“Jaredi neMhuri Yake,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)
Jaredi neMhuri Yake
Rwendo rwakatungamirwa naIshe
Jaredi nemhuri yake vakagara muBaberi zviuru zvemakore Jesu Kristu asati azvarwa. Vakateerera Ishe. Asi vanhu vakawanda muBaberi havana kuteerera Ishe. Vanhu ivavo vakatanga kuvaka shongwe yokuedza kuenda kudenga. Ishe vakashandura mutauro wavanhu vacho kuitira kuti vasakwanisa kunzwisisana.
Jaredi aiva nomukoma wake. Ishe vaivimba nomukoma waJaredi. Jaredi akakumbira mukoma wake kuti anamatire rubatsiro kuna Ishe. Mumunamato wake, mukoma waJaredi akumbira Ishe kuti vasashandura mutauro wemhuri yake neshamwari dzake. Nenzira iyoyo vaizokwanisa kuramba vachinzwisisana.
Ishe vakanga vane rudo nemutsa. Havana kushandura mutauro wemhuri yaJaredi neshamwari dzake. Pashure, Ishe vakaturira mukoma waJaredi kuti Vakanga vavagadzirira nyika yakanaka. Ishe vakati Vaizovatungamirira kunyika iyoyo.
Jaredi nemukoma wake vanounganidza mhuri neshamwari dzavo. Vakaunganidzawo zvipfuyo zvavo uye namarudzi ose embeu. Zvino vakasiya misha yavo uye vakafamba nomurenje. Ishe akavatungamirira kuburikidza nokutaura navo kubva mugore.
Mushure mokufamba rwendo rurefu, vakasvika pagungwa. Vakagara pamahombekombe kwemakore mana. Kwenguva refu, mukoma vaJaredi haana kunamata kuna Ishe.
Ishe vakataurira mukoma waJaredi kuti anamate zvakare. Mukoma waJaredi akatendeuka uye akanamata kuna Ishe. Ishe vakamuregerera
Ishe vakadzidzisa mukoma waJaredi kuvaka zvikepe zvinonzi magwa. Mhuri dzaizokwanisa kukwira magwa acho kuyambuka gungwa kuenda kunyika yechipikirwa.
Mukoma waJaredi nemhuri yake vanovaka magwa. Akaona kuti makanga musina chiedza mukati memagwa. Akabvunza Ishe kana vaizofanira kufamba kuyambuka gungwa varimurima. Ishe vakataurira mukoma waJaredi kuti afunge nzira yokuti zvikepe zvive nechiedza.
Mukoma waJaredi akagadzira mabwe maduku akajeka gumi nematanhatu. Akakumbira Ishe kuti vaabate uye vaite kuti apenye. Ishe vakatambanudza ruoko Rwavo uye vakabata mabwe acho rimwe nerimwe nemunwe Wavo. Mukoma waJaredi akakwanisa kuona munwe waIshe. Akashamiswa kuti Ishe vakanga vane muviri sezvaakanga akaita iye.
Ishe vakati mukoma vaJaredi akanga ane rutendo rukuru. Zvino Ishe vakaonekwa uye vakaratidza muviri Wavo wemweya kumukoma waJaredi. Ishe vakati, “Ndini Jesu Kristu.” Vakati Vaiva vasarudzwa kuva Muponesi. Vakadzidzisa mukoma waJaredi zvimwe zvinhu zvizhinji.
Mukoma waJaredi akadzokera kumhuri yake neshamwari dzake. Akanyora pasi zvaakanga adzidza apo paaiva naIshe. Akaisawo mabwe mumagwa. Vakanga zvino vava nechiedza murwendo rwawo.
Mhuri dzakakwira mumagwa kuyambuka gungwa. Vakavimba naIshe kuti vaizovachengetedza. Maiva nemadutu nemasaisai. Pane dzimwe nguva, mvura yaifushira magwa zvakazara. Asi vainamata, uye Ishe vovadzosera pamusoro pemvura zvakare. Vakaimba dzimbo dzakawanda dzekutenda Ishe.
Mushure menguva ingangoita gore, vakasvika kunyika yavakanga vavimbiswa naIshe. Vakachema nomufaro uye vakaVatenda.