Chitsauko 46
Jesu Kristu Anodzidzisa uye Anonamata nemaNifai
Magwanani akatevera maNifai nevamwe vadzidzi vakadzidzisa boka rakanga raungana. Vadzidzi zvino vakanamatira kuti vazotambira Mweya Mutsvene.
Nifai akapinda mumvura uye akabhabhatidzwa. Zvino akabhabhatidza vamwe vadzidzi.
Mushure mekubhabhatidzwa, vadzidzi vakatambira Mweya Mutsvene. Moto wairatidzika sekunge wakavakomberedza, uye ngirozi dzikadzika kubva kudenga dzikavaparidzira.
Apo ngirozi padzakanga dzine vadzidzi, Jesu akauya akamira pakati pavo.
Kristu akataurira maNifai ose kuti apfugame pasi. Akataurira vadzidzi vake kuti vanamate.
Apo pavainamata, Jesu akasuduruka zvishoma kubva paiva navanhu uye akapfugama pasi akanamata kuna Baba Vekudenga.
Jesu akatenda Baba Vekudenga kuti vakapa Mweya Mutsvene kuvadzidzi vake. Zvino akakumbira kuti Mweya Mutsvene upiwe kuna ani nani anotenda mazwi evadzidzi.
Jesu akaropafadza vadzidzi vake apo pavainamata. Akanyemwerera kwavari, uye vakava vachena sechiso nembatya dzake.
Jesu akanamatira vadzidzi vake zvakare. Akafadzwa nerutendo rukuru rwavo.
Kristu akaudza vanhu kuti vamire kunamata asi kuti varambe vachinamata mumwoyo mavo. Zvino akavapa sakaramende.
Hapana akanga aunza chingwa kana waini, asi Muponesi akaita kuti zvivepo nenzira inoshamisa.
Jesu Kristu akataurira maNifai kuti vhangeri rake raizounzwa zvakare pasi mumazuva okupedzisira.
Akavataurira kuti vanzvere magwaro matsvene, uye akaita kuti Nifai anyore muzvinyorwa kuzadzikiswa kwehuporofita hwese hwaSamueri muRamani.
Zvino Jesu akadzidzisa vanhu kubva mumagwaro matsvene. Akavataurira kuti vadzidzisane zvinhu zvaakanga avadzidzisa.
Jesu akadzokera kudenga, uye vadzidzi vake vakadzidzisa vanhu. Avo vaitenda vakabhabhatidzwa vakatambira Mweya Mutsvene.
MaNifai akatanga kuteerera mirairo yose.