Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Kaputeni Moronai naPahorani


“Kaputeni Moronai naPahorani,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Aruma 59–62

3:14

Kaputeni Moronai naPahorani

Simba kubva kuna Mwari

Kaputeni Moronai anorindira, uye masoja akaneta uye akakuvara anozorora

VaNifai navaRamani vakanga vari muhondo. Moronai ndiye aiva kaputeni wemauto echiNifai. Vatungamiri vechiNifai havana kutumira masoja akakwana kana zvokudya zvakakwana. Moronai akashatirwa uye akanyora tsamba kuna Pahorani, mutungamiri wavaNifai.

Aruma 59:3–13; 60:1, 3–5

Kaputeni Moronai vanonyora tsamba

Mutsamba yake, Moronai akabvunza Pahorani kuti sei asina kutumira rubatsiro. Moronai aifunga kuti Pahorani akanga asina hanya pamusoro pavanhu uye kuti aingoda simba. Moronai aida kuti vanhu vake vasununguke.

Aruma 60

Pahorani anoverenga tsamba yaKaputeni Moronai uye oratidza kusuwa

Pahorani akasuwa kuti mauto akanga asina rubatsiro. Aida kubatsira Moronai, asi akanga asingakwanisi. Vamwe vavaNifai vairwisana naye.

Aruma 61:1–4

VaNifai vakapfeka mbatya dzinoshamisira vakamira parusvingo rweguta vachidaidzira

VaNifai ivavo vaidaidzwa kunzi vanhu vamambo. Vaida kuva nesimba kwavari ivo uye kutonga pamusoro pavanhu. Vakanga vatora hurumende kubva kuna Pahorani.

Aruma 51:5; 61:3–5, 8

Pahorani anonyora tsamba uye anotarisa pamusoro pemusasa

Pahorani aida kuramba achitungamira vaNifai kuitira kuti agokwanisa kuvabatsira. SaMoronai, aida kuti vaNifai vatevere Mwari uye vachengete rusununguko rwavo. Akashuvira kuti dai vaiva vasingafaniri kurwisana naani zvake. Asi aida kurwa kana zvaizobatsira kuchengetedza vanhu vake kubva kunjodzi.

Aruma 61:9–14, 19–20

Pahorani anotaura nemhomho yavaNifai

Pahorani akakumbira vaNifai kuti vamubatsire kurwa kuti vadzivirire mhuri dzavo, rusununguko rwavo, uye nekodzero yavo yokunamata Mwari. Aiziva kuti Mweya vaMwari waizova navo apo pavanosarudza kurwira izvo zvakanaka. VaNifai vakawanda vakauya kuzobatsira Pahorani kudzivirira nyika yavo.

Aruma 61:5–7, 14–15

Pahorani anonyora tsamba

Pahorani anonyorera Moronai tsamba. Akanga asina kutsamwira Moronai. Akaudza Moronai zvinhu zvose zvakanga zvichiitika. Akakumbira Moronai kuti auye uye amubatsire kurwisa vanhu vamambo. Pahorani aiziva kuti kana vakatevera Mwari, havaizofanira kutya. Mwari vaizovadzivirira nokuvabatsira.

Aruma 61:9, 14–21

Kaputeni Moronai anosimudza mureza werusununguko uye ofora pakati pavaNifai

Moronai akazadzwa netariro nokuda kwerutendo rwaPahorani. Asi akasuwa nokuti vamwe vaNifai vairwisa vanhu vavo pachavo uye vasingateereri Mwari. Moronai akatora mauto akaenda kunobatsira Pahorani. Akasimudza mureza werusununguko kwose kwaaienda. Zviuru zvavaNifai zvakasarudza kurwa kuitira kudzivirira rusungunuko rwavo.

Aruma 62:1–5

Kaputeni Moronai naPahorani vanonyemwerera uye vanotarisa pamepu

Moronai naPahorani vakakunda vanhu vamambo nemauto avo. Pahorani akava mutungamiri wavaNifai zvakare. Moronai akatumira varume vakawanda kunobatsira mauto avaNifai. Akatumirawo mauto zvokudya. Zvino nokuti vaNifai vaiva vabatana, vakakunda hondo zhinji. Vakatora zvakare maguta avaNifai mazhinji kubva kuvaRamani.

Aruma 62:6–32