“Jesu Anodzokera kuna Baba Vake,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)
Jesu Anodzokera kuna Baba Vake
Achishandira vadzidzi Vake Asati aenda
Jesu akanga adzidzisa vanhu vhangeri Rake. Akavadzidzisa kuda Mwari uye kushandirana. Nenguva pfupi, Jesu aizodzokera kuna Baba Vake. Akakumbira vadzidzi vake kuti varambe vachidzidzisa vanhu mushure mokunge aenda.
Asati Aenda, Jesu akabvunza mumwe nomumwe wevadzidzi Vake izvo zvaaida kuti Amuitire Vakawanda vevadzidzi vakati vaida kugara naJesu mushure mokunge vapedza kuMushandira panyika. Jesu akavavimbisa kuti vaizogara Naye mushure mokunge wafa.
Vatatu vevadzidzi vake vaiva vakasuwa nokuda kwokuti vaishushikana zvikuru zvokuti havana kutaurira Jesu zvavaida. Asi Jesu aiziva zvavaida kubva kwaAri. Vaida kurarama kusvikira paKuuya kweMuponesi kweChipiri kuitira kuti vagokwanisa kubatsira vanhu vakawanda kuuya kuna Jesu.
Jesu akavavimbisa kuti havaizofa. Vaizogara panyika uye vobatsira vanhu kuuya kwaAri kusvikira paKuuya kweChipiri Kwake.
Jesu akabata mumwe nemumwe wavadzidzi nemunwe Wake kusara kwavatatu vaida kugara. Zvino Jesu akabva uye akadzokera kuna Baba Vokudenga.
Mushure meizvi, matenga akazaruka uye vadzidzi vatatu vakatorwa kuenda kudenga. Vakaona nekunzwa zvinhu zvakawanda zvinoshamisa uye vakaudzwa kuti vasataura pamusoro pazvo. Miviri yavo yakashandurwawo kuitira kuti vasazofa kana kunzwa kurwadziwa.
Vadzidzi vakadzoka uye vakaenderera mberi nokudzidzisa vanhu pamusoro paJesu. Vanhu vaida kutevera Jesu uye vakabhabhatidzwa muChechi Yake. Rudo rwaMwari rwakanga ruri mumwoyo yavo, uye vakagoverana zvose zvavaiva nazvo. Vaifara, uye Mwari vakavaropafadza. Munhu wose akagara murunyararo kwemakore angangoita mazana maviri.