“Jesu Anodzidzisa Vanhu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)
Jesu Anodzidzisa Vanhu
Kuvabatsira kudzidza vhangeri Rake
Vanhu vemumaAmerica vakafara kuona Jesu Kristu uye nokunzwa Achidzidzisa. Vakanga vakamirira kwemakore akawanda kuuya kweMuponesi.
Jesu akavadzidzisa zvinhu zvakawanda zvakafanana nezvaAkadzidzisa vanhu pedyo neJerusarema. Akavadzidzisa kuti vave norutendo, vatendeuke, uye vabhabhatidzwe. Kana vanhu vakaita izvi, Mwari vanozovatumira Mweya Mutsvene. Jesu akavadzidzisa kuti vanonamata sei. Akavadzidzisa kuti varegerere vamwe. Aida kuti vave muenzaniso kuna vamwe.
3 Nifai 11:31–39; 12:22–24, 44; 13:5–14; 17:8; 18:15–24
Jesu akaudza vanhu kuti vaende kumba uye vanamate kuna Mwari kuti vavabatsire kunzwisisa zvaAkanga avadzidzisa. Akati Aizodzoka muzuva rinotevera.
Usiku ihwohwo, vanhu vakataurira vamwe kuti vakanga vaona Jesu. Vakataura pamusoro pezvaAkanga ataura nekuita. Vanhu vakawanda vakafamba usiku hwose kunoona Jesu.
Muzuva raitevera, vanhu vakaungana navadzidzi gumi navaviri vaJesu. Vadzidzi vakadzidzisa vanhu zvinhu zvose zvakanga zvadzidziswa naJesu. Vakapfugama pasi uye vakanamata.
Zvino Jesu akauya. Akanamatira vadzidzi Vake uye vanhu. Vadzidzi vakanamatawo. Vakatanga kupenya zvakajeka seMuponesi. Jesu akafara. Vadzidzi vakanga vachena nokuda kwerutendo rwawo maAri. Jesu akanamata zvakare, uye vanhu vakaMunzwa achitaura zvinhu zvinoshamisa.
Kwamazuva mashoma aitevera, Jesu akadzidzisa vanhu zvinhu zvizhinji pamusoro pechirongwa chaBaba Vokudenga. Akagoveranawo sakaramende navo. Vanhu vose vaiva munyika yacho vakatenda muna Jesu Kristu uye vakabhabhatidzwa. Vakatambira chipo cheMweya Mutsvene.
Vanhu vakabatsirana uye vakagoverana zvinhu zvose zvavakanga vanazvo. Vakaita zvinhu zvose zvavakanga varairwa naJesu kuti vaite. Vaidaidzwa kunzi Chechi yaKristu. Baba Vokudenga naJesu Kristu vakafara zvikuru navanhu.