Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Vanamai veMauto eChidiki


“Vanamai veMauto eChidiki,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 24; 53; 56–57

2:9

Vanamai veMauto eChidiki

Vanodzidzisa vana kuvimba naMwari

vanakomana vachiri kuyaruka vanoteerera apo mai pavanodzizisa uye mwanasikana muduku anotamba pedyo

VaAndi-Nifai-Rihai vanoda Mwari uye nevanhu vose. Vanamai vanodzidzisa vana vavo kuti vanofanira kuvimba muna Mwari nguva dzose. Vakavadzidzisa kuchengeta mirairo Yavo.

Alma 26:31–34; 27:12, 27–30; 56:47–48; 57:21, 26

Hiramani navamwe vaNifai vanotarisa guta rinotya

VaNifai navaRamani vakanga vachirwisana muhondo huru. VaNifai vairwira kudzivirira vanhu vavo uye navaAndi-Nifai-Rihai.

Aruma 48–52; 53:10–13

VaAndi-Nifai-Rihai vanotaura naHiramani nemumwe muNifai

Nokuda kwezvivi zvavo zvakare, vaAndi-Nifai-Rihai vakanga vaita chibvumirano, kana chivimbiso chakakosha, naMwari kuti havaizomborwa nani zvake. Asi vaida vaNifai uye vaida kubatsira.

Aruma 24:6–19; 53:10–13

vanakomana vevaAndi-Nifai Rihai vanotaurirana uye vanotarisa vabereki vavo vachitaura naHiramani uye nemumwe muNifai

VaAndi-Nifai-Rihai vakanga vachida kuenda kunorwa muhondo. Asi muporofita Hiramani uye nevamwe vatungamiriri veChechi vakavapwisa kuti vaifanira kuchengeta chivimbiso chavo chokusarwa. VaAndi-Nifai-Rihai vakatarisa shamwari dzavo dzichisangana nemarwadzo uye nematambudziko akawanda, asi vakachengeta chibvumirano chavo naMwari.

Aruma 53:13–15

vanakomana vanosimudza maoko avo, uye vabereki vavo navaNifai vanoteerera kwavari

Vanakomana vevaAnti-Nifai-Rihai vakanga vasina kuita chivimbiso chakaitwa nevabereki vavo. Zvino vakaita chivimbiso chavo pachavo kuti vaizorwira rusununguko.

Aruma 53:16–17

vanakomana vakatora mapfumo kubva kumusoja wechiNifai, uye vanamai nanababa vavo vanonamata uye vanotarisa

Vaiva neushingi hukuru Vakanga vadzidza kubva kunanamai vao kuti kana vakasashaya chokwadi, Mwari aizovadzivirira.

Aruma 53:20; 56:47

vanakaomana vanopfeka nguwo dzehondo uye vanotaura nanamai uye nanababa vavo, uye Hiramani anopfeka nguwo dzehondo uye anomira pedyo

Vanakomana vakatenda munanamai vavo. Vanakomana vaiva vakatendeka kuna Mwari uye vakachengeta mirairo Yavo. Vakavimba kuti Mwari vaizovachengetedza. Vanamai vavo vaiziva kuti Mwari vaizodzivirira vanakomana vavo.

Aruma 53:20–21; 56:47–48; 57:20–21, 26