aruma achitaura kuna Amureki

Apo Aruma paakasvika muguta, aiva nenzara zvikuru. Akanga atsanya kwamazuva mazhinji. Aruma akakumbira murume ainzi Amureki zvokudya.

Aruma 8:19, 26

Mufananidzo
Amureki achikoka Aruma kuti apinde mumba

Amureki akaudza Aruma pamusoro pechiratidzo chaakanga aona. Muchiratidzo, ngirozi yakaudza Amureki kuti Aruma aiva muporofita waMwari. Amureki aida kubatsira Aruma.

Aruma 8:20

Mufananidzo
Aruma achikwazisa mhuri yaAmureki

Amureki akaenda naAruma kumba uye akamupa zvokudya kuti adye. Aruma akagara pamusha paAmureki kwemazuva mazhinji. Mwari vakaropafadza Amureki nemhuri yake. Pashure, Mwari vakaudza Aruma naAmureki kuti vaudze vanhu muguta kuti vatendeuke. Aruma naAmureki vakateerera. Mwari vakavapa simba Ravo kuvabatsira kudzidzisa.

Aruma 8:21–32; 9–13

Mufananidzo
Zizromu achipa mari

Mumwe wevanhu vakavanzwa vachidzidzisa ainzi Zizromu. Aiva akangwara zvikuru uye aida kunyengedza Aruma naAmureki. Zizromu akaudza Amureki kuti aizomupa mari yakawanda kana akati Mwari vaiva vasiri vechokwadi. Aida kuti Amureki anyepe kuitira kuti vanhu vasatenda izvo zvaidzidziswa naAmureki naAruma.

Aruma 10:29–32; 11:21–25; 12:4–6

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachitaura kuna Zizromu

Asi Amureki akaramba kunyepa pamusoro paMwari. Akati Mwari vaiva vechokwadi. Amureki naAruma vaiziva pfungwa dzaZizromu. Zizromu akakatyamadzwa uye akavabvunza mibvunzo yakawanda. Vakadzidzisa Zizromu kuti Mwari vane chirongwa chavanhu vose. Zizromu akatenda izvo zvakadzidziswa naAruma naAmureki pamusoro paMwari naJesu Kritsu.

Aruma 11:23–46; 12:1–18, 24–34; 14:6–7; 15:6–7

Mufananidzo
Zizromu achifamba naAruma naAmureki

Zizromu akava neurombo zvikuru nokuda kwezvinhu zvakashata zvaakanga aita. Akatanga kurwara. Aruma naAmureki vakamushanyira. Aruma akati Zizromu aikwanisa kuporeswa nokuda kwerutendo rwaZizromu muna Jesu. Aruma akakumbira Mwari kuti vamuporese. Zizromu akakwakuka kumira netsoka dzake. Aiva aporeswa! Akabhabhatidzwa uye akadzidzisa vanhu kweupenyu hwake hwose.

Aruma 15:1–12; 31:6, 32

Dhinda