Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
VaZoramu


“VaZoramu,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 31–35

3:26

VaZoramu

Vachikudza rutendo rwawo muna Jesu Kristu

Amureki, Aruma, Koriandoni, nevamwe vaNifai, vanoenda kuguta

Boka ravanhu vechiNifai rinonzi vaZoramu raiva risichengeti mirairo yaMwari. Izvi zvakaita kuti muporofita Aruma asuwe. Aiziva kuti nzira yakanakisisa yokuvabatsira nayo yaiva yekuvadzidzisa shoko raMwari. Akaenda naAmureki uye navamwe kunovadzidzisa.

Aruma 31:2–11

Aruma naAmureki vanoratidza kusuwa, uye vanhu vakapfeka zvakanaka vanofuratira vanhu vanoshaya

VaZoramu vaiziva pamusoro paMwari asi vakanga vashandura dzidziso Dzavo. Vainamata zvifananidzo. Vaifunga kuti vaiva nani kupfuura vamwe vanhu. Vakanga vaine utsinyewo kuvanhu vakanga vasina mari.

Aruma 31:1, 8–12, 24–25; 32:2–3

vaZoramu vakapfeka zvakanaka vanomira pachikuva chakareba pakati pemhomho uye vanosimudza maoko avo mudenga

VaZoramu vakanga vavaka nzvimbo yakakwirira kuti vamire pakati pemachechi avo. Mumwe nemumwe vakamira pairi uye vakanamata. Vainamata vachishandisa mashoko mamwechetewo nguva dzose. Mumunamato wacho, vaiti Mwari vaiva vasina muviri uye Jesu Kristu aiva asiri wechokwadi. Vakati ivo ndivo chete vanhu vaizoponeswa naMwari.

Aruma 31:12–23

Aruma naAmureki vanotaura nevaZoramu varombo

Aruma aida vaZoramu uye aida kuti vatevere Mwari naJesu. Akanamata uye akakumbira Mwari kuti vamubatsire iye nevamwe avo vakanga vauya naye kuzodzidzisa vaZoramu. Aruma naavo vaiva naye vakazadzwa neMweya Mutsvene. Vakaenda vakanodzidzisa nesimba raMwari.

Aruma 31:24–38; 32:1

vaZoramu varombo vakawanda vanoteerera Aruma, Amureki, uye naZizromu vachidzidzisa

Vamwe vaZoramu vakasuwa. Havana kubvumirwa kupinda mumachechi nokuda kwokuti vakanga vasina mbatya dzakanaka. Vaida kunamata Mwari asi vakanga vasingazivi kuti vonamata sei kana vaiva vasingakwanisi kupinda mumachechi. Vakabvunza Aruma kuti vaifanira kuita sei. Aruma akavadzidzisa kuti Mwari vanonzwa minamato yavo zvisinei nokuti varipi.

Aruma 32:2–12; 33:2–11

Aruma anobata kambeu kaduku uye onongedzera ruva rakareba uye rakanaka nerumwe ruoko rwake

Aruma akati Mwari vaida kuti vanhu vave nerutendo. Akaenzanisa dzidziso dzaMwari nembeu. Kana vanhu vakazodyara dzidziso dzaMwari mumwoyo yavo, mbeu iyoyo yaizokura uye vaizoziva kuti dzidziso dzaMwari ndedze chokwadi. Akati vaingofanira chete kuva nechido chokutenda kuti vatange kushandisa rutendo rwavo.

Aruma 32:12–43

Amureki anotaura, uye padivi pake pane mufananidzo waJesu Kristu achidzidzisa vanhu

Amureki zvino akadzidzisa vanhu pamusoro pechirongwa chaMwari kuvana Vavo. Akavaudza kuti kubudikidza naJesu, vaizokwanisa vose kuregererwa zvivi zvavo. Akavadzidzisawo kunamata kuna Mwari uye akati Mwari aizovabatsira nokuvadzivirira.

Aruma 34

varindi vanotarisa vaZoramu varombo vakawanda vachibuda muguta

Vazhinji vevaZoramu avo vaiva vari varombo vakatenda mune izvo zvakanga zvadzidziswa naAruma naAmureki. Asi vatungamiri vevaZoramu vakashatirwa. Vakamanikidza vatendi vose kubuda muguta.

Aruma 35:1–6

VaAndi-Nifai-Rihai vakagamuchira vaZoramu varombo

Vatendi vakaenda kunogara navaAndi-Nifai-Rihai. VaAndi-Nifai-Rihai vakashumira kwavari, kana kuvashandira, nekuvapa zvokudya, mbatya, uye nenzvimbo.

Aruma 35:9