Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Jesu Anoshanyira Vanhu


“Jesu Anoshanyira Vanhu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

3 Nifai 7–11

3:33

Jesu Anoshanyira Vanhu

Kubatsira munhu woga woga kuti atende maAri

mhuri inotarisa kudenga, uye vamwe vanhu vari muguta vanoitirana nharo

Vanhu vakawanda vakaramba kuteera kuvaporofita vaMwari. Asi vamwe vanhu vakatenda izvo zvaidzidziswa nevaporofita. Vatendi ava vakamirira zviratidzo zvokufa kwaJesu Kristu.

3 Nifai 7:16–26; 8:1–4

mheni, madutu, mafashamo, kundengendeka kwenyika, uye nemoto zvakaparadza guta

Mushure mokunge Jesu afa muJerusarema, zviratidzo zvakatanga. MumaAmerica, maiva nemadutu, kundengendeka kwenyika, uye moto kwemaawa matatu. Maguta akaparadzwa, uye vanhu vakawanda vakafa. Zvino kwakava nerima guru kwamazuva matatu.

3 Nifai 8:5–19, 23

mumwe munhu anoedza kubatidza moto, asi unoramba kubatira uye kune rima kwose kwose

Rima rakanga riri gurusa zvokuti vanhu vakanga vasingakwanisi kuona zuva, mwedzi, kana nyeredzi. Vakanga vasingakwanisi kana kubatidza moto kana makenduru.

3 Nifai 8:20–23

kuchine rima, vanhu vanobatsirana nemuchivako chakaputsika, uye munhu anochema nokunamata

Vanhu vakawanda vaiva vachiri vapenyu vaiva vakasuwa zvikuru uye vachitya. Vakachema uye vakazvidemba nokuti vakanga vasina kutendeuka nekukurumidza.

3 Nifai 8:24–25

kuchine rima, vanhu vanotarisa kudenga, uye munhu ainamata arega kuchema

Pakarepo, vakanzwa inzwi. Aiva Jesu aitaura kwavari. Akavimbisa kuporesa vanhu vose vanotendeuka. Jesu akavataurira kuti akanga afa uye akadzoka kuupenyu kuti agobatsira vanhu vose. Vanhu vakashamiswa zvikuru zvokuti vakarega kuchema. Kwakava nerunyararo panyika kwemaawa akawanda.

3 Nifai 9; 10:1–2

mhuri dzakagara mumadenderedzwa dzichinyemwerera, uye hakusisina kusviba

Jesu akataura zvakare. Akaudza vanhu kuti Aizovabatsira kana vakasarudza kuMutevera. Rima rakaenda, uye nyika yakarega kundengendeka. Vanhu vakafara uye vakarumbidza Jesu.

3 Nifai 10:3–10

boka guru ravanhu rinoungana rakakomberedza temberi, uye vanotarisa mudenga apo makore matema paanotanga kuratidza chiedza

Mushure megore rimwechete, vanhu vakawanda vakauya kutemberi munyika yaMaguta. Vakataura pamusoro paJesu uye nezviratidzo zvokufa Kwake. Apo pavaitaura, vakanzwa inzwi rakanyarara raibva kudenga. Pakutanga, havana kukwanisa kurinzwisisa. Zvino vakarinzwa zvakare.

3 Nifai 8:5; 10:18; 11:1–4

Jesu Kristu akadzika kubva kudenga, uye vanhu vanofara uye vanoMugamuchira

Pavakanzwa inzwi kechitatu, vakatarisa kudenga. Vaiva Baba Vokudenga vaitaura. Vakataurira vanhu kuti vaone uye vateerere Mwanakomana Vavo. Zvino vanhu vakaona murume ari munguwo chena achidzika pasi kubva kudenga.

3 Nifai 11:5–8

Jesu Kristu anomira pakati pavanhu, uye vanhu vanouya kwaAri kuzobata mavanga ezvipikiri muzvanza Zvake

Murume wacho akamira pakati pavanhu uye akati “Ndini Jesu Kristu.” Vanhu vakavira pasi. Jesu akavataurira kuti akanga atambudzikira nokufira munhu wose. Akakoka vanhu kuti vabate mavanga ari mumaoko Ake, mutsoka Dzake, nepadivi Pake kuitira kuti vagoziva kuti Ndiye Muponesi wenyika yose.

3 Nifai 11:8–14

Jesu Kristu anogara pamanera etemberi, vanhu vanouya kwaAri uye vobata mavanga ezvipikiri muzvanza Zvake

Vanhu vakauya kuna Jesu mumwe nomumwe. Vakazvionera nemaziso avo pachavo uye vakabata nemaoko avo pachavo mavanga aiva mumaoko Ake, mutsoka Dzake, uye nepadivi Pake. Vakaziva kuti Ndiye akanzi navaporofita aizouya. Vakaziva kuti Ndiye Muponesi wenyika. Vanhu vakawira patsoka dzaJesu uye vakaMunamata.

3 Nifai 11:15–17