Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Nifai Muporofita


“Nifai Muporofita,” Nyaya dzemuBhuku raMormoni (2023)

Hiramani 6–11

3:56

Nifai Muporofita

Kuwana simba guru kubva kuna Ishe

VaNifai vakapfeka mbatya dzinoshamisira, vanobira nokuseka vanhu

Boka rainzi makororo aGadhiandoni raitonga guta reZarahemura. Vakavimbisana kubatsirana kuita zvinhu zvakaipa. Vaipamba nekukuvadza vanhu kuti vawane mari nesimba. Vanhu vakawanda vakabatana namakororo acho. Vaida kuva vapfumi.

Hiramani 6:15–24, 38–39; 7:4–5

Nifai anopfugama mushongwe yake uye onamata, uye muNifai anomutarisa akashatirwa

Muporofita Nifai aigara muZarahemura. Nifai akanamata kuna Mwari nokuda kwokuti aiva akasuwa kuti vanhu vaiva vasingateveri mirairo yaMwari. Nifai akakumbira vanhu kuti vayeuke zvose izvo Mwari zvavakavaitira. Asi vanhu vakawanda vakaramba kuteerera. Vainyanya kuva nehanya pamusoro pemari nesimba kupfuura kuteerera Mwari.

Hiramani 7:1–22

Nifai anotaura kumhomho yavaNifai kubva pashongwe, uye vanhu vanomupopotera

Nifai anoyambira vanhu pamusoro pamakororo. Akati vaifanira kutendeuka. Vamwe vatongi vechiNifai vakanga vabatana nemakororo. Vakashatirirwa Nifai uye vakati ainyepa. Vaida kuti vanhu vashatirirwewo Nifai.

Hiramani 7:22–29; 8:1–7

Nifai anotaura uye anotendeka noruoko rwake

Nifai akati Mwari vanotaurira vaporofita Vavo zvinhu zvakawanda. Nifai akavaudza kuti vaporofita vose vakadzidzisa pamusoro pekuuya kwaJesu Kristu. Akati vaporofita vakayambira vanhu kuti Jerusarema yaizoparadzwa kana vakasatendeuka. Akavabatsira kuyeuka kuti Jerusarema yakaparadzwa.

Hiramani 8:11–25

Nifai anotaura kumhomho yavaNifai, uye vanhu vanoteerera

Muzuva raitevera, vatongi vakabvunza Nifai mibvunzo kuti vamunyengedze. Nifai akavaudza pamusoro pehuipi hwaiva pakati pavo. Vamwe vanhu vakatenda muna Nifai uye vakaziva kuti akanga ari muporofita.

Heramani 9:19–41

Nifai arioga uye anotaridzika kusuwa

Vamwe havana kutenda. Vanhu vose vakaitirana nharo uye ndokubva vaenda. Nifai akafunga pamusoro pezvaanga adzidziswa naIshe. Akasuwa nokuda kwezviito zvakaipa zvavanhu.

Hiramani 10:1–3

Nifai anopfugama uye onamata, uye chiedza chinopenya paari

Ishe vakataura naNifai. Vakafara kuti Nifai akanga adzidzisa vanhu. Nokuda kwokuteerera kwaiita Nifai, Ishe vakamupa simba rakakosha pamusoro pezvinhu zviri panyika uye zviri kudenga. Ishe vaiziva kuti Nifai aizoshandisa simba iri chete kubatsira vanhu kuti vatendeuke.

Hiramani 10:3–12

Nifai anotaura kumhomho yavaNifai, uye vanhu vanomufuratira kana kumutarisa vakashatirwa

Ishe vakaudza Nifai kuti adzokere kuvanhu uye avaudze kuti vatendeuke. Nifai anoenda nokuchimbidzika. Asi vanhu vaiva vakamushatirirwa uye havana kuteerera.

Hiramani 10:11–15

varindi vanotsvaga Nifai, uye Nifai anofamba kubva kwavari

Vakaedza kuisa Nifai mutirongo. Asi Mweya waMwari wakabatsira Nifai kuti atize.

Hiramani 10:15–17

Nifai anotarisa guta rinotsva

Nifai akaramba achidzidzisa shoko raMwari. Vanhu havana kuteerera. Vakatanga kukakavadzana uye nokurwa pachavo. Makororo akaita kuti kurwa kunyanye kuwedzera. Munguva pfupi, kwakava nehondo mumaguta ose. Vanhu vakawanda vaiva vachikuvadzwa kana kuuraiwa. Nifai akasuwa. Akanga asingadi kuti vanhu vaparadzwe nehondo.

Hiramani 10:17–18; 11:1–4

nyika yakaoma, hapana chinomera, uye hakuna mvura, uye vaNifai vanoratidzika kusuwa uye vanobatsirana

Nifai akakumbira Mwari kuti vakonzere nzara huru kuitira kuti vanhu vayeuke Ishe uye vatendeuke. Kwakanga kusina mvura inonaya kwemakore akawanda. Pasi pakanga pakaoma, uye zvirimwa zvakanga zvisingakwanisi kukura. Vanhu vaiva nenzara. Vakarega kurwa uye vakatanga kuyeuka Ishe. Vanhu vakatendeuka uye vakatandanisa makororo.

Hiramani 11:3–7, 9–10

Nifai anonamata, kuri kunaya, uye vaNifai vanonyemwerera uye votenda Mwari

Vanhu vakakumbira Nifai kuti anamate kuna Ishe. Nifai akaona kuti vakanga vatendeuka uye kuti makororo akanga aenda. Akakumbira Ishe kuti vatumire mvura inonaya. Ishe vakapindura munamato waNifai. Mvura inonaya yakauya, uye zvirimwa zvikatanga kukura. Vanhu vakatenda Mwari. Vakaziva kuti Nifai aiva muporofita uye kuti akanga aine simba guru kubva kuna Mwari.

Hiramani 11:8–18