Chitsauko 31
Mutungamiri Moronai Anokurira Zerahemuna
MaNifai vaida kuchengeta nyika yavo nemhuri dzavo zvakasununguka. Vaidawo kuti vasununguke pakunamata Mwari.
Mutungamiri Moroni aive mutungamiri wemauto echiNifai. Apo maRamani paakauya kuzorwa, Moronai nemauto ake vakasangana navo munyika yeJeshoni.
Mutungamiri Moronai akanga agadzirira mauto ake nezvombo zvehondo, nhowo, uye nenhumbi hobvu.
MaRamani vakanga vaine mauto akawanda kupfuura echiNifai asi vakatya apo pavakaona nguvo dzehondo dzemaNifai—maRamani akanga akapfeka nguvo shomanana chaizvo.
Mauto echiRamani havana kumbofa vakaedza kurwa nemauto eMutungamiri Moronai. MaRamani vakamhanyira murenje uye akasarudza kurwisa rimwewo guta ramaNifai.
Moronai akatumira vasori kunoongorora maRamani. Uye akakumbirawo Aruma kuti anamatire rubatsiro kuna Ishe. Ishe vakataurira Aruma uko maRamani kwavaizorwisa.
Apo Moronai paakagamuchira shoko raAruma, akasiya mamwe masoja kuti varinde Jeshoni uye akaforesa mamwe ose kuti anosangana nemaRamani.
Masoja aMutungamiri Moronai akavanda kumativi ese erwizi rweSidhoni, vachimiririra kukachikira mauto echiRamani.
Hondo yakatanga, uye maRamani akaedza kupukunyuka nokuyambuka rwizi, asi maNifai akawanda akanga akavamirira kumhiri kwerwizi.
Vachirwa nesimba kupfuura zvavaiva vasati vamboita, Zerahemuna nemauto ake vakauraya maNifai mazhinji. MaNifai vakachema kuna Ishe kuitira rubatsiro.
Ishe vakasimbisa mauto echiNifai. Mauto akakomberedza maRamani, uye Moronai akaraira kuti kurwisana kumire.
Moronai akataurira Zerahemuna kuti maNifai vakange vasingade kuuraya maRamani kana kuvaita nhapwa.
Moronai akataura kuti maRamani akanga asingazokwanisi kuparadza rutendo rwemaNifai muna Jesu Kristu. Akati Mwari vaizoramba vachibatsira maNifai kurwa kana chete vakaramba vane rutendo.
Moronai akaraira Zerahemuna kuti amupe zvombo zvake zvose. MaRamani havaizourawa kana vakavimbisa kuti havaizomborwa nemaNifai zvekare.
Zerahemuna akapa Moronai zvombo zvake asi haana kuvimbisa kusazorwa . Moronai akadzosera zvombo kuitira kuti maRamani akwanise kuzvidzivirira.
Zerahemuna akamhanyira kuna Moronai kuti amuuraye, asi musoja wechiNifai akarova akatyora munondo waZerahemuna.
Zvino musoja akacheka kubvisa ganda redehenya raZerahemuna, akariisa kumuromo kwemunondo, uye akarisimudzira mumhepo.
MaRamani aizowasekuwa kwakanga kwaita ganda redehenya, akavataurira, kunze kwekunge vasiya zvombo zvavo uye vakavimbisa kusazomborwa zvekare.
MaRamani mazhinji vakaisa zvombo zvavo pamakumbo aMoronai uye akavimbisa kusazorwazve. Vakabvumirwa kuti vaende vakasununguka.
Nekushatirwa kukuru, Zerahemuna akatunhidza masoja ake ose akanga asara kuti arwe. Masoja aMoronai akauraya vazhinji vawo.
Apo Zerahemuna paakaona kuti iye nevarume vake vose vaizouraiwa, akateterera Moronai kuti asavauraye. Akavimbisa kusambofa akarwisa maNifai zvakare.
Moronai akamisa kurwisana uye akatora zvombo zvemaRamani. Mushure mekuvimbisa kuti havaizorwa, maRamani akaenda.