Chitsauko 43
Jesu Kristu Anozviratidza kumaNifai
Vanhu vaitaura pamusoro paJesu Kristu nechiratidzo chekufa kwake.
Apo pavaitaura, vakanzwa inzwi rakanyarara raibva kudenga. Rakaita kuti mwoyo yavo itsve.
Pakutanga havana kunzwisisa inzwi iri, asi parakataura kechitatu, vakarinzwisisa.
Izwi rakanga riri raBaba Vekudenga. Rakasuma Jesu Kristu uye rikataurira vanhu kuti vamuteerere.
Jesu Kristu akadzika pasi kubva kudenga uye akamira pakati pevanhu. Vakatya kutaura nekuti vakanga vasinganzwisisi zvakanga zvichiitika. Vakafunga kuti Jesu akanga ari ngirozi
Akavaudza kuti akanga ari Jesu Kristu, uyo vaporofita wavakanga vati achauya.
Jesu akataurira vanhu kuti vauye vazobata mavanga aiva parutivi rwake uye aiva muzvanza zvake nemutsoka dzake, umo maakanga arovererwa namo pamuchinjikwa.
Jesu aida kuti vanhu vazive kuti aiva Mwari wavo uye kuti akanga afira zvivi zvavo.
Mumwe nemumwe vanhu akabata mavanga murutivi, muzvanza, nemutsoka dzaJesu. Vanhu vakaziva kuti akanga ari Muponesi.
Zvino vanhu vakarumbidza Jesu uye vakawira pasi petsoka dzake uye vakamunamata.
Jesu akadaidza Nifai uye vamwe varume gumi nemumwe kwaari. Akavapa simba rehupirisita uye akavadzidzisa nzira kwayo yokubhabhatidza nayo.
Akataurira maNifai kuti vatende maari, vatendeuke, uye vachengete mirairo. Kana vakasadaro, havaizokwanisa kupinda muumambo hwake.
Akadzidzisa maNifai manamatiro avaifanira kuita kuna Baba Vekudenga. Akavadzidzisawo pamusoro pekutsanya uye akati vaizoregererwa kana vakaregererana.
Mushure mukodzidzisa vanhu zvinhu zvakawanda, Jesu akavataurira kuti vaenda kumba uye vanofunga nokunamata pamusoro pezvaakanga ataura.
MaNifai akatanga kuchema. Vakanga vasingadi kuti Jesu aende nguva iyoyo
Jesu aida maNifai. Akavataurira kuti vaunze vanhu vairwara kana vakanga vakuvara kwaari kuti agovaporesa.
Jesu akaporesa vanhu ava. Vanhu vose vakapfugama uye vakamunamata.