“Moronai Muporofita,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni 2023)
Moronai Muporofita
Kuva nerudo rutsvene rwaJesu Kristu
Moronai aiva muporofita wechiNifai wokupedzisira. Akarwa muhondo huru pakati pavaNifai nevaRamani. Mhuri yake uye navanhu vose vaaiziva vakafira muhondo. Vanhu vaiva munyika yacho vakanga vakaipa. Vakauraya vanhu vose vaitenda muna Jesu Kristu. Moronai aitenda muna Jesu. Akanga asingarambi kuti Jesu ndiye Muponesi.
Baba vaMoronai, Mormoni, vakanga vanyora nhoroondo yavanhu vavo pamahwendefa esimbi. Mormoni asati afa, akapa mahwendefa kuna Moronai. Moroni aifanira kuvanda kuti achengetedze upenyu hwake uye nemahwendefa.
Mormoni 6:6; 8:1–5, 13; Moronai 1:1–3
Upenyu hwaiva hwakaoma kuna Moronai, asi akaramba akatendeka. Akanyora pasi izvo zvakadzidziswa naMormoni pamusoro petsitsi, rudo rutsvene rwaKristu. Mormoni akati vanhu vanofanhira kunamata kuna Mwari nesimba rose romwoyo yavo kuti vawane rudo urwu. Akati Mwari vanopa tsitsi kuna avo vanotevera Jesu zvechokwadi.
Moronai 7:32–33, 40–48; 10:20–21, 23
Moronai aida vaRamani kunyangwe zvazvo vamwe vavo vakanga vauraya vanhu vose vaaiziva uye vachida kumuuraya. Akanyora zvinhu zvakawanda pamahwendefa esimbi kubatsira vaRamani mune ramangwana. Akava neruvimbo kuti vaizoverenga rondedzero yacho nerimwe zuva uye votenda muna Jesu zvakare.
Mormoni 8:1–3; Moronai 1:1–4; 10:1
Moronai anokoka vanhu vose avo vanoverenga rondedzero kuti vafunge pamusoro pamachengetero akaita Mwari vana Vavo nerudo rukuru. Akavakoka kunamata uye nokubvunza Mwari kana rondedzero yacho yaiva yechokwadi. Akati kana vaine rutendo muna Jesu uye vachida zvechokwadi kuziva, Mwari vanozovatendera kuziva chokwadi. Vanozoziva kuburikidza nesimba roMweya Mutsvene.
Chisumo kuBhuku raMormoni; Moronai 10:1–5
Moronai akapedza kunyora rondedzero. Zvino akaviga mahwendefa esimbi muvhu. Jesu akaudza Moronai kuti nhoroondo yakanyorwa pahwendefa nerimwe zuva inozokomborera upenyu hwevana vaMwari nepanyika pose.
Pashure pamakore mazhinji, Mwari vakatuma Moronai sengirozi, kuzoratidza mukomana mudoko ainzi Joseph Smith apo paiva pakavigwa mahwendefa esimbi. Joseph akadaidzwa naMwari kuti ave muporofita. Mwari vakabatsira Joseph kududzira mahwendefa acho kuitira kuti vanhu vagokwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa paari. Rondedzero yacho iyezvino inodaidzwa kunzi Bhuku raMormoni.