“Mormoni Muporofita,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)
Mashoko aMormoni 1; Mormoni 1–8
Mormoni Muporofita
Achinyora Bhuku raMormoni
Mormoni aiva muNifai aitenda muna Jesu Kristu. Akakura panguva iyo vanhu vakawanda pavakanga vasingateereri mirairo yaMwari. Vanhu vaipamba uye vaiurayirana mari nesimba. Kwaiva nehondo zhinji.
3 Nifai 5:12–13; 4 Nifai 1:27–49; Mormon 1:1–3, 15, 18–19
Apo Mormoni paaiva nemakore gumi, murume ainzi Amaroni akauya kwaari. Amaroni akachengeta rondedzero dzenhoroondo yavaNifai. Amaroni akavimba naMormoni uye akamuudza kuti rondedzero idzi dzaiva dzakavigwa muchikomo. Amaroni akati apo Mormoni paanenge ava nemakore makumi maviri nemana, Mormoni aifanira kunyora zvaakanga aona pamusoro pavanhu vavo uye ozviwedzera kurondedzero dzacho.
4 Nifai 1:47–49; Mormoni 1:2–4
Apo Mormoni paiva achikura, akarangarira zvaakakumbirwa naAmaroni kuti aite. Mormoni paakanga ava namakore gumi nemashanu, akashanyirwa naIshe. Mormoni akadzidza pamusoro perunako rwaJesu.
Kunyangwe zvazvo Mormoni aiva mudoko, aiva akasimba. VaNifai vakamusarudza kuti atungamirire mauto avo. Mormoni aida vanhu nomwoyo wake wose. Aida kuti vateerere Mwari uye vave nomufaro.
Mormoni 2:1–2, 12, 15, 19; 3:12
Mormoni akaedza kubatsira vanhu. Akavanamatira zuva nezuva. Vanhu vaiziva kuti vaiva vachiita zvinhu zvakaipa, asi havana kuda kutendeuka. Vakanga vasisina simba raMwari kuti rivabatsire zvakare. Nokuda kwokuti vakanga vasisina rutendo, zvishamiso zvakanga zvamira. Vakaenderera mberi nokurwa, uye vakawanda vavo vakafa. Mormoni akasuwa.
Mormoni 1:13–14, 16–19; 2:23–27; 3:1–12; 4:5, 9–12; 5:1–7
Apo Mormoni paakanga ava namakore makumi maviri namana, akaenda kuchikomo uko kwakanga kwakawigwa rondedzero. Akatanga kunyora nyaya nedzidziso dzavanhu pamahwendefa esimbi. Mwari vakamubatsira kuziva zvaaifanira kunyora. Mormoni akashanda parondedzero kwemakore mazhinji. Nhasi, rondedzero yacho inodaidzwa kunzi Bhuku raMormoni.
Mashoko aMormoni 1:3–9; Mormoni 1:3–4; 2:17–18
Mushure mehondo dzakawanda, vaRamani vakanga vauraya vangangoita vaNifai vose. Mormoni aiziva kuti vanhu vake vaizoparadzwa munguva pfupi. Akasuwa nokuda kwokuti vakanga vasina kutendeuka uye nokukumbira Mwari rubatsiro. Asi akanamata uye akakumbira Mwari kuti vachengetedze mahwendefa. Aiziva kuti mahwendefa aizochengetedzwa nokuda kwokuti akanga aine shoko raMwari paari.
Mashoko aMormon 1:11; Mormoni 5:11; 6:6, 16–22
Mormoni aida kuti vanhu vatende muna Jesu. Akatarisira kuti vanhu vakawanda vaizoverenga bhuku racho muneramangwana. Ainyanya kuda kuti mhuri dzavaRamani dziriverenge nerimwe zuva. Kana vakadaro, vaizodzidza pamusoro paJesu. Mormoni asati afa, akapa rondedzero kumwanakomana wake Moronai kuitira kuti rigochengetedzeka.
Mashoko aMormoni 1:1–2; Mormoni 3:17–22; 5:8–24; 6:6; 7; 8:1