Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Samueri Muporofita


“Samueri Muporofita,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Hiramani 13–16

3:6

Samueri Muporofita

Kudzidzisa pamusoro pokuzvarwa nokufa kwaJesu

VaNifai vanoita kuti Samueri abude muguta

Muporofita wechiRamani ainzi Samueri akaenda kunodzidzisa vaNifai muZarahemura. Akadzidzisa pamusoro pokutendeuka. VaNifai havana kuteerera uye vakamukandira kunze kweguta.

Hiramani 13:1–2

Samueri anonamata

Samueri akanga avakuda kudzokera kuvanhu vake. Asi Ishe vakamuudza kuti adzokere kunodzidzisa vaNifai.

Hiramani 13:2–3

Samueri anomira kunze kweguta uye anotarisa kumusoro kwariri

Ishe vakaudza Samueri kuti Vaizomuudza zvokutaura. Samueri akateerera Ishe. Akadzokera kuZarahemura. Asi vaNifai vakaramba kumubvumira kuti apinde muguta.

Hiramani 13:3–4

Samueri anomira parusvingo rweguta uye otaura kuboka guru ravanhu

Samueri akakwira rusvingo rweguta. Akataura zvinhu zvakaiswa mumwoyo make naIshe. Akayambira vanhu kuti vaizoparadzwa nokuda kwokuti vaita zvinhu zvakaipa. Akati rutendeuko uye nerutendo muna Jesu Kristu chete ndizvo zvaikwanisa kuvaponesa. Akati Jesu, Mwanakomana waMwari, aizozvarwa mumakore mashanu aitevera.

Hiramani 13:4–11; 14:2, 8, 12–18

Samueri anomira parusvingo rweguta uye otaura, uye mufananidzo waJesu ari mucheche, Maria, uye naJosefa uri pedyo naye

Samueri akataura kuti kwaizova nezviratidzo zvekuzvarwa kwaJesu. Akaudza vanhu kuti vatsvake zviratidzo zvacho. Chiratidzo chimwe chaizova cheusiku husina rima. Zvimwe zviratidzo zvaizova zvokuti nyeredzi itsva uye nezvinhu zvakawanda zvinoshamisa zvaizoonekwa mudenga.

Hiramani 14:3–7

Samueri anotaura, uye mufananidzo uri pedyo naye woMuponesi Akamuka Kuvakafa arikunze kweguva Rake achitaura naMaria Magadarini

Samueri aida kuti vanhu vave nerutendo muna Jesu. Akati Jesu aizofa uye omuka kuvakafa kuitira kuti vanhu vose vagokwanisa kuponeswa kana vakatendeuka.

Hiramani 14:8, 12–18

Samueri anotaura, uye mufananidzo weguta rine rima uri kumashure kwake

Samueri akati kunozova nezviratidzo zvokufa kwaJesu. Vanhu vanenge vasingakwanisi kuona zuva, mwedzi, kana nyeredzi. Kunenge kusina chiedza kwemazuva matatu.

Hiramani 14:20, 27

Samueri anotaura, uye mufananidzo uri pedyo naye weguta richitsva nemoto nemheni ichirirova

Kwaizova nemabhanan’ana nemheni. Kundengendeka kwenyika kwaizouya, uye maguta aizoparadzwa.

Hiramani 14:21–27

Samueri anomira pamusoro perusvingo rweguta, uye boka ravanhu vakashatirwa riripasi rinoedza kumurova nemiseve nematombo, asi zvose zvinopotsa Samueri

Vamwe vanhu vakatenda muna Samueri, asi vaNifai vakawanda vakamushatirirwa. Vakakanda matombo nokumupfura nemiseve. Ishe vakadzivirira Samueri paaiva akamira parusvingo. Hapana kana dombo uye museve zvakakwanisa kumurova.

Hiramani 16:1–2

vamwe vanhu vanonamata uye vanotaridza kunetsekana, vamwe vanhu vakashatirwa, Samueri anobva

Zvapakanga pasina munhu aikwanisa kurova Samueri, vanhu vazhinji vakatenda mumashoko ake. Asi vanhu vazhinji vakanga vachakangoshatirwa. Vakaedza kubata Samueri kuti vagomusunga. Samueri akatiza uye akaenda kumba. Akaramba achidzidzisa vanhu vake.

Hiramani 16:3, 6–8.

muporofita ainzi Nifai anotaura navanhu pedyo nerukova

VaNifai vose avo vakatenda muna Samueri vakatendeuka uye vakabhabhatidzwa namuporofita Nifai. Vakatenda muna Jesu uye vakatsvaka zviratidzo zvokuzvarwa kwaJesu izvo zvavakanga vaudzwa naSamueri nezvazvo.

Hiramani 16:1, 3–5; 3 Nifai 1:8