“Jesu Anosarudza Vadzidzi Gumi neVaviri,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)
3 Nifai 11; 13; 18
Jesu Anosarudza Vadzidzi Gumi naVaviri
Simba rokudzidzisa nokubhabhatidza
Apo Jesu Kristu paakauya kuguta reMaguta, Akasarudza vanhu gumi nevaviri uye akavapa simba rokudzidzisa nokubhabhatidza. Akavapawo simba rokupa chipo cheMweya Mutsvene. Akavadaidza kuti vadzidzi Vake. Vadzidzi vakaita zvinhu zvavakanga vadzidziswa naJesu kuti vaite.
3 Nifai 11:1, 18–22, 41; 12:1; 15:11–12; 18:36–37
Jesu akadzidzisa vadzidzi Vake kuti vanobhabhatidza sei. Akavataurira mashoko avanofanira kutaura. Akavadzidzisa kuisa munhu pasi pemvura uye nekumubatsira kuti abude zvakare. Jesu akati nguva dzose vanofanira kubhabhatidza nenzira yaAkavadzidzisa. Akavadzidzisawo pamusoro peMweya Mutsvene.
Jesu aida kuti vadzidzi Vake vanzwanane zvakanaka uye vasaitirana nharo. Jesu akati apo pavanoitirana nharo, vanenge vasingateveri dzidziso Dzake.
Jesu akadzidzisa vanhu kutenda maAri, kutendeuka, uye nekubhabhatidzwa kuitira kuti vazokwanisa kugara naBaba Vokudenga zvakare.
Jesu akaudza vadzidzi Vake kuti kana vakatenda maAri, vanotenda muna Baba Vokudengawo. Mweya Mutsvene unozovabatsira kuziva kuti Jesu naBaba Vokudenga ndeve chokwadi.
Apo Jesu paakapedza kudzidzisa vadzidzi Vake, Akavataurira kuti vaende vanodzidzisa vanhu vose. Akati vasanetsekana pamusoro pokuti vanozodyei, vanozonwei, kana kuti vanozopfekei. Akavataurira kuri kana vakashandira Baba Vokudenga, Baba Vokudenga vaizovachengeta.