Chitsauko 1
Mawaniro Atakaita Bhuku raMormoni
Rimwe zuva Joseph akaverenga Jakobo 1:5 muBhaibheri: “Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera, ngaakumbire kuna Mwari.” Joseph aida kuziva kuti ndeipi chechi yaiva yechokwadi, saka akasarudza kubvunza Mwari.
Pamangwanani epfumvudza Joseph akaenda musango padyo nekumba kwavo kunonamata.
Apo paakapfugama pasi uye akatanga kunamata, Satani akaedza kumumisa. Joseph akanamata zvakasimbisisa, achikumbira Baba Vekudenga rubatsiro.
Baba Vekudenga naJesu Kristu vakauya kuna Joseph mumurazvu wechiedza. Baba Vekudenga vakanongedza kuna Jesu vakati: “Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!”
Joseph akabvunza kuti ndeipi chechi yaaifanira kupinda. Jesu akamutaurira kuti asapinde ipi zvayo yadzo nokuti dzose dzakanga dzisiri dzechokwadi.
Apo Joseph paakataurira vamwe vanhu izvo zvaakanga aona nekunzwa, vakamuseka. Vatungamiri vemachechi mazhinji emunzvimbo mavaigara vakamutambudza.
Makore matatu akapfuura. Umwe usiku Joseph akanga achinamata kuti aregererwe zvivi zvake uye kuti azive izvo zvaaifanira kuita.
Ngirozi inonzi Moronai yakazviratidza uye ikataurira Joseph nezve bhuku rakanga rakanyorwa pamahwendefa egoridhe. Joseph aifanira kududzira mahwendefa aya muChirungu.
Mushure mekunge Moronai aenda, Joseph akafunga pamusoro pezvakanga zvataurwa naMoronai. Moronai akadzokazve kamwe kaviri usiku ihwohwo.
Zuva rakatevera Joseph akaenda pamusoro peChikomo Kumora, icho chaakanga aona muchiratidzo. Ipapo akawana ibwe guru. Akapikinyura ibwe nechimuti.
Pasi peibwe paive nebhokisi rematombo. Apo Joseph paakatarisa mukati mebhokisi, akaona mahwendefa egoridhe.
Moronai akazviratidza akataurira Joseph kuti asatore mahwendefa asi kuti adzoke pazuva rimwechetero gore rega rega kwemakore mana. Panguva yega yega Joseph yaaienda, Moronai aimudzidzisa.
Mushure memakore mana Joseph akazobvumirwa kuti atore mahwendefa egoridhe. Akashandisa Urimi neTumimi kududzira mamwe acho.
Vanyori vakabatsira Joseph nekunyora mazwi apo paaiadudzira kubva pamahwendefa egoridhe.
Joseph akaenda nemazwi akadudzirwa kumudhindi uye akaita kuti aitwe bhuku.
History of the Church 1:71
Bhuku racho rinonzi Bhuku raMormoni. Rinotaura nezve vanhu vaigara muAmerica makore mazhinji akapfuura. Rinotaurawo nezva Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari.