“Jesu Anoropafadza Vana,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)
Jesu Anoropafadza Vana
Achiratidza rudo Rwake kwavari
Jesu Kristu akanga adzidzisa vanhu zvinhu zvakawanda. Akaona kuti vaida nguva yekufunga pamusoro pezvavakanga vadzidza. Akavakumbira kuti vaende kumba uye vanonamata kuna Baba Vokudenga kuti vanzwisise zvaAkanga avadzidzisa. Zvino Jesu akavimbisa kuzovashanyira zvakare muzuva raiteera.
Vanhu vakachema nokuda kwokuti vaida kuti Jesu agare kwenguva refu. Jesu aida vanhu. Akakwanisa kuona kuti rutendo rwavo rwaiva rwakasimba zvikuru. Akavakumbira kuti vaunze kwaAri munhu upi noupi zvake airwara kana airwadziwa nenzira ipi zvayo. Aida kuporesa mumwe nomumwe wavo.
Vanhu vakauya kwaAri nenhengo dzemhuri dzavo neshamwari dzavo dzairwara. Jesu akaporesa mumwe nomumwe wavo. Vakafara zvikuru. Vakapfugama uye vakatsvoda tsoka Dzake.
Jesu Kristu akavakumbira kuti vaunze vana vavo vadiki kwaAri. Vanhu vakaunza vana vavo uye vakavagadzika pasi vakakomberedza Jesu.
Mushure mokunge vana vose vavapo Naye, Jesu akakumbira kuti vanhu vapfugame pasi. Akapfugamawo. Zvino akanamata kuna Baba Vokudenga. Akataura zvinhu zvinoshamisa zvikuru zvokuti mashoko Ake haana kukwanisa kunyorwa pasi. Vanhu vakazadzwa nomufaro.
Jesu akaudza vanhu kuti vaiva varopafadzwa nokuda kwerutendo rwavo maAri. Jesu akanzwa mufaro wakawanda zvokuti Akatanga kuchema.
Zvino Jesu akaropafadza mwana mumwe nomumwe. Akanamatira mumwe nomumwe wavo kuna Baba Vokudenga. Jesu akaudza vanhu kuti vatarise kuvana vavo.
Ngirozi dzakauya kubva kudenga uye dzikaungana dzakakomberedza vana. Apo ngirozi padzairopafadza vana, chiedza chokudenga chakavakomberedza. Pane rimwe zuva, Jesu akasangana navana uye akavaropafadza zvakare. Akaropafadzawo vana kuti vakwanise kutaura. Kunyangwe vacheche vakataura. Vana vakadzidzisa vabereki vavo zvinhu zvaishamisa.