Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Eta Muporofita


“Eta Muporofita,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Eta 6; 12–15

Eta Muporofita

Yambiro yaIshe kurudzi

Mufananidzo
vanhu vanofara vari mumusika wemuguta

Ishe vakaunza mukoma waJaredi nemhuri yake kunyika yechipikirwa. Vaiva vakazvininipisa, uye vaichengeta mirairo yaMwari. Boka ravo rakakura kwemakore akawanda, uye vaida mambo anovatungamirira. Mukoma waJaredi akavayambira kuti kuva namambo kwaizotungamirira kumatambudziko, asi akavarega vachisarudza mambo.

Eta 6:5, 12–18, 22–24, 27

Mufananidzo
VaJaredi vakashatirwa uye vanonongedzera kuna Eta

Kwemazana emakore, vaJaredi vakagara munyika yechipikirwa. Dzimwe nguva madzimambo avo aivatungamirira kuita zvakanaka, asi dzimwe nguva vaisadaro. Vaporofita vaMwari vaiyambira vanhu kuti vatendeuke. Apo pavaiteerera uye nokuchengeta mirairo yaMwari, Vaivaropafadza. Muporofita wevaJaredi wokupedzisira ainzi Eta.

Eta 7:23–27; 9:26–30; 10:16–17, 28; 11:1–8, 12–13, 20–22; 12:2

Mufananidzo
Eta akagara uye anokudzidzisa, uye vamwe vanhu vakashatirwa

Vanhu vaiva vasiri kuteerera Mwari. Asi Mweya waIshe wakanga uina Eta. Akavadzidzisa kubva mangwanani kusvika usiku. Akati vatende muna Mwari uye vatendeuke kana kuti vaizoparadzwa. Kana vakanga vaine rutendo, vaikwanisa kuva netariro yokuzogara naMwari zvakare uye kuva nesimba rokuita zvinhu zvakanaka. Vanhu havana kutenda.

Eta 11:22; 12:2–5; 13:2

Mufananidzo
Eta akagara mubako uye anonyora

Eta akatarisa izvo zvaiita vanhu. Aivanda mubako masikati uye ainyora pasi zvaaiona. Vanhu havana kutendeuka uye vakatanga kurwisana.

Eta 13:13–15

Mufananidzo
Korianduma anotarisa mberi

Eta akaona kuti mambo wavaJaredi, Korianduma, aifanira kurwisa vanhu vakawanda vaida kuva mambo. Korianduma akashandisa mauto ake kuti azvidzivirire.

Eta 12:1; 13:15–19

Mufananidzo
Eta anotaura naKorianduma

Rimwe zuva, Ishe vakaudza Eta kuti ayambire Korianduma nevanhu vake kuti vatendeuke. Kana vakadaro, Ishe vaizobatsira vanhu uye vaizorega Korianduma aine umambo hwake. Kana zvikasadaro, vanhu vaizourayana. Korianduma aizorarama kusvika aona kuti mashoko aIshe aiva echokwadi. Zvino naiyewo aizofa.

Eta 13:20–21

Mufananidzo
Shizi nemauto ake vanorwisana nemauto aKorianduma, uye Eta anotarisa

Korianduma nevanhu vake havana kutendeuka. Vanhu vakaedza kuuraya Eta, asi Eta akatizira kubako rake. Mumwe murume ainzi Shizi akarwa naKorianduma. Vanhu vakasarudza kubatana nemauto aShizi kana mauto aKorianduma. Mauto maviri aya akava nehondo zhinji. Vanhu vakawanda vakafa.

Eta 13:22–25; 14:17–20; 15:2

Mufananidzo
Mauto aKorianduma anorwisana nemauto aShizi, uye Korianduma anonyora tsamba

Korianduma akarangarira zvakataurwa naEta. Akasuwa kuti vanhu vake vakawanda kudaro vakanga vafa. Akarangarira kuti vaporofita vose vakayambira kuti izvi zvaizoitika. Akatanga kutendeuka uye akatumira tsamba kuna Shizi. Akati aizosiya humambo hwake kana vanhu vake vaikwanisa kuponeswa. Asi Shizi aida kurwa.

Eta 15:1–5

Mufananidzo
varume, madzimai, navana vanofora samasoja, uye Eta anotarisa

Vanhu vaKorianduma vakashatirwa uye vaida kurwa. Vanhu vaShizi vakashatirwawo uye vaida kurwa. Hapana aida kutendeuka. Eta akaona kuti munhu wose zvake akaenda kuhondo. Vamwe vanhu vakawanda vakafa.

Eta 15:6, 12–17

Mufananidzo
Korianduma anopfugama achinaiwa nemvura akabata pfumo

Korianduma aida kumisa hondo. Akakumbira Shizi kuti atore humambo uye arege kukuvadza vanhu vake. Asi munhu wose akashatirwa. Vakanga vasina Mweya waIshe. Eta akaona kuti munhu wose akaramba achirwa kusvikira Korianduma ndiye chete mumwe muJaredi aiva mupenyu. Zvino Korianduma akarukutika.

Eta 15:18–30, 32

Mufananidzo
Eta anopfugama uye anonamata kuna Mwari paaritari iri pamusoro pechikomo, uye zvinyorwa zvinochengetwa mubako riri pedyo

Eta akaona kuti zvose zvakanga zvataurwa naMwari zvakaitika. Eta akapedza kunyora pasi izvo zvakanga zvaitika. Zvino akaita chokwadi chokuti vanhu vaizokwanisa kuwana zvinyorwa zvake mushure mokunge afa. Eta aivimba naMwari uye aitarisira kuzova Navo nerimwe zuva.

Eta 15:33–34

Dhinda